YouVersion Logo
Search Icon

Nziyo 48

48
Rumbo. Rwiyo rwevekwaKora.
Zioni guta raMwari
1TENZI mukuru anofanira kurumbidzwa zvikuru
muguta raMwari wedu,
mugomo rake rinoera.
2Kuti dzu-u kwaro kunoyevedza,
rinopa rufaro pasi pose.
Iro gomo reZioni riri kuchamhembe
iguta ramambo mukuru.
3Mukati nhare dzaro dzokuzvidzivirira muhondo,
Mwari akaratidza kuti ndiye mudziviriri wechokwadi
4nokuti tarisai muone
madzimambo akakokorodzana,
vakauya kuzoita chirwirangwe.
5Pavakazviona izvi, vakadumbirwa kwazvo
zvakavatyisa ndokubva vati ware kutiza.
6Vakadedera ipapo
vakarwadziwa somudzimai ari pahata.
7Makaparadza ngarava dzokuTarishishi
nedutu rokumabvazuva.
8Zvatakanzwa ndizvo zvatakaonawo
muguta raTENZI wehondo nehondo,
muguta raMwari wedu
Mwari acharisimbisa nokusingaperi.
Dzepfunde
9Mukati meTemberi yenyu, Mwari,
tinorangarira nezvomwoyochena wenyu.
10Sezvakangoita zita renyu Mwari,
ndizvozvo zvakaita mbiri yenyu
inosvika kwakaperera nyika.
Ruoko rwenyu rworudyi
rwuzere nokururama#48:10 Nokururama: Kana kuti nokukunda. ngarifare.
11Guta rapagomo reZioni#48:11 Zioni: Zvinoreva guta reJerusaremu muchiHebheru munongoti gomo reZioni. ngarifare.
Tumaguta#48:11 Tumaguta: MuchiHebheru munoti “vanasikana.” twokwaJudha ngatufare
pamusana pokutonga kwenyu.
12Famba fambai neguta reZioni,
tendererai naro
muverenge nharire dzaro.
13Nyatsoongororai tsvingo dzaro
munyatsotarisa nharo dzaro dzokuzvidzivirira nadzo
muhondo kuti mozoudza chizvarwa chinotevera
14nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu narini narini;
ndiye achatitungamirira narini narini.

Currently Selected:

Nziyo 48: SCLBC

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in