YouVersion Logo
Search Icon

Hosea 1

1
Musoro wenyaya
1Herinoi shoko raTenzi, raakataurira Hosea mwanakomana waBheeri nguva yaitonga madzimambo aya okwaJudha anoti: Uziya naJotamu naAhazi naHezekiya uye iri nguvawo yaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri mwanakomana waJehoashi.
Mhuri yomuporofita Hosea
2Pakatangisisa chaipo Tenzi kutaura nomuromo waHosea, iye Tenzi akati kuna Hosea, “Enda undotora pfambi uite vana nayo voufeve nokuti nyika iri kuita ufeve hwakakurisa kwazvo hwokufuratira Tenzi.”
3Saizvozvowo akaenda akandotora Gomero mwanasikana waDhibhuraimu. Iye akaita pamuviri akamuberekera mwana mukomana. 4Tenzi akabva ati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti ‘Jezirieri,’ nokuti kwangosara kanguva kadikidiki kwokuti ndichiranga imba yaJehu, ndichiirangira ropa raakadeura kuJezirieri,#1:4 Mwarianosima: Izwi rinoreva rechiHebheru rinoreva kuti Jezirieri. ndichitsakatisa umambo hwokwaIsiraeri. 5Pazuva iroro ndichaparadza hondo yavarwi vouta yeIsiraeri muBani reJezirieri.”
6Akaitazve pamuviri akasununguka mwana musikana. Tenzi akabva ati kuna Hosea, “Tumidza musikana uyu zita rokuti, ‘Mushayirwatsitsi’#1:6 Mushayirwatsitsi: MuchiHebheru rinonzi, “Roruhama.” nokuti handichaitirazve imba yokwaIsiraeri tsitsi. Handimbofa ndakavaregerazve. 7Asi imba yokwaJudha, ndichaiitira tsiye nyoro ndigovanunura nesimba raTenzi, Mwari wavo. Handisi kuzovanunura nouta kana nebakatwa kana nehondo kunyange namabhiza kana navarwi vamabhiza.”
8Mukadzi uyu paakarumura Mushayirwatsitsi, akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. 9Tenzi akati kuna Hosea, “Mudaidzei zita rokuti, ‘Vasivangu’#1:9 Vasivangu: MuchiHebheru izita rinonzi, “Roami.” nokuti imi hamusi vanhu vangu. Iniwo handisi Mwari wenyu.”
10Zvakadaro zvazvo, vanhu vokwaIsiraeri vachawanda sejecha regungwa risingagone kuerwa kana kuverengeka. Panzvimbo pokuti munzi, “Vasivangu” muchanzi “Vanhu vaMwari mupenyu.” 11Vanhu vokwaJudha navanhu vokwaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete. Vachazvisarudzira mutungamiriri mumwechete vagomera munyika ino nokuti zuva rokusima kwaMwari iroro richava zuva guru kwazvo.

Currently Selected:

Hosea 1: SCLB

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in