1
Ruka 9:23
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Jesu akati kuna vose, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake zuva nezuva achinditevera.
ប្រៀបធៀប
រុករក Ruka 9:23
2
Ruka 9:24
Nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo nouyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu, achahuponesa.
រុករក Ruka 9:24
3
Ruka 9:62
Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu anobata gejo asi iye achicheuka shure angakodzere umambo hwaMwari.”
រុករក Ruka 9:62
4
Ruka 9:25
Nokuti zvinobatsireiko munhu kuwana zvinhu zvapasi pose asi achizvirasa achizviparadza iye pachake.
រុករក Ruka 9:25
5
Ruka 9:26
Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu, Mwanakomana womunhu achamunyarawo kana wouya mumbiri yake nomumbiri yaBaba neyavatumwa vatsvene.
រុករក Ruka 9:26
6
Ruka 9:58
Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru uye shiri dzedenga dzina matendere asi Mwanakomana womunhu haana kana pokutsamira musoro wake.”
រុករក Ruka 9:58
7
Ruka 9:48
Akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muzita rangu anogamuchira ini uyewo ani naani anondigamuchira anogamuchirawo uyo akandituma nokuti uyo anenge ari muduku wokupedzisira pakati penyu mose ndiye mukuru iyeyo.”
រុករក Ruka 9:48
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ