Mateu 2
2
Vachenjeri vamabvazuva
1Jesu akati aberekwa muBheterehemu reJudhea, pamazuva amambo Herodhi, tarira, vachenjeri vakasvika Jerusaremu vachibva mabvazuva, 2vakati, “Aripiko Mambo wavaJudha akazvarwa? Nokuti takaona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomupfugamira.”
3Mambo Herodhi akati achizvinzwa, akatambudzika kwazvo, neJerusaremu rose naye. 4Akakokera vapristi vakuru vose navanyori pakati pevanhu, akavabvunza kuti, “Kristu uchaberekerwepi.”
5Vakati kwaari, “MuBheterehemu reJudhea; nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita, zvichinzi;
6‘Newe Bheterehemu, nyika yeJudhea,
Hausi muduku kwazvo kuvabati vaJudha;
Nokuti mauri muchabuda Mutungamiriri,
Achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ”
7Zvino Herodhi akadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakaonekwa nyeredzi navo, 8akavatuma Bheterehemu, akati, “Endai munatsobvunzisisa zvomwana; kana mamuwana, mundiudze, kuti neniwo ndiuye kuzomupfugamirawo.”
9Vakati vanzwa mambo, vakaenda; zvino, tarira, nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba makanga munomwana.
10Vakati vaona nyeredzi, vakafara nomufaro mukuru-kuru. 11Vakapinda mumba, vakawana mwana naMaria mai vake; vakawira pasi, vakamupfugamira; vakasunungura mabutwa avo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira, nemura.
12Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kuna Herodhi, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.
Kutizira Ijipiti nokuurawa kwavana
13Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota, achiti, “Simuka, utore mwana namai vake, utizire Ijipiti, ugareko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhi achatsvaka mwana kuti amuuraye.”
14Akasimuka, akatora mwana namai vake usiku, akaenda Ijipiti, 15akagarako kusvikira Herodhi afa, kuti zviitike zvakarehwa naIshe nomuromo womuporofita, achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.”
16Zvino Herodhi, akati aona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo; akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose vaiva muBheterehemu munyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri.
17Zvikaitika zvakarehwa nomuporofita Jeremiya, achiti,
18“Izwi rakanzwika muRama,
Rokuchema nokurira kukuru;
Rakeri achichema vana vake,
Asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.”
Kudzoka vachibva Ijipiti
19Herodhi akati afa, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota muIjipiti, 20akati, “Simuka, utore mwana namai vake, uende kunyika yaIsiraeri, nokuti vaitsvaka kuuraya mwana vakafa.” 21Akasimuka, ndokutora mwana namai vake, akasvika kunyika yaIsiraeri.
22Asi, akati achinzwa kuti Arikerao wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako; akanyeverwa mukurota, akaenda kumativi enyika yeGariria; 23akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti zvakarehwa navaporofita zviitike, kuti achanzi muNazareta.
Currently Selected:
Mateu 2: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 2
2
Vangwaru vokumabvazuva
1Zvino pakaberekwa Jesu muBheterehemu reJudhea pamazuva amambo Herodhi; havo vazivi vezvenyenyedzi vakabva kumabvazuva, vakauya kuJerusaremu 2vachiti, “Ari kupiko mwana akaberekwa, mambo wavaJudha? Nokuti takaona nyenyedzi yake kumabvazuva zvino tauya kuzomugwadamira.” 3Mambo Herodhi paakanzwa izvi, zvakamunetsa uye neJerusaremu yose. 4Akaunganidza vapristi vakuru vose nenyanzvi dzavanhu dzomutemo akavabvunzisisa kuti iye Kristu aizoberekererwa kupi. 5Vakamutaurira kuti, “MuBheterehemu yokuJudhea nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi,
6“ ‘Iwe Bheterehemu
munyika yokwaJudha
hausiwe muduku wokupedzesera
pakati pavatongi vokwaJudha
nokuti mauri muchabva mutongi
achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ”
7Herodhi akadaidza vangwaru vaya muchivande akanyatsovabvunzisisa kuti nyenyedzi yakaonekwa rinhi. 8Akavaendesa kuBheterehemu achiti, “Endai mundotsvagisisa mwana iyeyo. Kana mamuwana ndiunzireiwo shoko, kuti neniwo ndiende ndindomugwadamira.” 9Pavakapedza kunzwa mambo vakasimudzirazve rwendo rwavo. Nyenyedzi iya yavakanga vamboona kumabvazuva ndiye n'a–a pamberi pavo ichivatungamirira kusvikira yandomira pamusoro penzvimbo yaiva nemwana. 10Pavakaona nyenyedzi iya vakafara norufaro rukuru kwazvo. 11Pavakapinda mumba imomo vakaona mwana pamwechete naamai vake Maria. Vakasvikoti pasi gwadagwa vachimuremekedza. Vakasunungura upfumi hwavo vachimupa zvipo zvendarama nerusenzi nemura. 12Vakati vakayambirwa mukurota kuti vasadzokere nokuna Herodhi, vakadzokera kunyika kwavo neimwe nzira.
Jesu anotizwa naye kuIjipiti, kuAfrika
13Vazivi venyenyedzi vaya pavakaenda, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Josefi mukurota akati, “Simuka utore mwana naamai vake utizire kuIjipiti ugare ikoko kusvikira ndakutaurira nokuti Herodhi avakuda kutsvaka mwana kuti amuparadze.” 14Josefi akasimuka akatora mucheche naamai vake usiku, akaenda kuIjipiti. 15Akagarako kusvikira Herodhi afa. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvamborehwa naTenzi nomuromo womuporofita zvokuti,
“Ndakadaidza Mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.”
Kuuraiwa kwakaitwa vacheche naHerodhi
16Herodhi, paakaona kuti akanga abatiswa pasi navazivi vezvenyenyedzi vaya, akaviruka nehasha akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose muBheterehemu nomunharaunda iyoyo yose vakanga vana makore maviri kana makore ari pasi paiwayo maererano nenguva yaakanga ataurirwa navazivi venyenyedzi vaya.
17Zvakabva zvazadzisa zvakanga zvataurwa nomuporofita Jeremia zvokuti,
18“Izwi rakanzikwa muRama
rokuchema nokuungudza kukuru,
Rakeri achichema vana vake
achiramba kunyaradzwa
nokuti vakanga vasisipo.”
Josefi anodzokera nemhuri kuNazareti
19Herodhi paakafa, hoyo mutumwa waTenzi akazvionesa kuna Josefi mukurota ari muIjipiti, 20achiti, “Chisimuka utore mwana naamai vake uende kunyika yeIsiraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.”
21Josefi akasimuka akatora mwana naamai vake akaenda kunyika yeIsiraeri. 22Asi paakanzwa kuti Akerausi ndiye aitonga muJudhea panzvimbo pababa vake Herodhi, akatya kuendako. Paakayambirwa mukurota akabva aenda kuruwa rweGarirea. 23Akaenda akandogara muguta rinonzi Nazareti kuti zvakataurwa navaporofita zvizadziswe zvokuti, “Achanzi mugari weNazareti.”
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.