Mateu 10
10
Vane gumi navaviri vanotumwa kuparidza nokuporesa
(Mako 3:13-19; 6:7-13; Ruka 6:12-16; 9:1-6)
1Zvino akadanira kwaari vadzidzi vake vane gumi navaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaibudise, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose.
2Mazita avapostori vane gumi navaviri ndiwaya: Wokutanga Simoni, ainzi Petirosi, naAndireya, munun'una wake; Jakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake; 3Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateu, muteresi; Jakobho, mwanakomana waArifeo, naTadheo; 4Simoni muKanani, naJudhasi Isikarioti, uya wakamupandukira.
5Ava vane gumi navaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti,
“Musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria; 6asi zviri nani muende kumakwai akarasika eimba yavaIsiraeri. 7Mufambe, muparidze, muchiti, ‘Ushe hwekudenga hwaswedera.’ 8Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vanamaperembudzi, budisai mweya yakaipa. Makangopiwa henyu, chingopai henyu. 9Musatora ndarama kana sirivha, kana ndarira muzvikwama zvenyu; 10kana hombodo yorwendo, kana nguo mbiri, kana shangu, kana tsvimbo; nokuti mushandi akafanira kuti apiwe zvokudya zvake.
11“Muguta kana mumusha mamunopinda, bvunzai kuti ndiani arimo akafanira; mugarepo kusvikira muchibva.
12“Kana muchipinda mumba muikwazise. 13Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo, asi kana isina kufanira, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. 14Ani naani asingakugamuchirii, kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzunze guruva riri patsoka dzenyu. 15Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, nyika dzeSodhoma neGomora dzicharerukirwa nezuva rokutongwa, kupfuura guta iro.
16“Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka chenjerai senyoka, mururame senjiva. 17Asi chenjerai vanhu, nokuti vachakuisai kumatare amakurukota, nokukurovai zvikuru mumasinagoge avo. 18Muchaiswawo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, muve zvapupu kwavari nokuvahedheni. 19Asi kana vachikuisai, musafunganya muchiti, muchataura sei, kana tichataurei, nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura.
20“Nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya waBaba venyu anotaura mukati menyu.
21“Mukoma achaisa munun'una parufu, nababa mwana wavo; vana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa. 22Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvikira pakuguma, achaponeswa. 23Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hamungapedzi maguta avaIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati asvika.’
24“Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. 25Zvakaringanira mudzidzi kuti ave somudzidzisi wake, nomuranda ave sashe wake. Zvavakaidza mwene weimba Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake!
26“Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozaruwi; kana chakavanzika, chisingazobudi pachena. 27Zvandinokuudzai murima, taurai pachena; zvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pedzimba. 28Musatya vanouraya muviri, asi vasingagoni kuuraya mweya; zvikuru mutye uyo anogona kuuraya mweya nomuviri zvose muGehena. 29Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwababa venyu. 30Kana murimi, nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. 31Naizvozvo musatya; munopfuura shiri zhinji.
32“Mumwe nomumwe achandipupura pamberi pavanhu, neni ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
33“Asi mumwe nomumwe anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
34“Musafunga kuti ndakauya kuisa rugare panyika; handina kuuya kuisa rugare, asi kurwa. 35Nokuti ndakauya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake, nomukadzi womwana navamwene vake; 36navavengi vomunhu vachava veimba yake.
37“Anoda baba kana mai kupfuureni, haana kufanireni; nowanoda mwanakomana nomwanasikana kupfuureni, haana kufanireni. 38Asingatakuri muchinjikwa wake, akanditevera, haana kufanireni. 39ANowana upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana.
40“Anokugamuchirai imi, anondigamuchireni; noanogamuchireni, anogamuchira akandituma. 41Anogamuchira muporofita muzita romuporofita achapiwa mubayiro womuporofita; noanogamuchira akarurama muzita roakarurama, achapiwa mubayiro woakarurama. 42Ani naani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhora anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorasikirwi nomubayiro wake.”
Currently Selected:
Mateu 10: SNA2002
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 10
10
B: JESU ANODZIDZISA VADZIDZI VAKE
Vapositori gumi navaviri
(Mak 3:13–19; Ruka 6:12–16)
1Jesu akadaidza kwaari vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaidzinge nesimba rokurapa zvirwere zvose namatenda ose. 2Mazita avapositori gumi navaviri ndaaya: wokutanga ndiSimoni anonzi Pita nomunun'una wake Andireya, kouya Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake. Kozouya Firipi naBhatoromeo 3kwoti Tomasi naMateu, muteresi, kwozoti Jemusi mwanakomana waArifeosi naTadheo. 4Kwozotiwo Simoni muKenani naJudhasi Isikarioti uya akazomupandukira.
Kutumwa kwavapositori naJesu
(Mak 6:7–13; Ruka 9:1–6)
5Jesu akatuma vane gumi navaviri ava achivakomera achiti, “Musaende kune vechirudzi uye musapinde muguta ravaSamaria 6asi endai kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri muparidze 7pamunenge muchifamba muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwavapedyo.’ 8Rapai vanorwara, mutsai vakafa, murape vana maperembudzi mudzinge mweya yakaipa. Makapiwa pachena, imi ipaiwo pachena. 9Musatakure mari yendarama kana yesirivha kana yekopa muzvikwama zvenyu, 10kana tsapo yeparwendo kana hembe mbiri kana shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anokodzera kupiwa zvokudya.
11“Guta riri rose ramunopinda kana musha uri wose wamunopinda bvunzai kuti ndiani anokodzera mauri.#10:11 Anokodzera mauri: Anokodzera uyenzi hwenyu. Garai naye kusvikira mabvamo. 12Pamunopinda imomo kwazisai vomumbamo. Kana imba iyoyo ichikodzera, rugare rwenyu ngaruende pairi. 13Asi kana isingakodzeri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. 14Kana munhu asingadi kukugamuchirai kana kuteerera mazwi enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mava kubva pamba ipapo kana guta iroro. 15Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, ‘Pazuva rokutongwa zvicharerukira nyika yeSodhomu neGomora kupinda guta iroro.’
Nhamo yokutambudzirwa chitendero
(Mak 13:9–13; Ruka 21:12–17)
16“Tarirai, ndinokutumai sehwai mukati memhumhi, nezvo ngwarai senyoka asi makarurama senjiva. 17Ngwarirai vanhu, nokuti vachakukwirirai matare vachikurovai mumasinagogu avo. 18Muchakwekweretserwa kuvatongi namadzimambo, pamusana pangu, kuti mupe uchapupu pamberi pavo nokune vechirudzi. 19Kana vakukwirirai musazvinetse kuti muchataura sei kana kuti muchataurei 20nokuti zvamuchataura muchazvipiwa panguva iyoyo, nokuti hamusirimi munenge muchitaura asi Mweya waBaba venyu anenge achitaura nemamuri.
21“Mukoma nomunun'una vachakwirirana kumatare kusvikira pakuuraisana. Babawo vachakwirira mwana wavo. Vana vachamukira vabereki kuti vauraiwe 22uye muchavengwa navose pamusana pezita rangu asi uyo anotirira#10:22 Anotirira: Kana kuti kushirira. kusvika pamugumo achaponeswa. 23Kana vakakutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hamumbopedza kuenda mumaguta ose eIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati auya. 24Mudzidzi haasi mukuru pane mudzidzisi wake nomurandawo haasi mukuru pana tenzi wake. 25Zvinenge zvatoita zvazvo, kana mudzidzi akava somudzidzisi wake, kana kuti murandawo akaita satenzi wake. Kana vakatumidza saimba kuti Bheerizabhuri ko vanganyomba zvakadii avo vemhuri yake?
Ndiani anofanira kutyiwa
(Ruka 12:2–7)
26“Naizvozvo musavatye. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswa pachena kana chakavandika chisingazozivikanwa.
27“Zvandinokutaurirai murima
zvitaurei masikati machena,
zvamunonzwa nakazevezeve
zviparidzei muri pamusoro pemba.
28Musatye avo vanouraya muviri
asi vasingagoni kuuraya mweya
asi ityai uyo anogona kuuraya
mweya nomuviri mugomba romoto.
29Tushiri tudiki tuviri hatutengeswi nesendi here?
Asi hapana kamwe katwo kanowira pasi,
kusiri kuda kwaBaba venyu.
30Kana murimi zvenyu,
kunyange vhudzi romusoro wenyu
rose rakaverengwa.
31Saka musatye; munotokosha
kupinda tushiri tuzhinji.
Kubvuma kana kuramba Jesu
(Ruka 12:8–9)
32“Nezvo munhu anondibvuma pamberi pavanhu ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. 33Asi munhu anondiramba pamberi pavanhu, ini ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
Rugare nehondo yebakatwa
(Ruka 12:51–53; 14:26–27)
34“Regai kufunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika. Handina kuuya kuzounza rugare asi hondo yebakatwa 35nokuti ndakauya kuzorwisanisa baba nomwanakomana vake, mwanasikana achapesanawo naamai vake, muroorawo achapesana navamwene vake. 36Mhandu dzomunhu dzichava dzomumba make.
Kuzviramba pakutevera Jesu
37“Munhu anoda baba namai kupinda ini haakodzeri kuva wangu. Uyo anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupinda ini haakodzeri kuva wangu. 38Aninaani asingatore muchinjikwa wake achinditevera haakodzeri kuva wangu. 39Uyo anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake, pamusana pangu, achahuchengetedza.
Mibayiro
(Mak 9:41)
40“Uyo anogamuchira imi anogamuchirawo ini. Anogamuchira ini anogamuchirawo uyo akandituma. 41Anogamuchira muporofita pamusana pokuti muporofita anowanawo mubayiro womuporofita. Uyowo anogamuchira munhu akarurama pamusana pokuti munhu wakarurama achagamuchirawo mubayiro womunhu wakarurama. 42Munhuwo anopa kune mumwe wavaduku ava kunyange mukombe wemvura inotonhora nokuda kokuti mudzidzi, zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri haamborega kuwana mubayiro wake.”
Currently Selected:
:
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.