1
Mateu 22:37-39
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Jesu akati kwaari, “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose. Iwoyu ndiwo mutemo mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana naiwo unoti, ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’
ប្រៀបធៀប
រុករក Mateu 22:37-39
2
Mateu 22:40
Mirao miviri iyoyi ndiyo misimboti yemitemo yose navaporofita.”
រុករក Mateu 22:40
3
Mateu 22:14
Nokuti vazhinji vanodaidzwa asi vashoma ndivo vanosarudzwa.
រុករក Mateu 22:14
4
Mateu 22:30
Nokuti pakumuka kwavanhu kubva kuvafi, havazoroori kana kuroorwa. Asi vanenge vaita savatumwa vokudenga.
រុករក Mateu 22:30
5
Mateu 22:19-21
Ndiratidzei mari yacho yamunotera nayo mutero.” Vakamuunzira mari chena yainzi dhenari. Jesu ndokuti kwavari, “Ko mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” Vakati, “NdezvaSiza.” Iye ndokuvati, “Ipai zvaSiza kuna Siza, mupewo zvaMwari kuna Mwari.”
រុករក Mateu 22:19-21
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ