YouVersion Logo
Search Icon

Hosea Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Bhuku raHosea rinotaura nezvorudo rwaMwari kurudzi rweIsiraeri rusina kutendeka. Hosea muporofita ndiye akava muenzaniso chaiwo worudo irworwu. Akaroora mukadzi akanga ari pfambi chaiyo ainzi Goma. Mwari akadawo rudzi rweIsiraeri rwaiita sepfambi kana kuti chifeve chaicho, rwainamata vamwe vamwari vasiri ivo vachipira zvibayiro kwavari panze pokunamata nokupira zvibayiro kuna Mwari oga. Vakakanda pasi mitemo yaMwari, vakaramba Mwari vava kupinda mumaitiro echihedheni kutsvaka nawo mbereko. Hosea aitsiura nokutsoropodza achiyambira Samaria chirango chayaigona kupiwa kana isina kutendeuka kuufeve hwakadaro ichirega kuchengetedza chitenderano chayo naMwari. Aiparidza kudai kuIsiraeri, Samaria isati yaparadzwa. Yakazoparadzwa muna 721 K.A.A. Zvakadaro zvazvo Mwari aida vanhu vake (tarisa 11:8).
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raHosea
Muchato waHosea nemhuri yake (1:1—3:5)
Shoko rokutsoropodza Isiraeri (4:1—10:15)
Shoko rorudo nokuyambira uye chitsidzo (11:1—14:9)

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in