Bible App logo
Search Icon

Ezekieri 15

15
Jerusaremu rinofananidzwa nomuti usina maturo
1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, 2“Mwanakomana womunhu, muti womuzambiringa unopfuura mimwe miti yose neiko, iro davi romuzambiringa riri pakati pemiti iri kudondo? 3Danda ringatorwapo rokuita basa naro here? Kana vanhu vangatorapo mbambo yokuturikisa mudziyo upi noupi here?
4“Tarirai, unokandirwa mumoto dzive huni; moto wapedza miromo miviri yawo, napakati watsvawo, zvino uchabatsira pabasa here? 5Tarirai, uchakanaka hauna kukwanira basa chose; ndoda zvino kana moto waupedza, kana watsva, ungakwaniri basa here!”
6Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Somuti womuzambiringa pakati pemiti iri kudondo, wandakaisa kumoto dzive huni, saizvozvo ndakaisa vagere Jerusaremu pakuparadzwa. 7Ndichavaratidza chiso changu ndivaitire zvakaipa; vakabuda pamoto, asi moto uchavapedza; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivaratidza chiso changu ndivaitire zvakaipa.
8“Ndichaparadza nyika, nokuti vakandidarikira,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Currently Selected:

Ezekieri 15: SUB

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in