Mateu 3
3
Johani Mubhabhatidzi
(Mako 1:1-8; Ruka 3:1-18)
1Namazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea, achiti, 2“Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.” 3Nokuti uyu ndiye wakarehwa nomuporofita Isaya, achiti,
“Izwi raanodana murenje:
‘Gadzirai nzira yaIshe,
Ruramisai migwagwa yake.’ ”
4Iye Johani aiva nenguo yamakushe engamera, nebhanhire reganda pachiuno chake; zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi hwemusango 5Zvino veJerusaremu rose neJudhea nenyika yose yakapoteredza Jorodhani vakabudira kwaari, 6vakabhabhatidzwa naye murwizi Jorodhani vachireurura zvivi zvavo.
7Asi akati achiona vazhinji vavaFarisi navaSadhusi vachiuya kuzobhabhatidzwa, akati kwavari, “Vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya? 8Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka. 9Musafunga kutaura mumwoyo menyu, muchiti, ‘Abhurahamu ndibaba vedu;’ nokuti ndinoti kwamuri, ‘Mwari angamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.’ 10Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; saka muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto. 11Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, kuti mutendeuke; asi anouya shure kwangu, anesimba, kupfuwureni, wandisakafanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene nomoto. 12Rusero rwake ruri muruoko rwake; achanatsa buriro rake kwazvo; achaunganidzira koroni mudura, asi hundi achaipisa mumoto usingadzimwi.”
Kubhabhatidzwa kwaJesu
(Mako 1:9-11; Ruka 3:21-22)
13Zvino Jesu akabva Gariria, akasvika kuna Jorodhani kuzobhabhatidzwa naJohani. 14Asi Johani akaedza kumudzivisa, akati, “Ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko mouya kwandiri sei?”
15Asi Jesu akapindura akati, “Chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” Johani ndokubva atenda hake.
16Jesu, akati abhabhatidzwa, pakarepo akabuda mumvura; zvino, tarira, denga rakamuzarukira, akaona Mweya waMwari achiburuka senjiva, akauya pamusoro pake. 17Zvino tarira, izwi rakabva kudenga, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu mudiwa, wandinofarira!”
Currently Selected:
Mateu 3: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 3
3
II: KUPARIDZWA KWOUMAMBO HWEDENGA
A. CHIKAMU CHOKUTSANANGURA
Kuparidza KwaJohani Muombeki
(Mak 1:1–8; Ruka 3:1–18; Joh 1:19–28)
1Pamazuva iwayo kwakauya Johani Muombeki achiparidza murenje reJudhea achiti, 2“Pindukai nokuti umambo hwedenga hwaswedera.”
3Uyu ndiye akanyorwa nezvake nomuporofita Isaya achiti,
“Izwi raanodanidzira mugwenga achiti,
‘Gadzirirai Tenzi mugwagwa.
Ruramisai nzira dzake.’ ”
4Johani aipfeka hanzu yakagadzirwa nemvere dzenghamera nebhande reganda muchiuno chake. Chokudya chake chaiva mhashu nouchi homusango. 5Jerusaremu neJudhea yose navanhu vomunharaunda yeJorodhani vakabuda vachienda kwaari 6vakaombekwa naye murwizi rwaJorodhani vachireurura zvitadzo zvavo.
7Paakaona vaFarisei vazhinji navaSadhusei vachiuya kuzoombekwa akati kwavari, “Imi vana venyoka, ndiani akakunyeverai kuti mutize kurangwa kuri kuuya? 8Naizvozvo berekai muchero unowirirana nokupinduka kwenyu. 9Regai kuzvifurira muchiti zvatina Abhurahamu sababa vedu muchechetere, nokuti ndinoti kwamuri, Mwari anogona kumutsira Abhurahamu vana kubva kumatombo aya. 10Zvino demo ratonanga parinotema midzi yemiti. Naizvozvo muti wose usingabereki muchero wakanaka uchatemwa uchikandwa mumoto. 11Hongu ini ndinokuombekai nemvura kuti mupinduke. Asi arikuuya mushure mangu ane simba kupinda ini. Ini handikodzeri kutakura shangu dzake; iye achakuombekai naMweya Mutsvene uye nomoto. 12Rusero rwake ruri muruoko rwake kuti aurutse zvapurwa paburiro rake nokuunganidza koroni yake nokuiisa mudura. Asi hundi achaipisa nomoto usingadzimiki.”
Kuombekwa kwaJesu
(Mak 1:9–11; Ruka 3:21–22)
13Jesu akabva kuGarirea achienda kurwizi rwaJorodhani kwaiva naJohani kundoombekwa naye. 14Johani aida kumurambidza achiti, “Ini ndini ndinofanira kuombekwa nemi. Zvino imi ndimi mouya kwandiri here?” 15Jesu akamupindura achiti, “Parizvino rega zvive saizvozvo nokuti zvakanaka kuti tizadzise zvakarurama zvose.”
16Ndipo paakabvuma. Jesu paakangoombekwa akabva abuda mumvura pakarepo ndokubva matenga akazaruka#3:16 Akazaruka: Izwi iri, muchiGiriki riri mumabraketsi. kwaari akaona Mweya waMwari achiburuka akaita senjiva achisvikomhara paari. Hero izwi rakabva kudenga 17richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo anondifadza zvikuru.”
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.