Mateo 6:16-18

Mateo 6:16-18 SUB1949

Kana muciɀinyima ɀokudya, regai kuʋa neciso cinopunyaira, saʋanyeŋgeri; nokuti ʋanoipisa ɀiso ɀaʋo, ʋaʋonekwe naʋanhu kuti ʋanoɀinyima ɀokudya. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋapiwa muɓairo waʋo. Asi iwe, kana uciɀinyima ɀokudya, zodza musoro wako, ushambe ciso cako; kuti urege kuʋonekwa naʋanhu kuti unoɀinyima ɀokudya, asi naƂaɓa ʋako ʋari pakaʋanda; ɀino Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda, ʋacakupa muɓairo.

អាន Mateo 6