1
Genesi 1:26-27
Shona Bible 1949, revised 2002
Mwari akati: Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.
مقایسه
Genesi 1:26-27 را جستجو کنید
2
Genesi 1:28
Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.
Genesi 1:28 را جستجو کنید
3
Genesi 1:1
Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.
Genesi 1:1 را جستجو کنید
4
Genesi 1:2
Nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika; Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura.
Genesi 1:2 را جستجو کنید
5
Genesi 1:3
Mwari akati: Chiedza ngachivepo, chiedza chikavapo.
Genesi 1:3 را جستجو کنید
6
Genesi 1:31
Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.
Genesi 1:31 را جستجو کنید
7
Genesi 1:4
Mwari akaona chiedza, kuti chakanaka; Mwari akaparadzanisa chiedza nerima.
Genesi 1:4 را جستجو کنید
8
Genesi 1:29
Mwari akati: Tarirai, ndakakupai miriwo yose inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya zvenyu.
Genesi 1:29 را جستجو کنید
9
Genesi 1:5
Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rimwe.
Genesi 1:5 را جستجو کنید
10
Genesi 1:6
Mwari akati: Nzvimbo ngaivepo pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura.
Genesi 1:6 را جستجو کنید
11
Genesi 1:30
Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika, zvinemweya woupenyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo.
Genesi 1:30 را جستجو کنید
12
Genesi 1:14
Mwari akati: Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati nousiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore
Genesi 1:14 را جستجو کنید
13
Genesi 1:11
Mwari akati: Nyika ngaimerese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo.
Genesi 1:11 را جستجو کنید
14
Genesi 1:7
Mwari akaita nzvimbo, akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo, nemvura yakanga iri pamusoro penzvimbo; zvikaita saizvozvo.
Genesi 1:7 را جستجو کنید
15
Genesi 1:12
Nyika ikameresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzina marudzi adzo, nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti zvakanaka.
Genesi 1:12 را جستجو کنید
16
Genesi 1:16
Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri; chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati, nechiedza chiduku, kuti chibate ushe usiku, nenyeredziwo.
Genesi 1:16 را جستجو کنید
17
Genesi 1:9-10
Mwari akati: Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete, kuti pasi pakaoma paonekwe; zvikaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma, akati Nyika; nemvura yakaungana akaitumidza, akati Makungwa; Mwari akaona kuti zvakanaka.
Genesi 1:9-10 را جستجو کنید
18
Genesi 1:22
Mwari akazviropafadza, akati: Berekai, muwande, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika.
Genesi 1:22 را جستجو کنید
19
Genesi 1:24
Mwari akati: Nyika ngaibereke zvipenyu zvina marudzi azvo, nezvipfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dzenyika, zvina marudzi azvo; zvikaita saizvozvo.
Genesi 1:24 را جستجو کنید
20
Genesi 1:20
Mwari akati: Mvura ngaizare nezvipenyu zvizhinji, neshiri dzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.
Genesi 1:20 را جستجو کنید
21
Genesi 1:25
Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo, nezvipfuwo zvina marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvina marudzi azvo; Mwari akaona kuti zvakanaka.
Genesi 1:25 را جستجو کنید
YouVersion از کوکی ها برای شخصی سازی تجربه شما استفاده می کند. با استفاده از وب سایت ما، استفاده ما از کوکی ها را همانطور که در خط مشی رازداریتوضیح داده شده است، می پذیرید
خانه
كتابمقدس
برنامههای مطالعه
ویدیوها