1
Mateo 14:30-31
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
SUB1949
Asi wakati aciʋona mhepo inesimba, akatya; ɀino wakati otaŋga kunyura, akaɗanidzira aciti: Ishe, ndiponesei! Pakarepo Jesu akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati kwaari: Iwe unokutenda kuɗuku, wanyunyutireiko?
ប្រៀបធៀប
រុករក Mateo 14:30-31
2
Mateo 14:30
Asi wakati aciʋona mhepo inesimba, akatya; ɀino wakati otaŋga kunyura, akaɗanidzira aciti: Ishe, ndiponesei!
រុករក Mateo 14:30
3
Mateo 14:27
Pakarepo Jesu akataura naʋo, akati: Tsuŋgai mŋoyo ndini, musatya.
រុករក Mateo 14:27
4
Mateo 14:28-29
Ɀino Petro akamupindura, akati: Ishe, kana muri’mi, ndiraire kuti ndiʋuye kwamuri pamsoro pemvura. Iye akati: Ʋuya! Petro akaɓuruka mugwa, akafamba pamsoro pemvura, akaenda kunaJesu.
រុករក Mateo 14:28-29
5
Mateo 14:33
Ipapo ʋakaŋga ʋari mugwa ʋakamunamata, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, ndimi Mŋanakomana waMŋari!
រុករក Mateo 14:33
6
Mateo 14:16-17
Asi Jesu wakati kwaʋari: Haʋafaniri haʋo kuenda; imi muʋapei ɀaʋaŋgadya. Ʋakati kwaari: Hatinecinhu pano, asi ɀiŋgwa ɀishanu ɓedzi nehoʋe mbiri.
រុករក Mateo 14:16-17
7
Mateo 14:18-19
Iye akati: Ʋuyai naɀo ʋuno kwandiri Akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi paʋuswa, akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, ndokutarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji.
រុករក Mateo 14:18-19
8
Mateo 14:20
Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu anegumi namaʋiri azere.
រុករក Mateo 14:20
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ