1
Varoma 4:20-21
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi akasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari, achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, akanga ane simba rokuchiitawo.
مقایسه
Varoma 4:20-21 را جستجو کنید
2
Varoma 4:17
(sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji”) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari anopa vakafa upenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo.
Varoma 4:17 را جستجو کنید
3
Varoma 4:25
iye akaiswa kurufu nokuda kwokudarika kwedu, akamutswa nokuda kwokururamiswa kwedu.
Varoma 4:25 را جستجو کنید
4
Varoma 4:18
Akatenda netariro pasina tariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji, sezvakanga zvarehwa, zvichinzi, “Rudzi rwako ruchadaro.”
Varoma 4:18 را جستجو کنید
5
Varoma 4:16
Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurayiro bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamuwo, iye baba vedu tose
Varoma 4:16 را جستجو کنید
6
Varoma 4:7-8
achiti, “Vakaropafadzwa vakaregererwa zvisakarurama zvavo, Navakafukidzirwa zvivi zvavo; Wakaropafadzwa munhu asinganzi naIshe ane zvivi.”
Varoma 4:7-8 را جستجو کنید
7
Varoma 4:3
Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.”
Varoma 4:3 را جستجو کنید