Mateu 7
7
Mharidzo pagomo, kutonga vamwe
1“Musatonga, kuti murege kutongwa; 2nokuti kutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiero chamunoera nacho, muchaerwa nacho. 3Unotarireiko kabanzu kari muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako? 4Kana ungataura seiko kuhama yako, uchiti, ‘Rega, ndibvise kabanzu muziso rako,’ izvo danda riri muziso rako? 5Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako; ugoona kwazvo kubvisa kabanzu muziso rehama yako.
6“Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye, musakanda maparera enyu pamberi penguruve, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai.
Kutsunga pakunyengetera
7“Kumbira, muchapiwa; tsvakai muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
8“Nokuti mumwe nomumwe anokumbira anopiwa; anotsvaka aNowana; anogogodza anozarurirwa. 9Munhu ndoupiko kwamuri, kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, angamupa ibwe? 10Kana akakumbira hove, angamupa nyoka? 11Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari!
12“Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo, nokuti ndiwo murayiro navaporofita.
Nzira mbiri
(Ruka 13:24)
13“Pindai nesuo rakamanikana; nokuti suo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda mukuparadzwa; vanopinda napo vazhinji. 14Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuhupenyu, uye vanoiwana vashoma.
Vadzidzisi venhema
15“Chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vane nguo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza.
16“Muchavaziva nezvibereko zvavo. Madzambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana maonde parukato? 17Saka izvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka michero yakanaka, asi muti wakaipa unobereka michero yakaipa.
18“Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nomuti wakaipa haungabereki michero yakanaka. 19Muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto. 20Saka muchavaziva nemichero yavo.
Kunzwa nokuita
21“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ vachapinda muushe hwokudenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. 22Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, ‘Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here?’ Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita zvishamiso zvizhinji muzita renyu here? 23Zvino ndichavaudza pachena, handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vezvisakarurama.
24“Naizvozvo mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akaaita, angafananidzwa nomurume akachenjera, akavaka imba yake paruware.
25“Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo; ikasawa, nokuti yakanga yakavakirwa paruware. 26Mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, angafananidzwa nomurume benzi, akavaka imba yake pajecha. 27Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.”
28Jesu akati apedza mashoko iwaya, vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake; 29nokuti akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori vavo.
Currently Selected:
Mateu 7: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 7
7
Kutonga vamwe
(Ruka 6:37,38,41,42)
1“Musatonge vamwe, imiwo hamuzotongwi. Matongero amunoita vamwe ndiwo amuchatongwawo nawo. 2Mwero wamunoera nawo, ndiwo mwero wamuchaererwawo nawo. 3Unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni zidanda riri muziso mako 4kana kuti ungati sei kune hama yako rega ndikubvise kabanzu kari muziso rako, imo muziso rako muine zidanda. 5Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso rako. Ipapo unenge wava kunyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako. 6Musape zvinhu zvinoera kuimbwa kana kukanda matombo anokosha amapera pamberi penguruve, dzingadaro dzikaatsika–tsika uye dzodzoka dzokurwisai imi.
Kumbirai, Tsvakai, Gogodzai
(Ruka 11:9–13)
7“Kumbirai muchapiwa, tsvakai muchawana, gogodzai muchazarurirwa. 8Nokuti wose anokumbira anopiwa. Anotsvaka anowana. Uye unogogodza achazarurirwa. 9Nokuti ndiani wenyu anoti kana mwana wake amukumbira chingwa, anomupa dombo. 10Kana kuti akakumbira hove omupa nyoka? 11Zvino kana imi vaipi, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, ko kutozoti Baba venyu vari kudenga, vanopa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanovakumbira! 12Zvose zvamungade kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo nokuti uyu ndiwo mutemo navaporofita.
Suwo rakamanikana
(Ruka 13:24)
13“Pindai napasuo rakamanikana
nokuti suo rinotungamira kundoparadzwa rakapamhamha
uye nzira yacho inyore,
vanopinda napo vakawanda.
14Asi isuo rakamanikana
uye nzira yacho yakaoma
inoendesa kuupenyu,
vanoiwana vacho vashoma.
Muti unozivikanwa nomuchero wawo
(Ruka 6:43–44)
15“Ngwarirai vaporofita venhema,
vanouya kwamuri vakapfeka matehwe ehwai
ivo mukati vari mhumhi dzinorura.
16Muchavaziva nemichero yavo;
magirepisi angakohwiwa muminzwa here,
kana maonde murukato here?
17Nezvo muti wose wakanaka
unobereka muchero wakanaka;
asi muti wakaipa
unobereka muchero wakaipa.
18Muti wakanaka haungabereki muchero wakaipa;
mutiwo wakaipa haungabereki muchero wakanaka.
19Muti wose usingabereki muchero wakanaka
unotemwa uchikandwa mumoto.
20Nezvo muchavaziva nemichero yavo.
Vadzidzi vechokwadi
(Ruka 13:25–27)
21“Havasi vose vanonditi,
‘Tenzi Tenzi’ vachapinda muumambo hwedenga
asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
22Pazuva iroro, vazhinji vachanditi,
‘Tenzi Tenzi, hatina here kuporofita muzita renyu,
tikadzinga mweya yakaipa muzita renyu,
tikaita mabasa anoshamisa muzita renyu?’
23Ipapo ndichavataurira pachena
kuti handina kumbokuzivai.
Ndibvirei pano imi vaiti vezvakaipa.
Imba yakavakirwa pajecha neyakavakirwa paruware
(Ruka 6:47–49)
24“Naizvozvo munhu wose
anonzwa mazwi angu aya achiita zvaanoreva,
achave somunhu mungwaru
akavakira imba yake paruware.
25Mvura yanaya, mafashamo akauya;
dutu rikavhuvhuta richiroverera pamba iyoyo;
asi haina kuwa nokuti yakanga yavakirwa paruware.
26Munhu wose anonzwa mazwi angu aya,
asingaachengeti, akaita somurume benzi
akavakira imba yake pajecha.
27Mvura yakanaya, mafashamo akauya.
Dutu rakavhuvhuta rikaroverera paimba iyoyo ikawa,
kuwa kwayo kwakava kukuru kwazvo.”
Kushamisa kwoukuru hwaJesu
28Jesu paakangopedza mashoko aya gungano riya ravanhu rakashamiswa norudzidziso rwake 29nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba kwete senyanzvi dzavo dzomutemo.
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.