1
Vagaratia 6:9
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Ngatiregei kuneta kuita zvakanaka nokuti nenguva yacho tichazokohwa kana tikarega kurasa mwoyo.
ប្រៀបធៀប
រុករក Vagaratia 6:9
2
Vagaratia 6:10
Naizvozvo patinenge tangowaniswawo nguva yacho ngatiitei zvakanaka kumunhu ari wose wose, asi zvikuru kune vemhuri yechitendero chedu.
រុករក Vagaratia 6:10
3
Vagaratia 6:2
Batsiranai mukutakura mitoro yenyu. Saizvozvo munobva mazadzisa mutemo waKristu.
រុករក Vagaratia 6:2
4
Vagaratia 6:7
Musazvinyengedze nokuti Mwari haaitwi chiseko. Munhu zvaunodyara ndizvo zvaunokohwa.
រុករក Vagaratia 6:7
5
Vagaratia 6:8
Munhu anodyara zvinonangana nomuviri wake, mumuviri iwoyo anozokohwamo kuora kwawo. Anodyarawo zvinonangana nemweya wake anokohwawo mumweya wake upenyu usingaperi.
រុករក Vagaratia 6:8
6
Vagaratia 6:1
Hama dzangu, kana mumwe wenyu apindwa nokukanganisa kwakadii zvako, imi vanamati, vanaMweya, mudzorei zvakapfava zvinyoro asi muchizvichenjererawo nokuti imi mungadaro mukaedzwawo.
រុករក Vagaratia 6:1
7
Vagaratia 6:3-5
Kana munhu achizviti ndini pano iye pasina zvaari anozvinyengedza. Munhu wose ngaazviongorore mabasa ake. Pakadaro chaanozozvirovera dundundu zvinhu zvinenge zviri maari pachake kwete zvokuzvienzanisa navamwe nokuti mumwe nomumwe ane zvinomuremera zvaanofanira iye pachake kutakurana nazvo.
រុករក Vagaratia 6:3-5
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ