Mateu 6
6
Mharidzo pagomo, kupa varombo
1“Chenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muonekwe navo; kana madaro hamuna mubayiro kuna baba venyu vari kudenga.
2“Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo. 3Asi iwe, kana uchipa zvipo, ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako, 4kuti kupa kwako kuve pakavanda; ipapo Baba vako vanoona pakavanda vachakupa mubayiro.
Kunyengetera
5“Kana muchinyengetera, musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzemigwagwa dzomusha, kuti vaonekwe navanhu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo.
6“Asi iwe, kana uchinyengetera, pinda mumba mako, kana wazarira mukova wako, unyengetere kunaBaba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro.
7“Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji. 8Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa, musati makumbira kwavari. 9Zvino imi nyengeterai kudai:
‘Baba vedu muri kudenga,
zita renyu ngarikudzwe.
10Ushe hwenyu ngahuuye,
kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga.
11Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana.
12Mutiregererei mhosva dzedu
sezvatinoregererawo vane mhosva nesu.
13Musatirege tichiedzwa,
asi mutinunurei pane zvakaipa.
(Nokuti ushe ndohwenyu,
nesimba nokubwinya, nokusingaperi.
Ameni)’
14Nokuti kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo 15Asi kana musingaregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu havangakuregerereiwo kutadza kwenyu.
Kuzvinyima zvokudya
16“Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira, savanyengeri; nokuti vanoipisa zviso zvavo, vaonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Vapiwa mubayiro wavo.’ 17Asi iwe, kana uchizvinyima zvokudya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako; 18kuti urege kuonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi kuonekwa naBaba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro.
Pfuma yepasi neyokudenga
19“Regai kuzviunganidzira pfuma pasi pano, pane zvipfunho nengura zvinopedza, napane mbava dzinopaza dzichiba.
20“Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasina zvipfunho nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba.
21“Nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo. 22Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa.
23“Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava rima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei!
24“Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri; nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achafarira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungashandire Mwari nemari.
25“Saka ndinoti kwamuri, ‘Regai kufunganya pamusoro peupenyu hwenyu, muchiti ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamusoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichapfekeiko?’ Upenyu hahupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokupfeka here? 26Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzikohwi, hadzitutiri mumatura; asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here? 27Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe paurefu hwake nokufunganya?
28“Munofunganyireiko pamusoro pezvokupfeka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo; haabati basa, haaruki; 29asi ndinoti kwamuri, kuti kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo.
30“Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakupfekedze nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here?
31“Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ Kana, ‘Tichanweyi?’ Kana, ‘Tichapfekeiko?’ 32Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi zvose. 33Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri. 34Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo; zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo dzaro.
Currently Selected:
Mateu 6: SNA2002
Highlight
Share
Copy

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 6
6
Kupa muchivande
1“Ngwarirai kuti murege kuita
zvokushamisira pamberi pavanhu kuti vakuonei
mukuita kwenyu kwakarurama.
Nokuti mukadaro hamuzowana mubayiro
unobva kuna Baba venyu vari kudenga.
2“Nezvo kana mopa zvipo musaridze hwamanda
sezvinoita vanyengedzi mumasinagogu;
nomumigwagwa kuti varumbidzwe navanhu.
Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri,
vakatowana mubayiro wavo kare.
3Asi kana mopa zvipo,
ruoko rwenyu rworuboshe
ngarurege kuziva zviri kuitwa norudyi
kuti kupa kwenyu zvipo
kuve kwomuchivande,
4kuti Baba venyu vanoona
muchivande vagokupai mubayiro.
Kunamata muchivande
(Ruka 11:2–4)
5“Kana mava kunamata
regai kuita savanyengedzi.
Vanoda kumira vachinamata mumasinagogu
napamharadzano dzenzira
vachiitira kuti vaonekwe navanhu.
Chokwadi–chokwadi ndinoti kwamuri
vakatowana mubayiro wavo kare.
6Asi kana iwe wava kunamata,
pinda mumba mako
uzarire gonhi rako
unamate kuna Baba vako vari muchivande.
Ivo Baba vako vanoona zviri muchivande,
vachakupa mubayiro.
7“Asi imi kana mava kunamata
regai kuzavaza sezvinoita vechirudzi
nokuti vanofunga kuti vanonzwika nokuda
kokuwanda kwamazwi avo.
8Musafanane navo,
nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoda
musati mavakumbira.
9Nezvo namatai sezvizvi muchiti:
‘Baba vedu muri kudenga
zita renyu ngariereswe.
10Umambo hwenyu ngahuuye.
Kuda kwenyu ngakuitwe
pasi sokudenga.
11Tipeiwo nhasi kudya kwedu
kwezuva nezuva.
12Tiregerereiwo zvitadzo zvedu,
sokuregerera kwatinoita vanotitadzira
13Musatirege tichipinda muchiedzo.
Asi tinunureiwo kune zvakaipa.#6:13 Kune zvakaipa: Kana kuti wakaipa.’
Nokuti umambo ndowenyu,
nesimba nembiri, narini narini. Ameni.
14“Kana mukaregerera vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyu vokudenga vanokuregereraiwo zvikanganiso zvenyu. 15Kana musingaregereri vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyuwo havakuregererei zvikanganiso zvenyu.
Kutsanya
16“Kana motsanya musasuruvarise uso sezvinoita vanyengedzi nokuti vanounyanisa kumeso kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri vatogamuchira mubayiro wavo.
17“Asi kana imi motsanya,
zorai musoro mafuta,
mushambe uso hwenyu;
18kuti kutsanya kwenyu
kurege kuonekwa navanhu;
asi kuti kuonekwe naBaba venyu vari muchivande.
Ivo Baba venyu vanoona muchivande
vachakupai mubayiro.
Upfumi hwokudenga
(Ruka 12:33–34)
19“Regai kuzviunganidzira upfumi panyika.
Pahunodyiwa nezvipfukuto nengura nehonye,
panozopazwa nembavha dzichiba.
20Asi zviunganidzirei upfumi kudenga,
kusina chipfukuto kana ngura inohudya,
kusingapazwi nembavha dzichiba,
21nokuti pano upfumi hwako ndipo pano mwoyo wakowo.
Mwenje womuviri
(Ruka 11:34–36)
22“Ziso ndiro mwenje womuviri.
Nezvo kana ziso rako rakanaka
muviri wako wose uchazara nechiedza.
23Asi kana ziso rako risina kunaka
muviri wako wose uchazara nerima.
Zvino kana chiedza chiri mamuri chava rima,
rima racho richava rakakura sei!
Haugoni kuva muranda waMwari nomuranda wemari
(Ruka 12:22–31; 16:13)
24“Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri, nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe, kana kuti anoti kwati kwati nomumwe achizvidza mumwe. Haugoni kuva muranda waMwari nomuranda wemari.#6:24 Wemari: Izwi iri rinoreva mamoni, mari kana kuti upfumi.
“Vimba naMwari kuti anokupa zvinokuraramisa. 25Nezvo ndinoti kwamuri musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei. Ihwo upenyu hausi hwakakosha here kupinda chokudya, uye muviri haupfuuri chokupfeka here?
26“Tarisai muone shiri dzedenga
hadzidyari kana kukohwa
kana kuunganidza mumatura
asi Baba venyu vokudenga vanodzipa chokudya.
Hamuna kukosha here kupinda idzo?
27Ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo? 28Ko munozvinetsereiko muchifunga nezvokupfeka? Tarisai muone maruva esango kuti anokura sei. Haabati basa kana kuruka. 29Asi ndinoti kwamuri kunyange Soromoni pachake nembiri yake yose iya, akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. 30Kana Mwari achishongedza uswa homusango huripo nhasi uno, mangwana hwokandwa muchoto, haasi anokupfekedzai zvakatonyanya here imi vanhu vochitendero chiduku. 31Saka musazvidye mwoyo muchiti tichadyei kana kuti tichanwei kana kuti tichapfekei. 32Nokuti vechirudzi vanotsvaka zvose izvi asi Baba venyu vokudenga vanoziva kuti zvose izvi munozvida. 33Imi, kutangira zvose tsvakai umambo hwake; noururami hwake, zvinhu zvose izvi zvichavawo zvenyu.
34“Nezvo musazvidye mwoyo nezvamangwana nokuti mangwana achazvionera oga, zuva roga roga rine nhamo dzaro dzakarikwanira.”
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.