1
Mateu 10:16
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
“Tarirai, ndinokutumai sehwai mukati memhumhi, nezvo ngwarai senyoka asi makarurama senjiva.
ប្រៀបធៀប
រុករក Mateu 10:16
2
Mateu 10:39
Uyo anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake, pamusana pangu, achahuchengetedza.
រុករក Mateu 10:39
3
Mateu 10:28
Musatye avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya asi ityai uyo anogona kuuraya mweya nomuviri mugomba romoto.
រុករក Mateu 10:28
4
Mateu 10:38
Aninaani asingatore muchinjikwa wake achinditevera haakodzeri kuva wangu.
រុករក Mateu 10:38
5
Mateu 10:32-33
“Nezvo munhu anondibvuma pamberi pavanhu ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. Asi munhu anondiramba pamberi pavanhu, ini ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
រុករក Mateu 10:32-33
6
Mateu 10:8
Rapai vanorwara, mutsai vakafa, murape vana maperembudzi mudzinge mweya yakaipa. Makapiwa pachena, imi ipaiwo pachena.
រុករក Mateu 10:8
7
Mateu 10:31
Saka musatye; munotokosha kupinda tushiri tuzhinji.
រុករក Mateu 10:31
8
Mateu 10:34
“Regai kufunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika. Handina kuuya kuzounza rugare asi hondo yebakatwa
រុករក Mateu 10:34
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ