1
Jakobho 3:17
KoreKore Bible Translation
KBT
Asi uchenjeri hunobva kudenga chokuthanga hudochena, hunofarira runyararo, hudopfava, hunozvideredza, huzere notsitsi nochibereko chidonaka, hahunai rusaruro hahusi hwomusese.
ប្រៀបធៀប
រុករក Jakobho 3:17
2
Jakobho 3:13
Mbani adochenjera noanonzvitsitsa pakati penyu? Mbaazvinangidze noupenyu hwache hudonaka, nozviito zvinoitiwa mukupfava kunobva pauchenjeri.
រុករក Jakobho 3:13
3
Jakobho 3:18
Vayananisi vanojara murunyararo vanokohwa goho rokururama.
រុករក Jakobho 3:18
4
Jakobho 3:16
Ndava panousvinu nokunyangarihwa, ndipo pamunowana kunyongana nokuita kwese kudoipa.
រុករក Jakobho 3:16
5
Jakobho 3:9-10
Nochirimi tinorumbidza Ishe naBaba, nacho tinotukana vanhu, vadosikiwa mumufananidzo waMwari. Kubva mumuromo mubodzi bodziyo munobirika rumbidzo nokutukana. Hama dzangu izvozvo zvinofaniraba kudaro.
រុករក Jakobho 3:9-10
6
Jakobho 3:6
Kana nochirimi moto, inyika yozvidoipa pakati ponhengo dzomiviri yedu, chinosvipisa muviri wese womunhu, chinobatidza moto upenyu hwese, icho pachacho chinobatidziwa nomoto wogehena.
រុករក Jakobho 3:6
7
Jakobho 3:8
asi hapanai munhu anokwanisa kupingudza chirimi. Hachidekharike pakuipa, chidozara nonduru inobaya.
រុករក Jakobho 3:8
8
Jakobho 3:1
Hama dzangu, rekai kuva vadzidzisi vadowanda, ndava munoziva kuti isisu tinodzidzisa tichanyanyitsa kutongewa.
រុករក Jakobho 3:1
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ