Mabasa yoNhumwa 24
24
Murandu waPhauro
1Mumasure momazuva mashano muphirisita mukuru Ananiyasi adoenda novamwe vakuru nogweta rinoitiwa Taturasi. Vadoisa nyaya yavo yokupikisa Phauro pamberi pomutongi. 2Zvino Taturasi paadodaidziwa, adothanga kumunenedzera murandu, achiti, “Sezvazviri, nondava yenyu tinokondwa kuti tinorugare rikuru, uye nokuda kwomuono wenyu woromangwana ridonaka zvaunza shanduko munyika ino. 3Kwese uye nonzira dzese vanoremekedzewa Ferekisi, tinotambira zvinhu zvakarezvi nomufaro mukuru. 4Asi, kuti ndireke kuramba ndidokusvanikai, ndinokutetereraiwo notsitsi dzenyu kuti mutinzvewo kwonguwa ipfupi. 5Nokuti tidoona kuti munhu wakareyu imharadzi, anofurira vamwe pakati povaJudha vese panyika yese, uye mutungamiri wokaboka komaNazarini. 6Adotoedza kusvipisa imba yaMwari, asi tidobva tamusunga. Taitoda kumutonga maererano nomutemo wedu. 7Asi mukuru womauto, Risiyasi adouya ndokumubvuta kwatiri nochisimba. 8Adobva waraira kuti vapikisi vaPhauro vauye kwamuri. Saka kuburikidza nokumuongorora pachenyu munogona kuziva kubva kwaari pamusoro pozvese zvatiri kumunenedzera.” 9VaJudha vadobatanawo naRisiyasi, vachisimbisa kuti izvozvi zvese ndizvo chaizvo.
Phauro anozvidziirira pamberi paFerekisi
10Zvino mutongi paadomunangidza kuburikidza nojanja kuti anyaire, Phauro adopindura achiti, “Nokuziva kuti muri mutongi worudzi rakareri kwomakore mazinji, ndinozvidziirira nomufaro. 11Sezvamunogona kuziva, hayasi mazuva yanopfuura gumi nomairi kubva pandidoenda konamata kuJerusarema, 12uye havanai kundiona ndichipikisana nomunhu kana ndichimutsa munyonga nomhomho, kana muimba yaMwari kana musinagoge, kana muguta. 13Futi havagone kukuonesai ipopa upfakazi hwozvinhu zvavari kundinenedzera. 14Asi zvandinobvuma pamberi penyu nzvizvi, kuti maererano noNzira, yavanodaidza kuti idotaika, ndinonamata Mwari womadzibaba vedu, ndichitenda zvese zvidoisiwa mumutemo nokunyohwa muvaporofiti. 15Ndinotariro muna Mwari yavanotambira vakareva pachavo, kuti kuchava nokumuka kwovese vadorurama novasinai kururama. 16Saka ndinototsunga panozvese kuva nohana idochena pamberi paMwari nopamberi povanhu.
17Zvino mumasure momakore yadotikuti ndidouya kopereka rubatsiro nozvipo kunyika yangu. 18Pandanga ndichiita zvakarezvi, vadondiwana ndanatsiwa muimba yaMwari, pasinai kana mhomho zvayene yandanga ndinayo, kana kuti ndidokonzera munyonga. 19Asi pano vaJudha vadobva kuEzhiya vaifanira kuva pano pamberi penyu kuti vapasewo chokunenedzera, kana vano chavanopikisana nainini. 20Kana kuti varume vakareva pachavo mbavanyaire kuti nzvipi zvidoipa zvavadoona pandidomira pamberi podare, 21kunze kwochibodzi chandidodaidzira pandidomira pakati pavo, ‘Chokuremekedza zvokumuka kuvadopfa ndava pano nasi ndichitongewa pamberi penyu.’”
22Asi Ferekisi, nokuva noruzivo rudojeka pamusoro poNzira, adovamisa, achiti, “Kana Risiyasi mukuru womauto wauya kuno, ndichapasa mutongo kunyaya yenyu.” 23Zvino adopasa chirevo kumukuru wozana chokuti achengetewe muusungwa asi ano kusununguka, uye kuti shamwari dzache dzireke kurambidziwa kumubatsira pano zvaanoda.
Phauro pamberi paFerekisi naDhurusira
24Mumasure momazuva Ferekisi adouya nomukadzi wache Dhurusira, wanga ari muJudha, zvino adodaidza Phauro kuti amutetekere achitaura pamusoro pokutenda muna Khirisitu Jesu. 25paanga achitsanangura nozvo kuenzanisa nokuzvibata nokutongewa kunodzouya, Ferekisi adochisiwa ndokuti, “Birika uyende parizvino, kana ndawana mukana ndichakudaidza.” 26Panguwa ibodziyo adotarisira kuti waidzopasiwa mari naPhauro. Saka adoramba achimudaidza achinyaira naye kadowanda.
27Asi padopera makore mairi, panzvimbo yaFerekisi padopinda Posiyasi Fesitasi, uye achida kufadza vaJudha, Ferekisi adosiya Phauro ari muturongo.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mabasa yoNhumwa 24: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: