1
Mabasa 1:8
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Asi imi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamuri uye muchava zvapupu zvangu muJerusaremu nomuJudhea yose nokuSamaria kusvika kwakaperera nyika?”
ប្រៀបធៀប
រុករក Mabasa 1:8
2
Mabasa 1:7
Iye akati, “Hazvisi zvenyu kuziva misi nenguva dzakatemwa naBaba nesimba ravo.
រុករក Mabasa 1:7
3
Mabasa 1:4-5
Paakanga achinavo, akavati vasabve muJerusaremu asi kuti vamirire chitsidzo chaBaba chiya chavakanzwa achiti, “Makandinzwa ndichiti, Johani akaombeka nemvura asi kusati kwapera mazuva mazhinji muchaombekwa naMweya Mutsvene.”
រុករក Mabasa 1:4-5
4
Mabasa 1:3
Mushure mokutambudzika kwake akazviratidza kwavari kuti mupenyu nezvinhu zvakawanda zvinoita kuti munhu abvume kuti ichokwadi sezvizvi zvinoti: kuzviratidza kwavari kwamazuva makumi mana uye kutaura nezvoumambo hwaMwari.
រុករក Mabasa 1:3
5
Mabasa 1:9
Paakapedza kutaura izvi akasimudzwa vakatarisa kudaro, gore richimukwidza kudenga rikaita kuti asaonekwe kwavari.
រុករក Mabasa 1:9
6
Mabasa 1:10-11
Vachiri kunan'anidza kudenga, paaienda; havo varume vaviri vakamira pavari vakapfeka magemenzi machena. Vakati, “Ko imi vanhu veGarirea makamirirei makatarira kudenga? Jesu iyeyu atorwa pamuri achienda kudenga achauya nenzira imwecheteyo sokumuona kwamaita achienda kudenga.”
រុករក Mabasa 1:10-11
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ