1
Varoma 7:25
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Ndinotenda Mwari kuti ndinonunurwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Saka zviripo ndezvokuti ini pachangu ndinochengeta mutemo waMwari nepfungwa dzangu asi nenyama yangu ndinotevera mutemo wechitadzo.
ប្រៀបធៀប
រុករក Varoma 7:25
2
Varoma 7:18
Chandinoziva apa ndechokuti hapana chakanaka chinogara mandiri. Ndiri kureva mumuviri wangu nokuti ndingade zvangu kuita zvakarurama asi handikwanisi kuzviita
រុករក Varoma 7:18
3
Varoma 7:19
nokuti zvakanaka zvandinoda kuita handizviiti asi zvakaipa zvandisingadi kuita ndizvo zvandinoita.
រុករក Varoma 7:19
4
Varoma 7:20
Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisirini ndiri kuzviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri kaya.
រុករក Varoma 7:20
5
Varoma 7:21-22
Saka ndavakutozviona somutemo kuti kana ndichida kuita zvakanaka, chakaipa chinenge chiri pedyo pedyo. Zviripo ndezvokuti, ini mukatikati mangu chaimo, ndinofarira mutemo waMwari.
រុករក Varoma 7:21-22
6
Varoma 7:16
Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, zvinoreva kuti ndinobvuma kuti mutemo wakanaka.
រុករក Varoma 7:16
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ