Mateu 4
4
Kuedzwa kwaJesu
(Mako 1:12-13; Ruka 4:1-13)
1Zvino Jesu akatungamirirwa naMweya kurenje, kuzoedzwa naDhiabhori. 2Akati azvinyima zvokudya mazuva ana makumi mana, nousiku hunamakumi mana, akabva oziya. 3Zvino muedzi akauya akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, taura kuti mabwe awa zvive zvingwa.”
4Asi akapindura, akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.’ ”
5Zvino Dhiabhori akaenda naye kuguta dzvene, akamumisa pachiruvi chetemberi, 6akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kuchinzi,
‘Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako,
Pamaoko avo vachakusimudza,
Kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.’ ”
7Jesu akati kwaari, “Kwakanyorwawo, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ”
8Dhiabhori akamuisazve pagomo refu-refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika, nokubwinya kwahwo; 9akati kwaari, “Izvi zvose ndichakupa, kana ukawira pasi ukandipfugamira.”
10Ipapo Jesu akati kwaari, “Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Pfugamira Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ”
11Zvino Dhiabhori akamusiya, vatumwa vakauya vakamushandira.
Jesu muGariria, vadzidzi vokutanga
(Mako 1:14-15; Ruka 4:14-15)
12Jesu akati anzwa kuti Johani asungwa, akaenda Gariria. 13Zvino, akabva Nazareta, akandogara Kapenaume pagungwa, munyika yeZabhuroni neNafitari; 14kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti,
15“Nyika yeZabhuroni, nenyika yeNafitari,
Panzira yegungwa, mhiri kwaJorodhani,
Gariria ravahedheni;
16Vanhu vakanga vagere murima
Vakaona chiedza chikuru;
Navakanga vagere panyika yorufu
nomumumvuri worufu,
Chiedza chakavabudira.”
17Kubva panguva iyeyo Jesu akatanga kuparidza, achiti, “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.”
18Akati achifamba pagungwa reGariria, akaona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni anonzi Petirosi, naAndireya munun'una wake, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. 19Akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.” 20Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera.
21Zvino akati apfuura mberi, akaona vamwe varume vaviri muigwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vaina Zebhedhia, baba vavo, vachigadzira usvasvi hwavo, akavadana. 22Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo, vakamutevera.
23Jesu akapota neGariria rose, akadzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza Vhangeri youshe, achiporesa hosha dzose namarwere ose avanhu. 24Mukurumbira wake wakanzwika kunyika yose yeSiria; vakauya kwaari navairwara vose, navakabatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vane mweya yakaipa, navakanga vane zvipusha, navakanga vakafa mitezo, akavaporesa. 25Vanhu vazhinji-zhinji vaibva Gariria, neDhekapori, neJerusaremu, neJudhea, nemhiri kwaJorodhani vakamutevera.
Currently Selected:
Mateu 4: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 4
4
Satani anoedza Jesu murenje
(Mak 1:12,13; Ruka 4:1–13)
1Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya kuenda murenje kundoedzwa naSatani. 2Akatsanya siku nesikati kwamazuva makumi mana. Mushure mezvo akabva oziya. 3Muedzi akauya akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti matombo aya ave chingwa.” 4Asi iye akapindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Munhu haararami nechingwa choga asi neizwi rose rinobuda mumuromo maMwari.’ ” 5Dhiabhori akamutora akaenda naye kuguta dzvene pamusorosoro chaipo peTemberi akati kwaari, 6“Kana uri Mwanakomana waMwari zviwisire pasi nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete, vachakugama mumaoko avo kuti urege kugumburwa rutsoka rwako nebwe.’ ” 7Jesu akati kwaari, “Zvakanyorwazve kuti, ‘Usaedze Tenzi Mwari wako.’ ” 8Dhiabhori akamutorazve akaenda naye kugomo refu–refu akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nembiri yaho. 9Satani akati kwaari, “Zvose izvi ndinokupa kana ukati pasi gwadagwa uchindinamata.” 10Jesu akati kwaari, “Ibvapo! Satani nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako. Iye oga ndiye waunofanira kushandira.’ ” 11Dhiabhori akabva akamusiya. Vatumwa vakabva vauya kuzomushandira.
Jesu anotangisa basa rake muGarirea
(Mak 1:14,15; Ruka 4:14–15)
12Jesu paakanzwa kuti Johani akanga asungwa, akaenda kuGarirea. 13Akabva kuNazareti akandogara kuKapanaumu padyo negungwa, mudunhu rokwaZabhuroni nerokwaNafutari 14kuti zviya zvakanga zvataurwa nomuporofita Isaya zvizadzikiswe zvokuti,
15“Iwe nyika yeZabhuroni
newe nenyika yeNafutari
iri pedyo negungwa
mhiri kwaJorodhani,
Garirea yevechirudzi,
16vanhu vakanga vagere murima
vakaona chiedza chikuru
navavo vakanga vagere munyika nomumumvuri worufu
chiedza chakavabudira.”
17Kubvira nguva iyoyo Jesu akatangisa kuparidza achiti pindukai nokuti umambo hokudenga hwaswedera.
Kudaidzwa kwavadzidzi vana vokutangisa
(Mak 1:16–20; Ruka 5:1–11)
18Zvino Jesu akati achifamba pamahombekombe egungwa reGarirea, akaona mukoma nomunun'una, vana Simoni anonzi Pita naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi hwavo mugungwa nokuti vakanga vari vabvuvi vehove. 19Akati kwavari, “Nditeverei. Ini ndichakuitai vabvuvi#4:19 Vabvuvi: Zvinoreva vabati vehove. vavanhu.” 20Pakarepo vakabva vasiya usvasvi hwavo vakamutevera. 21Akaenda mberi akaona vamwe, mukoma nomunun'una, Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa navaZebhedhi, baba vavo vachigadzira usvasvi hwavo. Akavadaidza. 22Pakarepo vakabva vasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
Jesu anodzidzisa; nokuparidza achirapa varwere
(Ruka 6:17–19)
23Jesu akafamba neGarirea yose achidzidzisa mumasinagogu avo achiparidza Shoko Rakanaka roumambo uye achirapa zvirwere zvose noundonda hwose pakati pavanhu. 24Mukurumbira wake wakapararira neSiria yose. Vakaunza kwaari varwere vose vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana–siyana namamwewo marwadzo navakanga vakagarwa nemweya yakaipa, navaiva netsviyo navakanga vane mitezo yomuviri yavo yakafa akavarapa. 25Gurusvusvu ravanhu rakamutevera richibva kuGarirea nokuDhekaporisi nokuJerusaremu nokuJudhea uye nokumhiri kwaJorodhani.
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.