Nziyo 98
98
Mwari mutongi wapasi pose
Rwiyo.
1Imbirai TENZI rumbo rutsva
nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa,
simba rorudyi rwake
nereruoko rwake rutsvene
ndizvo zvakakupai kukunda.
2Mwari akaratidza kukunda kwake
akazivisa kukunda kwake
pamberi pamarudzi.
3Akarangarira mwoyochena wake
nokutendeka kwake
kuimba yokwaIsiraeri.
Pasi pose kusvika kwayakaperera pakaoma
kukunda kwaMwari wedu.
4Pururudzirai TENZI nokufara
pasi pose
shaurai rumbo rworufaro
muimbe muchirumbidza.
5Imbirai TENZI nechipendani
nechipendani kuchiimbwa rumbo
6namabhosvo nehwamanda
pururudzirai kuvapo kwaMambo TENZI.
7Gungwa ngaritinhire
nazvose zvizeremo,
pasi pose navagerepo.
8Mapopopo ngaaombere maoko,
makomo ngaaimbe norufaro pamwechete.
9Ngaaimbe pana TENZI
nokuti ari kuuya
kuzotonga nyika.
Achatonga pasi pose noururami
uye achatonga vanhu noruenzaniso.
Currently Selected:
Nziyo 98: SCLBC
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.