Mateu 9
9
Jesu anoporesa munhu akafa mitezo
(Mako 2:1-12; Ruka 5:17-26)
1Akapinda muigwa, akayambuka, ndokusvika kuguta rake. 2Zvino vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mitezo achiona kutenda kwavo, akati kumunhu akanga akafa mitezo, “Mwana, tsunga mwoyo, waregererwa zvivi zvako.”
3Zvino vamwe vavanyori vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu anoshonha Mwari.”
4Asi Jesu achiziva mifungo yavo, akati, “Munofungireiko zvakaipa mumwoyo yenyu? 5Nokuti chinyiko chakareruka, kuti, ‘Wakaregererwa zvivi zvako,’ kana kuti, ‘Simuka, ufambe?’ 6Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi,” (akati kumunhu akanga akafa mitezo,) “Simuka, tora nhoo dzako, uende kumba kwako!”
7Akasimuka, akaenda kumba kwake. 8Vanhu vazhinji vakati vachizviona, vakatya, vakarumbidza Mwari, akapa vanhu simba rakadai.
Kudanwa kwaMateu
(Mako 2:13-17; Ruka 5:27-32)
9Jesu akati achibvapo, akaona munhu, ainzi Mateu, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere!” Ipapo akasimuka, akamutevera.
10Zvino akati agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake.
11Zvino vaFarisi vachizviona, vakati kuvadzidzi vake, “Mudzidzisi wenyu anodyireiko navateresi navatadzi?”
12Iye, achizvinzwa, akati, “Vasingarwari havatsvaki n'anga, asi vanorwara. 13Asi endai, mudzidze kuti ndokudiniko kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro;’ nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
Kuzvinyima zvokudya
(Mako 2:18-22; Ruka 5:33-39)
14Zvino vadzidzi vaJohani vakauya kwaari, vakati, “Isu, navaFarisi, tinozvinyimireiko zvokudya kazhinji, asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?”
15Jesu akati kwavari, “Shamwari dzemuwani dzingachema seiko muwani dzichinaye? Asi mazuva achasvika, achabviswa muwani kwavari; nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.
16“Hakuna munhu anoisa chiremo chitsva panguo yakasakara; nokuti chakasonerwa chinobvarura nguo, buri rikanyanya. 17Havadiriwo waini itsva muhombodo tsaru, nokuti hombodo dzingaparuka, waini ikateuka, nehombodo dzikapararawo; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zviviri zvose zvichengeteke.”
Jesu anoporesa mukadzi aibuda ropa, uye anomutsa mukunda waJairosi
(Mako 5:21-43; Ruka 8:40-56)
18Akati achavaudza izvozvo, mumwe mukuru akasvikapo, akamupfugamira, akati, “Mukunda wangu afa ikozvino, asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, ararame.”
19Ipapo Jesu akasimuka, akamutevera navadzidzi vake.
20Zvino mumwe mukadzi, aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akauya shure kwake, akabata mupendero wenguo yake; 21nokuti akati nechomumwoyo, “Kana ndikabata nguo yake bedzi, ndichaponeswa.”
22Asi Jesu akatendeuka, akamuona, akati, “Mukunda, tsunga mwoyo, kutenda kwako kwakuponesa.” Mukadzi akaponeswa kubva panguva iyo.
23Zvino Jesu akati asvika mumba momukuru, akaona varidzi venyere navanhu vazhinji vachiita mhere-mhere, 24akati kwavari, “Ibvai, nokuti musikana haana kufa, asi avete.” Vakamuseka. 25Asi vanhu vazhinji vakati vabudiswa, akapinda, akabata ruoko rwake, musikana ndokumuka. 26Mukurumbira wazvo ukapararira kunyika iyo yose.
Jesu anoporesa mapofu maviri nembeveve
27Zvino Jesu akati achibvapo, mapofu maviri akamutevera, akadanidzira, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!”
28Akati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvo here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe!”
29Zvino akabata meso avo, akati, “Muitirwe sokutenda kwenyu.” 30Meso avo akasvinudzwa. Jesu akavaraira zvikuru, akati, “Chenjerai kuti zvirege kuzikanwa nomunhu.” 31Asi vakabuda, vakamurumbidza munyika iyo yose.
32Vakati vachibuda, tarira, vakauya kwaari nomunhu akanga ari mbeveve aiva nomweya wakaipa. 33Mweya wakaipa ukati wabudiswa, mbeveve ikataura; vanhu vazhinji vakashamiswa, vakati, “Hakuna kumboonekwa zvakadai pakati pavaIsiraeri.”
34Asi vaFarisi vakati, “Anobudisa mweya yakaipa nomukuru wemweya yakaipa.”
35Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza vhangeri youshe, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose.
36Asi akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, vakaraswa, samakwai asina mufudzi. 37Zvino akati kuvadzidzi vake, “Zvirokwazvo kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma. 38Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake.”
Currently Selected:
Mateu 9: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 9
9
Jesu anoporesa munhu womutezo yakatonhora
(Mak 2:1–12; Ruka 5:17–26)
1Jesu paakapinda mugwa, akayambuka ndokusvika kuguta rake. 2Havo vamwe vanhu vakauya nomunhu akanga akatonhora mitezo akati rabada pabonde rake! Jesu paakaona chitendero chavo akati kune munhu uya akatonhora mitezo, “Tsunga mwoyo mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.” 3Ipapo dzimwe nyanzvi dzomutemo dzakati, nechomumwoyo, “Munhu uyu ari kushonha Mwari.” 4Zvino Jesu zvaaiziva zvavaifunga akati; “Munofungirei zvakaipa mumwoyo yenyu. 5Ko chakareruka ndechipi kuti, ‘Zvitadzo zvako zvaregererwa.’ Kana kuti, ‘Simuka ufambe?’ 6Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvitadzo” akati kune munhu uya akanga akatonhora mitezo, “Simuka utore bonde rako uende kumusha.” 7Akasimukawo akaenda kumusha. 8Gungano riya parakazviona rakatya rikarumbidza Mwari akanga apa simba rakadaro kuvanhu.
Kudaidzwa kwaMateu
(Mak 2:13–17; Ruka 5:27–32)
9Jesu paakabva ipapo avakuenda, akaona mumwe murume anonzi Mateu agere pahofisi yomutero. Akati kwaari, “Nditevere.” Iye akabva asimuka omutevera. 10Paakanga akagara pakudya mumba, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake. 11VaFarisei pavakazviona vakati kuna vadzidzi vake, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?” 12Paakazvinzwa akati; “Vakukutu havadi chiremba asi vanorwara. 13Endai munodzidza izvi kuti zvinorevei zvokuti, ‘Ndinoda tsitsi kwete chibayiro’ nokuti handina kuuya kuzodaidza vakarurama asi vatadzi.”
Kutsanya
(Mak 2:18–22; Ruka 5:33–39)
14Vadzidzi vaJohani vakauya kwaari vachiti, “Ko isu navaFarisei tinotsanya sei asi vadzidzi venyu havatsanyi?” 15Jesu akati kwavari, “Vanhu vanenge vakokwa kumuchato vangasuwa here muwani vachinaye? Mazuva achauya pachabviswa muwani pavari. Ndipo pavachatsanya. 16Hakuna munhu anosonerera chiremo chejira idzva pahanzu tsaru. Chigamba chinotobvarura hanzu tsaru iya. Ichitobva yanyanya kubvaruka. 17Uye waini itsva haiiswi muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru. Zvikaitwa saizvozvo, zvigubhu zvinoputika waini ichirasika zvoparara. Aiwa itsva inofanira kuiswa muzvigubhu zvitsva. Saizvozvo zvose zvinobva zvachengeteka.”
Mukunda waJairosi nomudzimai akabata hanzu yaJesu
(Ruka 8:40–45)
18Jesu paakanga achiri kutaura kwavari mumwe mutungamiri akapinda akapfugama pamberi pake achiti, “Mwanasikana wangu afa iye zvino izvi. Uyai muzoisa ruoko rwenyu paari, achararama.” 19Jesu akasimuka akamutevera pamwechete navadzidzi vake. 20Pakabva pauya mumwe mudzimai akanga aine chirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akauya necheshure kwake akabata mupendero wehanzu yake 21nokuti akazviti nechemumwoyo, “Ndikangobata chete hanzu yake ndichava wadi.” 22Jesu akatendeuka akamuona akati, “Tsunga mwoyo mukunda, chitendero chako chakuponesa.”
23Jesu paakasvika kumba kwomutungamiri uya, akaona vokuridza nyere negungano ravanhu richiita mhere mhere. 24Iye akati, “Budai nokuti musikana haana kufa, akakotsira.” Vakamuseka. 25Chikwata chavanhu pachakaburitswa, Jesu akapinda akamubata ruoko. Musikana ndokubva amuka. 26Mukurumbira wake wakapararira mudunhu iroro rose.
Jesu anorapa mapofu maviri
27Jesu paakabva ipapo, varume vaviri vaiva mapofu vakamutevera vachidaidzira zvikuru vachiti, “Tinzwireiwo tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi.” 28Paakapinda mumba mapofu aya akauya kwaari. Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinokwanisa kuita izvi here?” Vakati kwaari, “Hongu Tenzi.” 29Akabata maziso avo akati, “Ngazviitwe kwamuri sokutenda kwenyu.” Maziso avo akabva azaruka. 30Jesu akavakohomedza achiti, “Ngwarirai kuti pasave nomunhu anozviziva.” 31Asi vakaenda vakaparadzira mukurumbira wake mudunhu rose iroro.
Jesu anorapa mbeveve yaiva nemweya wakaipa
32Pavakabva ipapo, pakauiswa munhu aiva mbeveve akagarwa nomweya wakaipa. 33Mweya wakaipa pawakaburitswa, mbeveve iya yakataura. Gungano rakashamiswa richiti, “Hakuna kumboonekwa zvakadai muIsiraeri.” 34Asi vaFarisei vakati, “Anodzinga mweya yakaipa nesimba rejinda roMweya yakaipa.”
Jesu anoona kutambudzika kwavanhu vasina mufudzi
35Jesu akafamba nomumaguta ose nomumisha achidzidzisa mumasinagogu avo achiparidza Shoko Rakanaka roumambo achirapa zvirwere zvose namatenda ose. 36Paakaona gungano ravanhu, akavanzwira tsitsi nokuti vaitambura vasina chingavabatsire sehwai dzisina mufudzi. 37Ipapo akati kuna vadzidzi vake, “Zvinoda kukohwiwa zvakawanda asi vakohwi vashoma, 38naizvozvo, namatai kuna Tenzi wezvinoda kukohwiwa kuti atumire vakohwi mumunda wake unoda kukohwiwa.”
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.