Mateo 15:25-27
Mateo 15:25-27 SUB1949
Ɀino akaʋuya, akamunamata, akati: Ishe, ɗondiɓatsirai henyu. Akapindura, akati: Haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana. Akati: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya ɀimeɗu ɀinoɗonha patafura raʋatenzi ʋadzo.

