YouVersion Logo
Search Icon

Nziyo 47

47
Mutongi wapasi pasi
Muimbisi, urwu Rwiyo rwevekwaKora.
1Uchirai imi marudzi ose avanhu.
Daidzirai kuna Mwari muimbe kwazvo norufaro
2nokuti TENZI Wokumusorosoro
anotyisa kwazvo.
Ndiye mambo mukuru wapasi pose.
3Akaita kuti tikunde marudzi avanhu,
akaisa marudzi pasi petsoka dzenyu.
4Ndiye akatisarudzira nyika yenhaka yedu,
nhaka inodadisa yaJakobho wake wapamwoyo.
Dzepfunde
5Mwari anokwira pamusoro achipurudzirwa,
TENZI achipembererwa nebhosvo.
6Imbirai Mwari muchimurumbidza,
muimbirei muchimurumbidza.
Imbai muchirumbidza Mambo wedu
muimbirei muchimurumbidza
7nokuti Mwari ndiye mambo wapasi pose
muimbirei muchimurumbidza norumbo.
8Mwari ndiye anotonga vechirudzi
Mwari anogara pachigaro chake chokutonga chinoera.
9Madzishe amarudzi avanhu anoungana
savanhu vaMwari waAbhurahamu
nokuti vachengetedzi venyika ndevaMwari
anorumbidzwa zvikuru kwazvo.

Currently Selected:

Nziyo 47: SCLBC

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in