VaRoma 2
2
Kutonga kwaMwari
1Saka haunai chokunenera, iwepa munhu unotonga umwe, ndava chese chaunotongera umwe uri kutozvitonga wega, ndava iwepa unoisa mutongo unoita zvibodzi bodzi. 2Zvino tinoziva kuti mutongo waMwari pamusoro paivo vanoita zvinhu zvakarezvi uri pachokwadi. 3Saka iwe munhu unotonga vanoita zvakarezvo asi iwepa uchiitawo zvibodzi bodzizvo, unofunga kuti unopunyuka mutongo waMwari nai? 4Kana kutoti uri kutozvidza pfuma yokunaka kwache, nomwoyo murefu wache usingazive kuti kunaka kwaMwari kunokutungamirira pakupinduka? 5Asi nondava yomutindi wako nomwoyo wako usingapinduke, uri kuzvichengetera ukari pazuva roukari hwaMwari, pachanangidziwa kutonga kwache kwokururama. 6Mwari achapasa munhu wese maererano nozvaadoita. 7Avo vano mwoyo murefu pakuita zvidonaka ndivo vanotsvaga kubhwinya, kuremekedzewa nokusapfa, ndivo vaachapasa upenyu husingapere. 8Asi vaye vanozvitsvagira zvavo vachiramba chokwadi nokutevera zvidoipa, vachaitihwa ukari nohasha. 9Pachava nonhamu nokushupika kumunhu wese anoita zvidoipa, kuthanga nomuJudha kwodzouyawo vodzimwe Ndudzi, 10asi kubhwinya, kuremekedzewa norunyararo kumunhu wese anoita zvidonaka, kuthanga nomuJudha, tevere wodzimwe Ndudzi. 11Ndava Mwari haanai tsvete.
12Vese vanotadza vasinai mutemo vachapararawo pasinai mutemo, novese vanotadza vari pasi pomutemo vachatongewa nomutemo. 13Ndava havasi vaye vanonzva mutemo vadorurama pamberi Mwari, asi mbaye vanoteerera mutemo ndivo vachanzi vadorurama. 14Ndizvo kuti vodzimwe Ndudzi, vasinai mutemo, kana muunhu hwavo vakaita zvinhu zvinodiwa nomutemo wava mutemo kwavari, kana nepo mutemo wacho vasinai, 15sezvo vachinangidza kuti zvinodiwa nomutemo zvidonyohwa pamwoyo yavo, hana yavo ichivapupurira, nopfungwa dzavo dzichiti pamwe dzinovanenera mhosva pamwe dzinovareverera. 16Zvakarezvi zvichaitika pazuva iro Mwari raachatonga zvidohwanzika zvovanhu kuburikidza naJesu Khirisitu, sezvinorehwa novhangeri rangu.
17Zvino iwewe kana uchizvidaidza kuti muJudha, udotsamira pamutemo uchizvitutumadza nokuda kwoukama hwako naMwari, 18uchiziva kuda kwache nokupatsanura zvidokodzera nondava yokuti udoraihwa nomutemo, 19kana unochokwadi chokuti uri mutungamiri womarombe, nochiedza choavo vari murima, 20murairiri womadzemwa, mudzidzisi wovana, ndava mumutemo muno zvese, ruzivo nochokwadi. 21Zvino iwepa unodzidzisa vamwe, hauzvidzidzisewo nai? Iwepa unoparidza uchirambidza kuba, ndiwe womboba kamu? 22Iwepa unoti vanhu havafanire kuita upombwe, ndiwe wombopomba kamu? Iwepa unosema zvifananidzo, ndiwe kamu unoba zvomuimba yaMwari? 23Iwepa unozvitutumadza nokuda kwomutemo, ndiwe unozvidza Mwari nokuchora kwaunoita mutemo kamu? 24Sekunyohwa kwazvidoitiwa kuti, “Zita raMwari rinoshohwa pakati povasiri maJudha nondava yenyu.”
25Kuchecheudziwa kudokosha kana uchichengeta mutemo, asi kana uchichora mutemo, wandoita kunge usinai kuchecheudziwa. 26Kana vasinai kuchecheudziwa vakachengeta zvinodiwa nomutemo, vangareke nai kutohwa kunge vaye vadochecheudziwa? 27Munhu asinai kuchecheudziwa panyama asi achiteerera mutemo achakupasa mhosva iwewe udochecheudziwa uye uno chinyohwa, asi uchichora mutemo. 28Munhu haasi muJudha kana uJudha hwache huri hwokunze basi, nokuchecheudziwa hakusi iko kana kuri kwonyama, kwokunze. 29MuJudha nguye ari muJudha mukati, nokuchecheudziwa nghuye kwomwoyo kunoitiwa pamweya aikona kwochaiko. Kurumbidziwa kwomunhu adodai kunobvaba kuvanhu asi kuna Mwari.
Currently Selected:
VaRoma 2: KBT
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
The Word for The World International