1 Pita Kuwidzira
Kuwidzira
Tsamba Rokuthanga raPita ridonyohwa noNhumwa Pita. Pita adothanga tsamba rache nokunyaira kuti iye mbani uye kuti mbani waadonyorera. Tsamba rache adorinangisa kumaKhirisitu vese vaadodaidza kuti “vatohwa” (1Pita 1:1, 1:17, na 2:11) Vaverengi vache anovadaidza achidaro kadowanda ndava vanga vadofararira munyika dzidosiyanasiyana. Nondava yokuti tsamba rakareri rinozvimwe zvidofanana notsamba raPhauro kuvaEfeso, vazinji vanotenda kuti 1Pita ridonyohwa mumasure mavaEfeso kumakore yokumakumi matanhatu nomashano musure mukuzvahwa kwaKhirisitu. Pita adonyora tsamba iri kubva kuRoma kwaari kudaidza kuti Bhabhironi (1 Pita 5:13)
Pita anoti adonyora tsamba iri nochinangwa chokuti, “ndikukurudzirei uye ndipfakaze kuti uyu mutsa waMwari wochokwadi” (1 Pita 5:12) Zviripo zvimwe zvidofanana pakati paPita wokuthanga 2:11—3:7, vaEfeso 5:18—6:9, navaKorose 3:18—4:6. Dzese ndima idzi dzitatu dzinoraira zvoukama hwomhuri nokuteerera vanomasimba. Anokurudzirawo maKhirisitu kutsungirira kana pava nokutambudzika nokuti kuguma kwava papfupi (1 Pita 4:1)
Marongehwo
Pita anozviwidzira nokunyaira kuvaverengi vache (1 Pita 1:1-2)
Wodzotenda Mwari nokuda kworuponiso ravanokovana vese uye kuti zvinorevei kuupenyu hwavo (1 Pita 1:3—2:10)
Chinotevera huraira vatendi magariro yavangaite munyika achidzobata ukama hudosiyanasiyana hudoita sehwomurume nomukadzi uye muranda natenzi (1 Pita 2:11—4:11)
Mumasure mozvakarezvo Pita anovakurudzira kuti vachiirire pakutambudzika (1Pita 4:12—5:11)
Wodzovhara tsamba rache (1 Pita 5:12-14)
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
1 Pita Kuwidzira: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: