Mateu 8
8
Jesu anoporesa munhu ana maperembudzi
(Mako 1:40-45; Ruka 5:12-16)
1Akati aburuka pagomo, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera. 2Tarira, munhu anamaperembudzi akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
3Akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati, “Ndinoda; chinatswa!” Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.
4Jesu akati kwaari, “Tarira, usaudza munhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubayire chipo chakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.”
Jesu anoporesa muranda womukuru wezana
(Ruka 7:1-10)
5Akati apinda Kapenaume, mumwe mukuru wezana akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari, 6achiti, “Ishe, muranda wangu avete kumba, akafa mitezo, asi anotambudzika kwazvo.”
7Akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.”
8Mukuru wezana akapindura, akati, “Ishe, handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu; asi taurai henyu shoko rimwechete, muranda wangu achapora. 9Nokuti neniwo ndiri munhu anorayirwa, ndina varwi pasi pangu; ndinoti kunomumwe, ‘Enda!’ anoenda; kunomumwe, ‘Uya!’ anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita chichi!’ anochiita.”
10Jesu, akati achinzwa izvozvo, akashamiswa, akati kunavakanga vachitevera, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Handina kumboona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsiraeri. 11Ndinoti kwamuri, vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva, nokumavirira, vachagara naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho, muushe hwedenga, 12asi vanakomana voushe vachabudiswa kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.” 13Zvino Jesu akati kumukuru wezana, “Enda uitirwe sokutenda kwako.” Muranda wake akapora nenguva iyo.
Jesu anoporesa vambuya vaPetirosi
(Mako 1:29-34; Ruka 4:38-41)
14Jesu, akati achipinda mumba maPetirosi, akaona vambuya vaPetirosi vavete, vachinzwa fivha. 15Akabata ruoko rwavo, fivha ikabva kwavari, vakasimuka, vakamushandira. 16Ava madekwana, vakauya kwaari navazhinji vaiva nemweya yakaipa; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vose vairwara. 17Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Iye akatora utera hwedu, akatakura zvirwere zvedu.”
Kutevera Jesu
(Ruka 9:57-62)
18Jesu, akati achiona vanhu vazhinji vakamukomba, akaraira kuti vayambukire mhiri. 19Zvino mumwe munyori akauya akati kwaari, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”
20Jesu akati kwaari, “Makava ana mawena, neshiri dzokudenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.”
21Mumwe wavadzidzi akati kwaari, “Ishe, nditenderei henyu, ndimbondoviga baba vangu.”
22Asi Jesu wakati kwaari, “Nditevere; rega vakafa vavige vakafa vavo.”
Jesu anonyaradza dutu remhepo
(Mako 4:35-41; Ruka 8:22-25)
23Akati apinda muigwa, vadzidzi vake vakamutevera. 24Ipapo dutu guru rikamuka mugungwa, nokudaro igwa rakafukidzwa namafungu; asi iye akanga avete. 25Zvino vadzidzi vake vakauya, vakamumutsa, vakati, “Ishe, tiponesei, tofa!”
26Akati kwavari, “Munotyireiko, imi vokutenda kushoma?” Zvino akamuka, akaraira dutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo.
27Vanhu vakashamiswa, vakati, “Uyu munhu kunyi, zvaanotererwa nedutu negungwa?”
Jesu anobudisa mweya yakaipa munyika yavaGadhara
(Mako 5:1-20; Ruka 8:26-39)
28Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, vanhu vaviri vaiva nemweya yakaipa vakasangana naye, vachibva kumakuva; vakanga vane hasha kwazvo kwazvo, naizvozvo kwakanga kusina munhu aigona kupfuura nenzira iyoyo, 29Zvino vakadanidzira, vachiti, “Tinemhaka yeiko nemi, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotitambudza, nguva isati yasvika here?”
30Kwakanga kune boka guru renguruve dzakanga dzichifura kure navo. 31Mweya yakaipa ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti, “Kana muchitibudisa, mutitumire kuboka renguruve.”
32Akati kwairi, “Endai.” Ikabuda, ikapinda munguruve; boka rose rikamhanyira kumawere kugungwa, dzikafira mumvura.
33Ipapo vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakataura zvose, nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa. 34Zvino guta rose rikabuda kundosangana naJesu; vakati vachimuona, vakakumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.
Currently Selected:
Mateu 8: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 8
8
III: KUPARIDZWA KWOUMAMBO HWEDENGA
A: CHIKAMU CHOKUTSANANGURA NEZVISHAMISO
Jesu akarapa munhu ana maperembudzi
(Mak 1:40–45; Ruka 5:12–16)
1Jesu paakaburuka mugomo muya, vanhu vazhinji zhinji vakamutevera. 2Hoyo mumwe munhu akanga ana maperembudzi akauya kwaari akasvikopfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, kana muchida zvenyu, munokwanisa kundiporesa muchindichenura.” 3Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, achiti, “Ndinoda, natswa uchenurwe hako.” Pakarepo akabva anatswa maperembudzi ake. 4Jesu akati kwaari, “Usawane waunotaurira. Asi enda undozviratidza kumupristi upire chipo chakatemwa naMosesi, kuti chive chapupu chako kuvanhu.”
Jesu anorapa muranda womukuru wezana
(Ruka 7:1–10)
5Paakapinda muKapenaumu, mumwe mukuru wezana ramasoja akauya kwaari achimuteterera 6achiti, “Tenzi muranda wangu arere kumba; mitezo yake yatonhora uye ari kurwadziwa zvakanyanya.” 7Jesu akati kwaari, “Ndichauya ndizomurapa.” 8Asi mutungamiri wezana uya akamupindura achiti, “Tenzi handikodzeri kuti mupinde mumba mangu, ingotaurai zvenyu izwi chete, muranda wangu achapora. 9Ini ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo ari pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, ‘Enda,’ achienda uye kune mumwe, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ achichiita.” 10Jesu paakamunzwa akashamiswa. Akati kuna vaimutevera, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, kunyange muIsiraeri handina kumboona chitendero chakadai. 11Ndinokuudzai kuti vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero vachizogara pakudya naAbhurahamu naIsaki naJakobho muumambo hwedenga, 12vana voumambo vachikandwa kurima rokunze. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.” 13Jesu akati kumutungamiri wezana, “Chienda zvako ngazviitike sokutenda kwako.” Muranda uya akabva apora panguva iyoyo.
Jesu akaporesa vanhu vazhinji
(Mak 1:29–34; Ruka 4:38–41)
14Jesu paakapinda mumba maPita akaona ambuya vake varere, muviri wavo uchipinda chando. 15Akavabata ruoko kurwara kwavo ndokubva kwapera, vakabva vamuka vakamushandira. 16Manheru acho, vanhu vakauya kuna Jesu navanhu vazhinji vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. Akadzinga mweya iyoyo nokungotaura nomuromo chete. Akaporesawo vose vakanga vachirwara. 17Akaita izvi kuti azadzise zvakataurwa nomuporofita Isaya zvokuti,
“Akabvisa zvirwere zvedu
akatakura matenda edu.”
Zvinotarisirwa kune anotevera Jesu
(Ruka 9:57–62)
18Jesu, paakaona gungano guru ravanhu vakanga vamuunganira akati, ngatiyambukei mhiri. 19Imwe nyanzvi yomutemo yakauya ikati kwaari, “Mudzidzisi ini ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.” 20Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru, shiri dzedenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana pokutsamira musoro wake.” 21Mumwewo akanga ari mudzidzi wake, akati kwaari, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.” 22Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.”
Jesu anonyaradza dutu pagungwa
(Mak 4:35–41; Ruka 8:22–25)
23Jesu paakapinda mugwa, vadzidzi vake vakamutevera. 24Hero dutu guru remhepo rakamuka mugungwa zvokuti igwa rakanga rava kuda kunyudzwa namasaisai, asi Jesu akanga akakotsira zvake. 25Vadzidzi vakaenda kwaari vakamumutsa vachiti, “Tenzi tiponesei tavakupera.”
26Jesu akati kwavari, “Ko munotyireiko mukadaro? Inga muri vanhu vechitendero chidiki!” Akabva asimuka akatsiura dutu riya negungwa kukabva kwanyatsoti dzikadzika kunyarara. 27Vanhu vakashamiswa vakati, “Munhu uyu, munhu rudzii uyu, anototeererwa kunyange nemhepo negungwa?”
Jesu anorapa vaviri vaiva neMweya yakaipa
(Mak 5:1–20; Ruka 8:26–39)
28Paakasvika kumhiri kuya, kunyika yavaGadhara.#8:28 Gadhara: Vamwe vanoti Gerasini kana kuti Gerigesini. Akasangana navarume vaviri vaiva nemweya yakaipa vachibva mumakuva. Vaityisa zvikuru zvokuti hapana munhu aikwanisa kupfuura nenzira iyoyo. 29Vakabva vazhamba vachiti, “Unei nesu, Mwanakomana waMwari. Wauya kuzotirwadzisa here nguva isati yasvika.” 30Zvino pakanga pane danga renguruve dzakawanda dzakanga dzichifura zvadzo dziri chinhambwe navo. 31Mweya yakaipa iya yakamukumbira kuti kana watidzinga, tidzingire mudanga renguruve. 32Jesu akati, “Endai.” Saizvozvo yakabuda ikandopinda munguruve dziya. Hero danga rose renguruve rakati ware kumhanya. Rakateremuka napamawere echikomo ichocho ndiye mugungwa rororo. 33Vafudzi vakati ware kutiza. Pavakandopinda muguta vakataura zvose nezvakanga zvaitika kuna vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. 34Hero guta rose rakabuda kundosangana naJesu. Pavakamuona vakamukumbira kuti abve zvake munharaunda yavo.
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.