1
Jakobho 1:2-3
KoreKore Bible Translation
KBT
Hama dzangu, mbondotii mufaro basi, pese pamunopinda mumiedzo idosiyanasiyana, ndava munoziva kuti kuedzewa kwokutenda kwenyu kunozvara kutsungirira.
ប្រៀបធៀប
រុករក Jakobho 1:2-3
2
Jakobho 1:5
Kana panoumwe wenyu anosaya uchenjeri, mbaakumbire Mwari, anondopereka zvidotambanuka kuvanhu vese uye asingatsvage mhosva, achahupasiwa.
រុករក Jakobho 1:5
3
Jakobho 1:19
Hama dzangu dzinodikana, zivai zvinhu zvakarezvi. Munhu wese mbaakurumidze kunzva, achehwe kunyaira futi achehwe kukaripa
រុករក Jakobho 1:19
4
Jakobho 1:4
Kutsungirira kunofanira kupedza basa rakwene kuti muve mipurumira idokwana pasinai chamunosaya.
រុករក Jakobho 1:4
5
Jakobho 1:22
Rekerai kuzvinyengedza nokundotetekera shoko basi, asi itai zvarinoreva.
រុករក Jakobho 1:22
6
Jakobho 1:12
Adokomborehwa munhu anotsungirira pamuedzo, ndava kana wakunda pakuedzewa achatambira korona youpenyu idovimbisiwa naMwari kuno avo vanomuda.
រុករក Jakobho 1:12
7
Jakobho 1:17
Chidonaka chese nochipo chese chidokwana chinoburuka chichibva kudzuru, kuna Baba vozviedza vasingasanduke kunge mimvuri inonyedza.
រុករក Jakobho 1:17
8
Jakobho 1:23-24
Wese anotetekera shoko asi asingaite zvarinoreva adofanana nomunhu anoona chiso chache pachiringiriro, anoti kana wabva kuzvinangara, anoenda achibva wakangamwirafuti kuti adoita tini.
រុករក Jakobho 1:23-24
9
Jakobho 1:27
Kunamata kunotambihwa naMwari Baba sekudochena kusinai tsambwa nghuku, kuchengeta hungwa novajiche pakutambudzika kwavo nokuzvichengeta kubva pakusvipisiwa nonyika.
រុករក Jakobho 1:27
10
Jakobho 1:13-14
Pakuedzewa, mbapareke kuva nomunhu anoti, “Ndiri kuedzewa naMwari,” Ndava Mwari anoedzewaba nozvidoipa, naiye pachake anoedzaba munhu. Asi munhu wese anoedzewa kana zvido zvache zvidoipa zvamukwezva nokumunyengedza.
រុករក Jakobho 1:13-14
11
Jakobho 1:9
Hama iri pasipasi mbaidade nokukwiridzihwa kwayene
រុករក Jakobho 1:9
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ