Mateu 5
5
Mharidzo yaJesu pagomo
(Ruka 5:1—7:29)
1Akati achiona vanhu vazhinji, akakwira mugomo; akagara pasi, vadzidzi vake vakaswedera kwaari. 2Akashama muromo wake, akavadzidzisa, achiti,
3“Vakaropafadzwa varombo mumweya; nokuti ushe hwedenga ndohwavo.
4“Vakaropafadzwa vanochema; nokuti vachanyaradzwa.
5“Vakaropafadzwa vakapfava; nokuti vachagara nhaka yenyika.
6“Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yoururami; nokuti vachagutiswa.
7“Vakaropafadzwa vane ngoni; nokuti vachaitirwa ngoni.
8“Vakaropafadzwa vane mwoyo yakachena; nokuti vachaona Mwari.
9“Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti vachanzi vana vaMwari.
10“Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama; nokuti ushe hwedenga ndohwavo.
11“Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu. 12Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai.
Munyu nechiedza chenyika
13“Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu washapa, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe navanhu.
14“Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki. 15Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko, uvhenekere vose vari mumba. 16Naizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze baba venyu vari kudenga.
Jesu Kristu akauya kuzadzisa Murayiro
17“Musafunga kuti ndakauya kuparadza murayiro kana vaporofita, handina kuuya kuzoparadza, asi kuzadzisa.
18“Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuura, yota imwe kana tsanga imwe yomurayiro hazvingatongopfuuri, zvisati zvaitika zvose.
19“Naizvozvo ani naani anotyora mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, achanzi muduku muushe hwedenga; asi anoiita, akaidzidzisa, achanzi mukuru muushe hwedenga.
20“Nokuti ndinoti kwamuri, ‘Kana kururama kwenyu kusingapfuuri kwavanyori nokwavaFarisi, hamungatongopindi muushe hwedenga.’
21“Makanzwa kuti zvakanzi kunavakare, ‘Usauraya; ani naani anouraya achapara mhosva ingatongwa;’ 22asi ini ndinoti kwamuri, ‘Anotsamwira hama yake achapara mhosva ingatongwa;’ anoti kuhama yake, ‘Raka’ achapara mhosva kumakurukota; anoti, ‘Benzi,’ achapara mhosva kuti atongwerwe Gehena romoto.
23“Naizvozvo kana iwe uchiuya nechipo chako paaritari, ukarangarira ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, 24usiye chipo chako ipapo pamberi pearitari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozouya woisa chipo chako.
25“Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako, uchiri munzira naye; kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukaiswa mujeri.
26“Zvirokwazvo ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira.
27“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Usaita upombwe.’ 28Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe anotarira mukadzi achimuchiva, atoita upombwe naye mumwoyo make. 29Kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uribvise, urirasire kure kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena. 30Kana ruoko rwako rworudyi ruchikugumbusa, urugure ururasire kure kwauri, nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.’ 31Zvakanziwo, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwokumuramba.’ 32Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe unoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva youpombwe, anomuitisa upombwe; ani naani aNowana arambwa, anoita upombwe.’
33“Makanzwawo kuti zvakanzi kunavakare, ‘Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.’ 34Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musatongopika, kana nokudenga, nokuti ndicho chigaro choushe chaMwari; 35kana nenyika, nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusaremu, nokuti ndiro guta raMambo mukuru. 36Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.’ 37Asi shoko renyu rizoti, ‘Hongu,’ ave ‘hongu;’ ‘Kwete,’ ave ‘kwete;’ zvinopfuura izvozvo zvinobva kumuipi.
38“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsihwa neziso, zino nezino.’ 39Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musadzivisa akaipa, asi anokurova padama rorudyi, umurinzire rimwewo.’ 40Kana munhu achida kukukwirira, kuti akutorere nguo yako yomukati, umutendere nenguo yokunzewo. 41Ani naani anokumanikidza kuenda maira imwe, uende naye mbiri.
42“Anokumbira kwauri mupe, usafuratira anoda kukwereta kwauri.
43“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, venga muvengi wako.’ 44Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Ida vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai; 45kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira zuva ravo vakanaka nevakaipa vanonisira mvura vakarurama navasakarurama.’ 46Nokuti kana muchida avo vanokudai, muno mubayiro weiko? Ko vateresi havaiti saizvozvowo here?
47“Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuura vamwe neiko? Ko vahedheni havaiti saizvozvowo here?
48“Naizvozvo muve vakakwana, saBaba venyu vari kudenga vakakwana.
Currently Selected:
Mateu 5: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 5
5
B: MHARIDZO YAJESU PAGOMO
Mharidzo yakaitwa naJesu pagomo
1Jesu akati achiona gurusvusvu riya ravanhu akakwira mugomo. Paakagara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari.
2Akazarura muromo wake
akavadzidzisa achiti:
Rufaro rwechokwadi
3“Vakakomborerwa zvavo varombo mumweya
nokuti umambo hwedenga ndohwavo.
4Vakakomborerwa zvavo vanochema
nokuti vachanyaradzwa
5vakakomborerwa zvavo vakapfava
nokuti vachawana nhaka yenyika.
6Vakakomborerwa zvavo vane nzara nenyota yoururami
nokuti vachagutswa.
7Vakakomborerwa zvavo vane tsitsi
nokuti vachaitirwawo tsitsi.
8Vakakomborerwa zvavo vakachena pamwoyo
nokuti vachaona Mwari.
9Vakakomborerwa zvavo vawadzanisi
nokuti vachanzi vana vaMwari.
10Vakakomborerwa zvavo vanotambudzirwa ururami
nokuti umambo hwedenga ndohwavo.
11Makakomborerwa zvenyu imi
kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai
vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema
pamusana pangu.
12Farai mufarisise kwazvo
nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga.
Nokuti ndiko kutambudza kwavakaita
vaporofita vakakutangirai.
Imi muri munyu uye chiedza chapasi
(Mak 9:50; Ruka 14:34–35)
13“Imi muri munyu wapasi.
Zvino kana munyu usisavavi
unozovaviswa nei?
Unenge usisina basa
unofanira kutongoraswa zvawo
uchitsikwa zvawo navanhu.
14“Imi muri chiedza chapasi.
Guta rakavakirwa pagomo harivanziki.
15Vanhu havatungidzi mwenje
vachiukwidibira nedengu
asi kuti vanotouisa pachigadzikiro chomwenje
uchivhenekera vose vari mumbamo.
16Saizvozvowo,
chiedza chenyu ngachivhenekere vanhu
kuti vaone mabasa enyu akanaka
varumbidze Baba venyu vari kudenga.
Zvomutemo
17“Regai kumbofunga zvenyu
kuti ndakauya kuzoparadza mutemo
kana vaporofita.
Handina kuuya kuzozviparadza,
asi kuzozvizadzisa.
18Nokuti ndinokutaurirai zvechokwadi chaizvo
kuti denga napasi zvingapfuure zvazvo
asi hapana kana kabhii
kana kaga zvako komutemo
kachabviswa mumutemo kusvikira zvose zvaitika.
19Nezvo ani naani anotyora mumwe wemitemo iyi
achidzidzisa vanhu kudaro
achanzi mudiki muumambo hwedenga.
Asi uyo anoichengeta achiidzidzisa achanzi
mukuru muumambo hwedenga.
20“Nokuti ndinokutaurirai kuti kana ururami hwenyu hukasadarika ururami hwenyanzvi dzomutemo navaFarisei hamumbopinda muumambo hwedenga.
Chidzidziso chaJesu pamusoro pokushatirwa
21“Makanzwa kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usauraye.
“ ‘Ani naani anouraya achatongwa.’
22Asi ini ndinoti kwamuri
munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa.
Ani naani anoti kuhama yake,
‘Uri munhu pasina.’ Achakwidzwa padare.
Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’
anokodzera gomba romoto.
23Ipapo kana uchindopira chipo chako paatari,
ipapo ukafunga kuti hama yako ine chigumbu newe,
24siya chipo chako ipapo pamberi peatari
uende utange wayanana nehama yako.
Wozouya zvako opira chipo chako.
25“Wadzana nomunhu ari kukukwirira dare nokuchimbidza
muchiri munzira yokuenda kudare
angadaro uyo ari kukukwirira dare akakuisa kumutongi
mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa,
uye uchizoiswa mujeri.
26Zvechokwadi ndinokutaurira kuti
haumbomubuda kusvikira waripa sendi rokupedzisira.
Zvinotaurwa naJesu nezveupombwe
27“Makanzwa kuti zvakanzi, musaite upombwe
28Asi ini ndinoti kwamuri,
‘Ani naani anotarisa mukadzi achimuchiva
atoita upombwe naye mumwoyo make.’
29Kana ziso rako rorudyi richikukonzera kutadza
risvukunure urikande kwakadaro.
Zviri nani kurasikirwa neimwe nhengo yomuviri wako
panze pokuti muviri wako wose ukandwe
mugomba romoto.
30Kana ruoko rwako rworudyi ruchikukonzera kutadza
rudimbure urwukande kwakadaro.
Zviri nani kurasikirwa neimwe yenhengo dzako
panze pokuti muviri wako wose uende kugomba remoto.
Zvakataurwa naJesu nezvokurambana
(Mat 19:9; Mak 10:11–12; Ruka 16:18)
31“Zvakanziwo uyo anoramba mukadzi wake
ngaamupe tsamba yegupuro.
32Asi ini ndinoti,
‘Ani naani anoramba mudzimai wake
kunze kokunge chikonzero chacho chiri choupombwe,
anomuita kuti aite upombwe.
Ani naaniwo anoroora mukadzi akarambwa anoita upombwe.’
Mhiko
33“Makanzwawo kuti
zvakanzi kuvanhu vakare
musapike nhema
asi kuti munotofanira kuita zvamakapika kuna Tenzi.
34Asi ini ndinoti kwamuri
usambopika zvako naTenzi kana nedenga
nokuti chigaro choumambo chaMwari;
kana kupika nenyika nokuti chitambarariko chetsoka dzake;
35kana kupika neJerusaremu
nokuti iguta ramambo mukuru.
36Usapike nomusoro wako
nokuti haugoni kusandura ruvhudzi rwako kuti
ruve ruchena kana rutema.
37Regai hongu wenyu angova hongu
nakwete wenyu angova kwete;
zvimwe zvose zvinopfuura ipapa
zvinobva kuna wakaipa#5:37 Wakaipa: Kana kuti kuipa. uya.
Matsive: ziso neziso
(Ruka 6:29–30)
38“Makanzwa kuti zvakanzi
ziso rinofanira kutsiviwa neziso
zino richitsiviwa nezino.
39Asi ini ndinoti kwamuri,
‘Usadzivise wakaipa.’
Kana munhu akakurova mbama padama rorudyi
mutendeudzire rimwezve.
40Kana munhu achida kukukwirira dare
achida kukutorera bhatye rako
ibva wamupa nejasi rako.
41Kana munhu akakumanikidza kuti umuperekedze
kiromita imwechete,
muperekedze kwamakiromita maviri.
42Munhu anokukumbira, mupe.
Usanyime uyo anoda kukukwereta.
Ida vavengi vako
(Ruka 6:27–28,32–36)
43“Makanzwa kuti zvakanzi,
‘Ida mumwe wako
uvenge muvengi wako.’
44Asi ini ndinoti kwamuri,
‘Idai vavengi venyu
munamatire vanokutambudzai
kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga,’
45nokuti ivo vanobudisira zuva ravo vakaipa navakanaka;
uye vanonaisira mvura yavo vakarurama
navasina kururama.
46Ko kana muchida vanokudai,
munowana mubayiro wei,
ko vateresi havaiti saizvozvo here?
47Kana muchingokwazisa
hama dzenyu chete,
chii chamunokunda vamwe nacho ipapa?
Vechirudzi havaiti zvimwechetezvo here?
48Nezvo imi munofanira kuva vakaruramisisa
sezvakangoita Baba venyu vokudenga vakaruramisisa.”
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.