Mabasa yoNhumwa 26
26
Phauro anozvidairira pamberi paAgiripa
1Agiripa adoti kuna Phauro, “Uno mvumo yokuzvinyairira wega.” Zvino Phauro adotambanudza janja rache ndokuzvidairira achiti,
2“Ndinofunga kuti ndinorombo ridonaka kuti ndiri pamberi penyu, Mambo Agiripa, ndaakuzvidairira nasi ndichipikisa zvese zvandiri kunenedzehwa novaJudha, 3ndava imipa kunyanya munoruzivo notsika dzese dzochiJudha nopavanopesana, nokudaro ndinokukumbiritsai kuti muite mwoyo murefu kunditetekera.
4Mararamiro yangu kubva paukomana, ndidopedza nguwa yokuthanga ndiri pakati porudzi rangu kuJerusarema, zvinozikana novaJudha vese. 5Vadozviziva kwonguwa irefu, kana vachida kuzvipupura, kuti maererano nochikwata chidoometsetsa chokunamata ndidorarama semuFarisi. 6Uye ipopa ndidomira pano ndichitongewa nokuda kwotariro muchivimbiso chidoitiwa naMwari kumadzibaba vedu, 7kuno yakarei marudzi yedu gumi nomairi vanogurupira kuiwana, pavanonamata vadoperera masikati nousiku. Uye nondava yotariro yakarei ndiri kunenedzehwa novaJudha, Changamire! 8Ndavayeiko muchifunga kuti zvidooma kuti Mwari anomutsa vadopfa?
9Inipano ndanga ndidogutsikana kuti ndaifanira kuita zvinhu zvidowanda zvinopesana nozita raJesu woNazareta. 10Uye ndidoita zvakarezvo muJerusarema, handinai kundoisa chete mutorongo vatsvene vadowanda, nomasimba yadobva kuvapirisita vakuru, asi pavaibaiwa ndaitsigira ndichibvumirana nazvo. 11Uye ndaivaranga kadowanda mumasinagoge yese nokuedza kuvaita kuti vashore Mwari, futi pakuvazondetsa, ndidovatambudza nokumaguta yovatohwa.”
Phauro anonyaira zvokupinduka kwache
(Mabasa yoNhumwa 9:1-19; 22:6-16)
12“Saka ndidoenda kuDhamasiko musimba nomvumo yovaphirisita vakuru. 13Panguwa dzomasikati, Mambo, ndidoona chiedza munzira chidobva kudenga, chidopenya kukunda zuva, chichivhenekera pandanga ndiri novanga vachifamba nainini. 14Zvino patidowira pasi tese, ndidonzva dzinga richiti kwandiri nomutauro wochiHebheru, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Zvinokukuwadza kupura zvinotonzva.’ 15Zvino ndidoti, ‘Ndimi yaniko, Ishe?’ Iye Ishe adoti, ‘Ndini Jesu wauri kutambudza. 16Asi chisumuka, ndava ndazvinangidza kwauri nochikonzero chakarechi, kukusarudza kuti uve mushandi nomupfakazi wozvinhu zvawaona nozvandichakunangidza. 17Ndichikuhwira kuvanhu vokwako nokunovasinganamate kwandichakutuma. 18Usvinudze meso yavo, nokuvapindutsa kubva murima vachienda kuchiedza, uye kubva kusimba raSathani vachienda kuna Mwari, kuti vatambire kuregerehwa kwozvitadzo, nonzvimbo pakati povadoitiwa vatsvene nokutenda mandiri.’”
Phauro anonyaira zvobasa rache
19“Naizvozvo, Mambo Agiripa, handinai kuramba kuteerera kuchiratidzo chokudenga, 20asi ndidotaura ndichithanga kuno avo vokuDhamasikasi, ndokudzouya vokuJerusarema nomunyika yese yoJudhiya, nokuyamwe marudzi, kuti vanofanira kupinduka vadzoke kunaMwari uye voita mabasa yanoenderana nokupinduka kwavo. 21Nondava yakarei vaJudha vadondisunga muimba yaMwari ndokuedza kundibaya. 22Kusvika pazuva ranasi ndanga ndichiwana kubatsira kunobva kunaMwari, saka ndinomira pano ndichipupura kuno vese vadiki novakuru, ndisinganyaire chinhu asi zvidonyaihwa novaporofiti naMozisi kuti zvichaitika, 23kuti Khirisitu waidzotambudzika, uye nokudzova wokuthanga pakumuka kuvadopfa, waidzoparidzira chiedza kuvanhu vache nokuyamwe marudzi.”
24Naizvozvo paanga achizvidairira, Fesitasi adoti nodzinga rikuru, “Phauro, waakupenga, kudzidza kwako kukuru kwaakukupengesa.”
25Asi Phauro adoti, “Handisi kupenga, anoremekedzewa Fesitasi, asi ndiri kunyaira chokwadi chiri pachenu. 26Ndava mambo anoziva pamusoro pozvinhu zvakarezvi, uye ndinonyaira ndidosununguka kwaari, nokuti ndinoziva kuti hapanai chidokuphonyai pazvinhu zvakarezvi, ndava zvakarezvi zvidoitihwaba padohwanda. 27Mambo Agiripa, munotenda vaporofiti chere? Ndinoziva kuti munotenda.”
28Zvino Agiripa adoti kunaPhauro, “Munguwa ipfupipfupi wafunga kundiita muKhirisitu!”
29Phauro adoti, “Kana ikava ipfupi kana irefu, ndingade kuti dai Mwari waita kuti mureke kuva imipa mega asi novese vari kundinzva nasi kuti vavewo kunge inini kusiya kwokuva nongetani dzakaredzi.”
30Zvino mambo adosumuka, nomutongi naBhenisi noavo vavanga vadogara navo, 31saka pavanga vabirika, vadotaurirana vachiti, “Murume wakareyu haasi kuita chinhu chinoenderana noipfa kana kusungiwa.” 32Uye Agiripa adoti kuna Fesitasi, “Murume wakareyu angadai wasununguriwa dai asinai kukwidza nyaya kuna Siza.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mabasa yoNhumwa 26: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: