1 Pita 2

2
Ribwe Ripenyu noRudzi Ritsvene
1Nokudaro biritsai mungu wese nokunyengedza kwese, nokunyepedzera, usvinu, nomarudzi yese yomakuhwa. 2Sevacheche vachandozvariwa ditsitsai mukaka womweya udochena, kuti mukure nawo muruponiso renyu, 3ndava ikozvino mudoravidza kuti Ishe adonaka.
4Uyai kwaari iye ribwe ripenyu, ridorambiwa novanhu asi pamberi paMwari ridosarudziwa futi rinokosha. 5Naimipawo semabhwe mapenyu vakhiwai muchiva imba yomweya, muve boka rovapirisita vatsvene, mupereke zvibairo zvomweya zvinotambirika kuna Mwari kuburikidza naJesu Khirisitu, 6ndava mugwaro zvirimo zvinoti,
“Nangarai
ndiri kuisa muZioni ribwe ropakhona ridosarudziwa futi rinokosha,
nouyo anotenda maari haanyadzisiwe.”
7Saka kwamuri imipa vanotenda, rinokosha, asi kuno avo vasingatende,
“Ribwe rakarero ridorambiwa novavakhi
ridodzova musoro wokhona,”
8futi,
“Ribwe rinoguhuna vanhu,
riri dombo rinovambwedza.”
Vanoguhuniwa ndava havatetekere shoko, sezvavadotemehwa kuita.
9Asi imipa muri vanhu vadosarudziwa, vouphirisita hwoumambo, rudzi ritsvene, vanhu vache Mwari, kuti muparidze kurumbidziwa kwaiye adokudaidzai kubva murima kuenda muchiedza chache chinoshamisa. 10Kare manga musiri vanhu, asi zvino mava vanhu vaMwari, kare manga musinai kunzvihwa tsitsi, asi zvino mudonzvihwa tsitsi.
Varanda vaMwari
11Vadikani, ndinokukumbiritsai, sevatohwa novarendo, siyanai nozvido zvonyama, zvinohwisana nomweya wenyu. 12Raramai upenyu hudonaka pakati povasingatende, kuti kana nepo vachikunenerai kuti munoita zvidoipa, vaone zviito zvenyu zvidonaka, varumbidze Mwari pazuva raachauya.
13Zviisei pasi pomasimba yovanhu, nokuda kwaIshe, angave mambo, saiye anomasimba makuru, 14kana vatongi, vaadotuma iye kuti varange vanodzonga nokupembedza vanokohorora. 15Ndava nghuda kwaMwari kuti nokuita zvidonaka muvhare miromo yomadzemwa yasingazive 16Raramai sevanhu vadosununguka, asi musingashandise kusununguka kwenyu senzira yokuhwanda nayo kuita zvidoipa, asi raramai sevaranda vaMwari. 17Remekedzai vanhu vese. Idai hama dzinotenda, ichai Mwari, remekedzai mambo.
Muenzaniso Wokutambudzika kwaKhirisitu
18Varanda zviisei pasi paatenzi venyu norukudzo rese, aikona kunovaye vadonaka novadopfava vega, asiwo nokunovaye vanoukari. 19Ndava zvinopembedzewa kana munhu akatsunga kudzimbiwa zvisinai kodzero nondava yokuti anoziva Mwari. 20Asi ungarumbidzihwei kana ukadzonga worovehwa kuphonyako unotochiiriraba? Manje pamunoita zvidonaka motambudziwa pamusaka pazvene chiirirai pazviri, munopembedzewa pamberi paMwari. 21Zvakarezvi ndizvo zvamudodaidzihwa, ndava Khirisitu adokutambudzikirai, achikusiirai muenzaniso, kuti mutevere tsoka dzache. 22Hapanai chitema chaadoita, futi hapanai kunyengedza kudowanika pamuromo wache. 23Pavadomunyomba, haanai kudzotsera, paaitambudziwa haanai kuchichidzira. Asi adovimba naiye anotonga zvidokodzera. 24Iye pachake adotakura zvitema zvedu mumuiri wache pamuchinjikwa, kuitira kuti tipfe kuzvitema tiraramire kururama, nomavanga yache mudoporesewa. 25Ndava manga mudotaika kunge hwai, asi manje madzokera kuna Nyakabusa noMutariri womweya yenyu.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

1 Pita 2: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល