Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3
3
Mwenga anotsvaka chikomba chake
1Usiku, ndiri panhoo dzangu,
Ndakamutsvaka anodikanwa nomweya wangu;
Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana.
2Ndikati, ndichasimuka zvino,
ndifambe-fambe neguta;
Panzira dzomumusha, napamatare
Ndipo pandichatsvaka anodikanwa nomweya wangu;
Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana.
3Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana;
Ndikati kwavari, “Matongoona
anodikanwa nomweya wangu here?”
4Ndakati ndangobva kwavari,
ndakapfuura zvishoma,
Ndikamuwana iye anodikanwa nomweya wangu;
Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza,
Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu,
Muimba yomukati yaiye wakandibereka.
5Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu,
Nemharapara nenondo dzokubundo,
Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo,
Kusvikira irwo rwada rumene.
Kuuya kwechikomba
6Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje
Seshongwe dzohutsi,
Anonhuwira nemura nezvinonhuwira,
Nezvakakuyiwa zvose zvomutengesi?
7Tarirai, ndicho chigaro chaSoromoni chinotakurwa;
Mhare dzina makumi matanhatu
dzakachikomberedza,
Vanobva pamhare dzavaIsiraeri.
8Vose vanoziva kubata munondo,
vakadzidza kurwa;
Murume mumwe nomumwe anomunondo wake pahudyu yake,
Nokuda kwezvinotyisa usiku.
9Mambo Soromoni akazviitira chigaro chinotakurwa
Chamatanda eRebhanoni.
10Akaita mbiru dzacho nesirivha,
Musana wacho nendarama, pokugara
kwacho nomucheka mutsvuku,
Mukati macho makarongwa norudo
Rwavakunda veJerusaremu.
11Budai, imi vakunda veZioni, muone mambo Soromoni,
Ane korona yaakadzikwa namai vake
Pazuva rokuwana kwake,
Napazuva romufaro womwoyo wake.
Currently Selected:
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3: SNA2002
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002