1
Mateu 13:23
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Asi yakadyarwa muvhu rakanaka, ndouyo anonzwa shoko achirinzwisisa uye anobereka muchero achikohwa mumwe zana, mumwewo makumi matanhatu mumwe makumi matatu.”
ប្រៀបធៀប
រុករក Mateu 13:23
2
Mateu 13:22
Yakadyarwa muminzwa ndouyo anonzwa izwi asi kuzvidya mwoyo nezvapanyika nokutorwa mwoyo noupfumi, zvinovhunga izwi, rokundikana kubereka muchero.
រុករក Mateu 13:22
3
Mateu 13:19
Kana munhu akanzwa mashoko oumambo uhu asinganzwisisi, muipi anouya obvuta zvinenge zvadyarwa mumwoyo make. Ndivo vakadyarwa munzira.
រុករក Mateu 13:19
4
Mateu 13:20-21
Yakadyarwa parukangarahwe, ndiye uya anonzwa shoko obva arigamuchira norufaro asi haana mudzi maari anotirira kwechinguva. Kana nhamo namatambudziko zvamuka pamusana peshoko, anobva atsauka.
រុករក Mateu 13:20-21
5
Mateu 13:44
“Umambo hwodenga hwakaita soupfumi hwakavigwa mumunda hunoti kana munhu ahuwana anohuvigazve. Pamusana pokufara, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo otenga munda iwoyo.
រុករក Mateu 13:44
6
Mateu 13:8
Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikabereka mbesa. Dzimwe dzakaita zana, dzimwe makumi matanhatu. Dzimwe makumi matatu.
រុករក Mateu 13:8
7
Mateu 13:30
Regai zvikurirane pamwechete kusvikira panguva yokukohwa. Panguva yokukohwa ndichataurira vakohwi kuti, ‘Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisumbu kuti zvipiswe muunganidze koroni muitutire mudura rangu.’ ”
រុករក Mateu 13:30
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ