1
2 Vakorinde 5:17
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Saizvozvo kana munhu ari muna Kristu ava chisikwa chitsva. Zvakare zvakapera, zvitsva zvakauya.
ប្រៀបធៀប
រុករក 2 Vakorinde 5:17
2
2 Vakorinde 5:21
Pamusana pedu akaita kuti iye ave chitadzo uyo akanga asingazivi chinonzi chitadzo kuti maari tive noururami hwaMwari.
រុករក 2 Vakorinde 5:21
3
2 Vakorinde 5:7
nokuti pakufamba kwedu tinotungamirirwa nechitendero, kwete nezvatinoona.
រុករក 2 Vakorinde 5:7
4
2 Vakorinde 5:18-19
Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa naye nokuna Kristu akatipawo basa rokuwadzanisa zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa.
រុករក 2 Vakorinde 5:18-19
5
2 Vakorinde 5:20
Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu. Mwari anoisa chikumbiro chake nokwatiri. Tinokutetererai, takamirira Kristu tichiti, wadzanai naMwari.
រុករក 2 Vakorinde 5:20
6
2 Vakorinde 5:15-16
Iye akafira vanhu vose kuti vanorarama varege kuzviraramira asi kuti vararamire iye akavafira akamutswa. Saizvozvo kubvira zvino hatichaona munhu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu; kunyange zvazvo takamboona Kristu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu, hatichamuona saizvozvo.
រុករក 2 Vakorinde 5:15-16
7
2 Vakorinde 5:14
Chikonzero chacho ndechokuti rudo rwaKristu ndirwo runotimanikidza kuita zvinhu nokuti zvatakatoona ndezvokuti, munhu mumwechete akafira vanhu vose, naizvozvo vanhu vose vakafawo.
រុករក 2 Vakorinde 5:14
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ