1
Mariko 16:15
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Akati kwavari, “Endai kunyika dzapasi pose mundoparidza Shoko Rakanaka kuzvisikwa zvose.
ប្រៀបធៀប
រុករក Mariko 16:15
2
Mariko 16:17-18
Hezvino zviratidzo zvichava navanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa nezita rangu. Vachataura nendimi itsva, vachabata nyoka namaoko. Kunyange vakanwa chinouraya hachizovakuvadzi kwete. Vachaisa maoko pavarwere, vachibva vapora.”
រុករក Mariko 16:17-18
3
Mariko 16:16
Anenge atenda akaombekwa achaponeswa, asi uyo asingatendi achapiwa mhosva.
រុករក Mariko 16:16
4
Mariko 16:20
Ivo vakaenda vakandoparidza kwose kwose, Tenzi achivabatsira achitsinhira shoko ravo nezviratidzo zvairisimbisa. Ameni.
រុករក Mariko 16:20
5
Mariko 16:6
Jaya ndokuvati, “Regai kuvhunduka, muri kutsvaka Jesu weNazareti akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka, haasisimo muno. Tarisai muone nzvimbo yavakamuradzika.
រុករក Mariko 16:6
6
Mariko 16:4-5
Zvino vakatarira vakaona kuti dombo riya rakanga ratokungurutswa; rakanga riri guru kwazvo. Pavakapinda muguva vakaona Jaya rigere nechokurudyi, rakapfeka gemenzi jena, vakabva vavhunduka kwazvo.
រុករក Mariko 16:4-5
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ