Bible App logo
Search Icon

VaRoma 3

3
1Saka chii chiyamuro chokuva muJudha? Kana iko kuchecheudziwako kudokoshei? 2Zvidotowanditsa pazvese! Chokuthanga nyhokuti vaJudha vadovimbiwa navo kuti mbachengeti vomashoko yaMwari. 3Ko kana pakati pavo varipo vasinai kutendeka? Kusaya kutendeka kwavo kungasaise basa kutendeka kwaMwari nai? 4Mukho: Mwari ndiye mbaave chokwadi, munhu wese ave womabhwodo, Semanyorehwo yazvidoitiwa,
“Kuti muve mudokohoroka mumashoko yenyu,
Pakamu pese pamunenge motongewa, mukomwese.”
5Ko kana kudzonga kwedu kuchinyanya kuisa pachenu kukohoroka kwaMwari, tinopati chii ipopo? Mwari anenge watsveyamisa nai pakutiranga? Ikoku kundonyairawo semunhu. 6Mukho: anga zvikadaro nyika ingatongewe tini naMwari?
7Umwe angati, “Manje kana chokwadi chokubhwinya kwaMwari chichiingidzihwa nomabhwodo yangu, indava yei ndichitongewa kuti ndiri mutadzi? 8Tinorekerei kuti, ‘Mbatiitei zvidoipa kuti zvidonaka zviuye,’ sezvinonyaihwa novashori? Kutongewa kwavo kudokodzera.
Hapanai Adorurama
9Kuti chii? Isisu vaJudha tiri hasa pana ivo? Neye, kana nopadiki, ndava tanangidza kare kuti vaJudha novodzimwe Ndudzi, vese vari muzvitema, 10Sekunyohwa kwazvidoitiwa:
“Hapanai adokohoroka kana nomubodzi,
11Hapanai anonzvitsitsa,
hapanai anotsvaga Mwari.
12Vese vadotsambuka,
vese vandova chinhu chisinai nokabonyo kese,
hapanai anoita zvidonaka, kana nomubodzi wese.
13“Kagurokuro kavo iguwa ridoshama,
turimi tavo tunoshanda kunyengera,”
“Nduru yanyakungu iri pamiromo yavo.”
14“Mukamwa mavo mudozara kurengerera nokuchochora.”
15“Tsoka dzavo dzinomhanyira kodurura gazi,
16kuparadza nokubonera ndizvo zviri munzira yavo,
17nonzira yorunyararo vanoizivaba.
18“Kucha Mwari hakupo mumaziso mavo.”
19Zvino tinoziva kuti chipi nochipi chinorehwa nomutemo chinoudziwa ivo vari pasi pomutemo, kuti miromo yese inyaradziwe, nonyika yese ive pasi pokutonga kwaMwari. 20Ndava hapanai munhu achanzi adorurama pamberi paMwari zvichibva pakuchengeta mutemo, asi kutoti, kuburikidza nomutemo tinopinziwa pakuziva chitema.
Kururamisiwa Nokutenda
21Asi kururama kwaMwari kusingabve pamutemo kudozivisiwa, kuchipupurihwa nomutemo novaporofiti. 22Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kuburikidza nokutenda muna Jesu Khirisitu kunovese vanotenda. Ndava hakusiyanisi, 23Nokuti vese vadotadza vadoperevera kusvika pakubhwinya kwaMwari. 24Vanondoruramisiwa mahara nonyasha kuburikidza nokununura kuri muna Khirisitu Jesu. 25Mwari adomupereka kuti nogazi rache ave chibairo chokuregerehwa kwozvitema kunotambihwa nokutenda. Adoita izvozvo kuti anangidze kururamisa kwache, ndava pamwoyo murefu woumwari hwache, adorekera kuranga zvitema zvidotadziwa kare. 26Adozviitira kuti anangidze kururamisa kwache panguwa ino, uye kuti iye pachake adorurama futi ndiye mururamisi waivo vanotenda muna Jesu.
27Zvino kuzvikudza kwedu kuri poi? Kwabisiwa. Nokuda kwomurau upi? Wokuita mabasa yomutemo chere? Neye, asi wokutenda. 28Ndava tinobatirira pakuti munhu anoruramisiwa nokutenda pasinai mabasa yomutemo. 29Anga iye Mwariyo ngwovaJudha vega vega? Haasi Mwari wodzimwewo Ndudzi nai? Hinde, ndiMwari wodzimwewo Ndudzi kamu. 30Sezvo kuchindova naMwari mubodzi, anoruramisa vadochecheudziwa novasinai, nokutenda kubodzi bodziko. 31Anga zvino tinotaya mutemo nondava yokutendako? Nenene kana nopadiki! Asi kutoti tinosimbisa mutemo.

Currently Selected:

VaRoma 3: KBT

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in