1
Mateo 4:4
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
SUB1949
Asi wakapindura, akati: Kwakanyorwa kucinzi: Munhu haaŋgararami neciŋgwa ɓedzi, asi namashoko ose anoɓuɗa mumuromo waMŋari.
ប្រៀបធៀប
រុករក Mateo 4:4
2
Mateo 4:10
Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga.
រុករក Mateo 4:10
3
Mateo 4:7
Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa ʋo: Usaidza Ishe, Mŋari wako.
រុករក Mateo 4:7
4
Mateo 4:1-2
Ɀino Jesu wakatuŋgamirirwa noMŋeya kurenje, kuzoidzwa naDiaborosi. Wakati aɀinyima ɀokudya mazuʋa anamakumi manna, noʋusiku bgunamakumi manna, akabva oziya.
រុករក Mateo 4:1-2
5
Mateo 4:19-20
Akati kwaʋari: Nditeʋerei, ndigokuitai ʋaɓati ʋaʋanhu. Pakarepo ʋakasiya ʋutaʋa bgaʋo, ʋakamuteʋera.
រុករក Mateo 4:19-20
6
Mateo 4:17
Kubva paŋguʋa iyeyo Jesu wakataŋga kuparidza, aciti: Tendeʋukai, nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bgasweɗera pedyo.
រុករក Mateo 4:17
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ