Johwani 12
12
Jesu Anozodzewa paBhetani
(Mateo 26:6-13; Mariko 14:3-9)
1Mazuva matanhatu Paseka isati yasvika Jesu adoenda kuBhetani kwaigara Razaro, waadomutsa kubva pakupfa. 2Vadomugadzirira zvokuja zvomauro, Marita adovapasa zvokuja, naRazaro wanga ari pabodzi novaiva patafura naJesu. 3Mariya adotora chiyero chopakati nopakati chorita yochizoro chaidhura maninge chinoitiwa nadhi, ndokuchizora patsoka dzaJesu achidzipukuta nobvudzi rache, futi mumba mese mudozara kunushira. 4Asi Judhasi Isikarioti, mumwe wovadzidzi vache, nyakudzomupandukira adoti, 5“Sei mapfuta yakareya yasinai kutengesewa nomadhinari#12:5 muhoro wogore rese yopasiwa kuvarombo?” 6Adonyaira zvakarezvi, zvisingareve kuti waiva nohanya novarombo, asi nondava yokuti waiva mbavha, waigara nochikwama chomari waimbotora zvaiisiwa makaremo.
7Jesu adoti kwavari, “Siyanai naye, rekai ayachengetere zuva rokuvigiwa kwangu. 8Varombo munavo nguwa dzese, asi hamuve nainini nguwa dzese.”
Kupangana Kubaya Razaro
9Mhomho ikuru yovaJudha paidoziva kuti Jesu wanga ari muBhetani, vadoenda, vasingazviitire Jesu basi asi kuti vaone Razaro, waadomutsa kuvadopfa. 10Saka vatungamiri vovaphirisita vadoronga kubayawo naRazaro wacho, 11ndava nokuda kwaRazaro vaJudha vazinji vanga vachivasiya vachitenda kuna Jesu.
Kupinda noKupemberehwa muJerusarema
(Mateo 21:1-11; Mariko 11:1-11; Ruka 19:28-40)
12Mangwana chimuka mhomho ikuru idouya kumutambo idonzva kuti Jesu wanga achipinda muJerusarema. 13Saka vadochora tumathai tomichindwe ndokubirika kosangana naye vachidaidzira vachiti, “Hozana! Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe, adokomborehwa Mambo wovaIzirairi!” 14Futi Jesu adowana kamwana kombongoro ndokukagadha, sezvazvidonyohwa,
15“Reka kucha mhandara yoZioni,
Nangara mambo wako ari kuuya,
Adogadha kamwana kombongoro!”
16Vadzidzi vache vadozvinzvitsitsaba pakuthanga, asi Jesu paadokudziwa, ndopavadodzobengenuka kuti zvidonyohwa pamusoro pache futi kuti vadozviita kwaari. 17Mhomho yanga inaye paadodaidza Razaro kubva muguwa ndokumumutsa pakupfa idoramba ichipasa upfakazi. 18Ndochikonzero mhomho idoenda kosangana naye, vanga vanzva kuti adoita chiratidzo chakarecho. 19Saka vaFarisi vadonyairirana vachiti, “Muri kuonaka kuti hapanai chinhu chamungaite, nangarai, vanhu vese vaakumutevera.”
Vamwe vaGiriki Vanotsvaga Jesu
20Pakati povaye vadoenda konamata kumutambo paivawo nomaGiriki 21Vakarevo vadoenda kuna Firipi, waiva wokuBhetisaidha kuGaririya, vadoti kwaari “Changamire, tinodawo kuona Jesu.”
22Firipi adoenda koudza Andireya, Andireya adodzoenda naFiripi ndokuudza Jesu. 23Jesu adoti kwavari, “Nguwa yasvika yokuti Mwanakomana woMunhu akudziwe. 24Chokwadi ndinokunyairirai kuti, kunze kwokunge mbeu yogorosi yawira muivhu yopfa, inogara iri yega, asi ikapfa, inoita zvibereko zvidowanda. 25Uyo anoda upenyu hwache achataikihwa nahwo, asi uyo anovenga upenyu hwache pasi pano, achahuchengeta kuupenyu husingapere. 26Wese anondishandira, anofanira kunditevera, futi pandinenge ndiri, pakarepo ndopachavawo nomuranda wangu, kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza.”
Jesu Anonyaira Zvoipfa Yache
27“Zvino mwoyo wangu waakutambudzika. Manje ndichati chii? Ndoti, Baba ndiponesei panguwa yakarei chere? Aiwa, nondava yakarei ndidouya panguwa idodai. 28Baba, kudzai zita renyu.”
Zvino izvi ridouya richibva kudenga ndokuti, “Ndatorikudza, futi ndicharikudza pakare.”
29Mhomho yanga idomira idozvinzva ndokubva yati, kwadhirima. Vamwe vadoti, “Ngirozi yanyaira naye.”
30Jesu adovapindura, “Dzinga rakareri rauya nondava yenyu, aikona yangu inini. 31Iye zvino kutongewa kwopasi pano kwasvika, iye zvino muchinda wopasi pano achataihwa kunze, 32futi inini, kana ndasumudziwa kubva panyika, ndichakwevera vanhu vese kwandiri.” 33Adonyaira zvakarezvi kuti anangidze mapfiro yaaidzoita. 34Mhomho idomupindura, “Tidonzva kubva kumutemo kuti Khirisitu achararama nokusingapere. Unotaura tini uchiti Mwanakomana woMunhu anofanira kusimudziwa? Mwanakomana woMunhu wacho mbani?” 35Jesu adoti kwavari, “Chiedza munacho kwokanguwa kapfupi zvishoma. Tekairai machiri, kuti mureke kusvikihwa norima, uyo anotekaira murima haazive kwaanoenda. 36Muchinacho chiedza, tendai machiri kuti muve vana vochiedza.”
Kutadza Kutenda Kwovanhu
Jesu paadonyaira zvakarezvi adobirika achibva wavahwanda. 37Hundoriramuwa kuti mumasure mokunge Jesu waita zviratidzo zvizinji pamberi pavo, ivo havanai kumutenda, 38kuti shoko ridotauhwa nomuporofiti Isaya rizazisiwe rokuti,
“Ishe mbani adotenda zvaadonzva kwatiri,
Futi simba renyu ridonangidziwa kunani?”
39Saka vadotadza kutenda. Ndava Isaya anoti pakare,
40“Adovaita marombe
nokuomesa mwoyo yavo,
kuitira kuti vangadzoona nomeso yavo,
nokunzvitsitsa nomwoyo yavo,
vodzopindukira kwandiri,
kuti ndivaporese.”
41Isaya adonyaira zvakarezvi ndava adoona kubhwinya kwaJesu saka adonyaira pamusoro pache.
42Zvidodaipo zvazvene vazinji naivowo vatungamiri vadotenda kwaari, asi nopamusaka pokucha vaFarisi havanai kuzviratidza pachena, kuti vareke kudzobiritsiwa musinagoge, 43ndava vaifarira kupembedzewa novanhu kupinda kupembedzewa naMwari.
Kutongewa noMazvi yaJesu
44Zvino Jesu adodaidzira achiti, “Uyo anotenda kwandiri, haatende kwandiri, asi kuno adondituma. 45Futi wandiona inini waona uyo adondituma. 46Ndidouya ndiri sechiedza munyika, kuti wese anotenda kwandiri areke kumbondogara murima. 47Wese anonzva kudzidzisa kwangu, woreka kukuteerera, ndinomutongaba, ndava ndidouyaba kudzotonga nyika, asi kudzoponesa nyika. 48Uyo anondiramba asingatambire zvandinonyaira pano umwe anomutonga, mazvi yandidonyaira yachadzova mutongi wache pazuva rokupedzisira. 49Ndava ndidonyairaba musimba rangu ndega, asi Baba vadondituma ndivo vadondiraira zvokunyaira. 50Futi ndinoziva kuti mutemo wache upenyu husingapere. Saka zvandinonyaira ndinonyaira sekuraihwa kwandinoitiwa naBaba.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Johwani 12: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: