Jeremiya 31:31-32
Jeremiya 31:31-32 SUB
“Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita sungano itsva neimba yaIsiraeri, neimba yaJudha. Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeIjipiti, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyangwe ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha.





