Mateu 27
27
Jesu anoiswa kuna Pirato
(Mako 15:1; Ruka 23:1-2; Johani 18:28-32)
1Ava mangwana, vapristi vakuru vose navakuru vavanhu vakarangana pamusoro paJesu kuti vamuuraye; 2vakamusunga, vakaenda naye, vakamuisa kuna Pirato, aiva gavhuna.
Judhasi anozviuraya
(Mabasa 1:18, 19)
3Zvino Judhasi, uyo akamupandukira, akati achiona kuti atongerwa kufa, ndokuzvidya mwoyo, akadzosera mari iya makumi matatu esirivha kuvapristi vakuru navakuru vavanhu, 4achiti, “Ndatadza, ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakati, “Tine mhaka yeiko nazvo? Imhaka yako.”
5Akakandira pasi mari iya mutemberi; akabva, akaenda ndokuzvisungira.
6Vapristi vakuru vakatora mari yesirivha, vakati, “Hazvina kufanira kuti ichengetwe munovigwa mari, zvauri mutengo weropa.” 7Vakarangana, vakatenga nawo munda womuumbi wehari kuzovigapo vatorwa.
8Naizvozvo munda uyo wakanzi, “Munda weropa” kusvikira zuva ranhasi.
9Zvino zvakarehwa nomuporofita Jeremiya zvakaitika, zvinoti:
“Vakatora mari yesirivha makumi matatu,
Mutengo womunhu aitengeswa,
Wakatarwa navana vaIsiraeri;
10Vakatenga nawo munda womuumbi wehari,
Sezvandakarairwa naIshe.”
Jesu pamberi paPirato
(Mako 15:1-15; Ruka 23:3-5, 13-25; Johani 18:33—19:18)
11Zvino Jesu akamira pamberi pagavhuna, gavhuna akamubvunza, akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati kwaari, “Ndizvo zvamataura.” 12Asi akati achipomerwa mhosva navapristi vakuru navakuru, haana kupindura chinhu.
13Zvino Pirato akati kwaari, “Haunzwi zvinhu zvizhinji zvavanokupomedzera here?”
14Asi haana kuvapindura, kunyange neshoko rimwechete, gavhuna akashamiswa kwazvo-kwazvo nazvo. 15Zvino, pamutambo mubati aisisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe, wavanenge vaida.
16Nenguva iyo vaiva nomusungwa akakurumbira, ainzi Bharabhasi.
17Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi, kana Jesu, anonzi Kristu?” 18Nokuti akanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo.
19Zvino akati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira izwi kwaari, achiti, “Usava nemhaka nomunhu uyo akarurama; nokuti ndakatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake.”
20Vapristi vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu aurawe.
21Gavhuna akapindura, akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri?” Vakati, “Bharabhasi.”
22Pirato akati kwavari, “Ndichagoiteiko naJesu, anonzi Kristu?” Vose vakati kwaari, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa.”
23Iye akati, “Chakaipa chaakagoita ndecheiko?” Vakanyanyisa kudanidzira, vachiti, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa!”
24Zvino Pirato, achiona kuti hazvibatsiri, asi kuti potomuka bope, akatora mvura, akageza maoko ake pamberi pavanhu vazhinji, achiti, “Handine mhaka neropa romunhu uyu akarurama; imhaka yenyu!”
25Vanhu vose vakapindura, vakati, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pavana vedu.”
26Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu akamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa.
Jesu anodadirwa navarwi
(Mako 15:16-20; Johani 19:2, 3)
27Zvino varwi vaPirato vakaenda naJesu mumuzinda wagavhuna hondo yose ikaunganira kwaari. 28Vakamubvisa nguo dzake, vakamufukidza nguo tsvuku; 29vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsanga muruoko rwake rworudyi; vakapfugama pamberi pake, vakamuseka, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” 30Vakamupfira mate, vakatora rutsanga, vakaramba vachimurova musoro. 31Vakati vamuseka, vakamubvisa nguo tsvuku, vakamupfekedza nguo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa.
Jesu anoroverwa pamuchinjikwa
(Mako 15:21-41; Ruka 23:26-49; Johani 19:17-30)
32Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, ainzi Simoni; vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake. 33Vakati vasvika panzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yedehenya,” 34vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru, kuti anwe; asi akati aravira, akaramba kunwa.
35Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake pakati pavo, vachikanda mijenya, (kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike, zvinoti: Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu) 36Vakagara, vakamurindapo. 37Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake, rwokuti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” 38Vakarovera pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe.
39Vakanga vachipfuura, vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, 40vachiti, “Iwe wokuputsa temberi, nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa. Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.”
41Saizvozvo vapristi vakuru, navanyori navakuru, vakamuseka, vachiti, 42“Akaponesa vamwe; haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo wavaIsiraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, titende kwaari. 43Aivimba naMwari; ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa, kana achimuda; nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ”
44Namakororo akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, akamuzvidza saizvozvo.
45Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose. 46Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eri, Eri, rama sabakitani?” Ndokuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”
47Vamwe vakanga vamirepo, vachinzwa, vakati, “Uyo anodana Eria.” 48Pakarepo mumwe wavo wakamhanya, akatora chipanje, akachizadza nevhiniga, ndokuchiisa parutsanga, akamunwisa.
49Vamwe vakati, “Regai, timboona kana Eria achizouya kumuponesa.”
50Zvino Jesu akadanidzirazve nezwi guru, ndokubva afa.
51Ipapo tarira, chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka; 52mabwiro akazaruka, zvitunha zvizhinji zvavarurami, vakanga vavete, zvakamutswa; 53zvikabuda pamabwiro, iye akati amuka, vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa navazhinji.
54Zvino mukuru wezana, navagariri vaJesu naye, vakati vachiona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru, vakati, “Zvirokwazvo uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.”
55Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure, vakanga vatevera Jesu, vachibva Gariria vachimushandira.
56Pakati pavo kwakanga kuna Maria Magadharene, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vavanakomana vaZebhedhi.
Kuvigwa kwaJesu
(Mako 15:42-47; Ruka 23:50-56; Johani 19:38-42)
57Zvino ava madeko kukasvika mumwe mupfumi weArimatia, ainzi Josefa, akanga ari mudzidzi waJesu, 58akaenda kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akarayira kuti apiwe. 59Josefa akatora chitunha, akachiputira nomucheka muchena, 60akauviga mubwiro hwake hutsva, hwaakanga azvigadzirira iye; akakungurusira ibwe guru pamuromo webwiro, akabva oenda.
61Maria Magadharene, nomumwe Maria, vakanga varipo vagere vakatarisana nobwiro.
62Fume mangwana ndiro zuva raitevera zuva roKugadzirira vapristi vakuru navaFarisi vakaungana kuna Pirato, 63vakati, “Ishe, tinorangarira kuti munyengeri uyu, achiri mupenyu, akati, ‘Mazuva matatu apfuura, ndichamuka.’
64“Saka rairai kuti bwiro huchengetwe kusvikira pazuva retatu, kuti vadzidzi varege kuuya kumuba, vagoti kuvanhu, akamutswa kuvakafa; kurashika kwokupedzisira kukazopfuura kwokutanga.”
65Pirato akati kwavari, “Imi muna vagariri; endai muhuchengete sezvamunoziva.”
66Vakaenda, vakandochengeta bwiro, vakaisa chinamatidzo chokusimbisa pabwe.
Currently Selected:
Mateu 27: SNA2002
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 27
27
Jesu anoendeswa kuna Pirato
(Mak 15:1; Ruka 23:1–2; Joh 18:28–32)
1Kuzoti kwaedza vapristi vakuru vose navakuru–vakuru vavanhu vakaita bangano rokuti vauraye Jesu. 2Vakamusunga ndokuenda naye vakandomuturira kuno mutongi Pirato.
Firo yaJudhasi Isikarioti
(Mab 1:18–19)
3Judhasi, uya akamutengesa, paakaona kuti Jesu atongerwa rufu akatendeuka akadzorera mari iya yesirivha makumi matatu kuvapristi vakuru navakuru–vakuru achiti, 4“Ndakatadza nokutengesa kwandakaita ropa risina mhaka.” Ivo vakati, “Ko isu tinei nazvo. Ndezvako izvo.” 5Judhasi akakanda mari iya yesirivha muTemberi akabva aenda ondozvisungirira. 6Asi vapristi vakuru vakatora mari iya yesirivha vakati, “Hazvisi pamutemo kuti tiise mari iyi mudura remari yomuTemberi nokuti imari yeropa.” 7Saizvozvo vakarangana vakatenga nayo munda womuumbi wehari kuti vagosivigamo vatorwa. 8Naizvozvo munda iwoyo unonzi “Munda weropa.” Nanhasi uno. 9Ndipo pakazadzikiswa zvakataurwa nomuporofita Jeremiya achiti, “Vakatora mari yesirivha makumi matatu waiva mutengo wakatemwa navaIsiraeri wokumutenga nawo. 10Ndiyo mari yavakatenga nayo munda womuumbi wehari sokunditaurira kwakaita Tenzi.”#27:10 Ndipo pakazadziswa...tarisa Jeremia 32:6–15 utarisewo Zekaria 11:12–13.
Jesu pamberi pomutongi Pirato
(Mak 15:2–5; Ruka 23:3–5; Joh 18:33–38)
11Jesu akamira pamberi pomutongi. Mutongi akamubvunza kuti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati, “Inga matozvireva kare wani.” 12Asi paakapomerwa mhosva navapristi vakuru navakuru–vakuru, haana kupindura. 13Ipapo Pirato akati kwaari, “Hausikunzwa here kuwanda kwezvinhu zvavari kukupomera?” 14Asi iye haana kumupindura kunyange mhosva imwechete zvayo zvokuti mutongi zvakamukatyamadza zvikuru.
Jesu anotongerwa rufu
(Mak 15:6–15; Ruka 23:13–25; Joh 18:39—19:16)
15Zvino pamazuva makuru aya mutongi aiva netsika yokusunungurira vanhu musungwa mumwechete wavainge vada. 16Ipapo vakanga vaino musungwa aive nomukurumbira ainzi Bharabhasi. 17Saizvozvo vanhu pavakanga vaungana, Pirato akati kwavari, “Ndiani wamunoda kuti ndikusunungurirei, Bharabhasi here kana kuti Jesu anonzi Kristu?” 18Akadaro nokuti aiziva kuti vakanga vaturira Jesu kwaari pamusana peshanje. 19Chimwezve ndechokuti paakanga agere pachigaro chokutonga, mudzimai wake akatumira shoko kwaari achiti, “Siyanai nomunhu uyo wakarurama nokuti nhasi ndatambudzika naye zvikuru kuhope.” 20Vapristi vakuru navakuru–vakuru vakagombedzera vanhu kuti vakumbire Bharabhasi asi Jesu aparadzwe. 21Mutongi akatizve kwavari, “Pavaviri ava ndiani wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Ivo vakati, “Bharabhasi.” 22Pirato akati kwavari, “Ko ndoitei naJesu anonzi Kristu?” Vose vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” 23Pirato akati, “Nemhaka yei? Akapara mhosva yei? Akatadzei?” Asi vakabva vatonyanya kudaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” 24Pirato paakaona kuti hapana zvazviri kubatsira asi kuti pavakutomuka bongozozo, akatora mvura akageza maoko ake pamberi pemhomho iyoyo achiti, “Handina mhosva paropa romunhu uyu. Chizvionerai moga iyemi.” 25Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngaritipfukire isu navana vedu.” 26Akavasunungurira Bharabhasi. Asi ndokurova Jesu zvikuru akamuturira mumaoko avo kuti vamuroverere pamuchinjikwa.
Masoja anoita Jesu chiseko
(Mak 15:16–20; Joh 19:2–3)
27Masoja aPirato akaenda naJesu mumuzinda waGavhuna. Boka rose ramasoja rakamuunganira. 28Vakamupfekenura hanzu vakamupfekedza gemenzi dzvuku. 29Vakaruka chiremba cheminzwa vakachidzika mumusoro make. Vakamubatisa rutsanga murudyi rwake. Vaipfugama pamberi pake vachimusveeredza vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!” 30Vakamupfira mate vakatora rutsanga ruya vachimurova narwo mumusoro. 31Pavakapedza kumuita chiseko, vakamubvisa gemenzi riya vakamupfekedza hanzu dzake ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
Kurovererwa KwaJesu Pamuchinjikwa
(Mak 15:21–32; Ruka 23:26–43; Joh 19:17–27)
32Pavakanga vakubuda, vakasangana nomumwe murume wokuSairini ainzi Simoni. Vakamanikidza murume iyeyo kutakura muchinjikwa waJesu. 33Pavakasvika panzvimbo inonzi Gorogota zvinoreva kuti, “Nzvimbo yedehenya,” 34vakamupa waini yakasanganiswa nenduru kuti anwe. Paakairavira akaramba kuinwa. 35Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagoverana hanzu dzake vachiita chin'ange.#27:35 Chin'ange: Kana kuti mujenya. 36Vakagara pasi vachimuchengetedza ipapo. 37Nechapamusoro vakaisa chiga chemhosva yake chaiti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” 38Ipapo makororo maviri akarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye, mumwe ari kurudyi mumwe kuruboshe. 39Vanhu vaipfuura nepo, vakamuseka vachidzungudza 40musoro vachiti, “Ndiweka unogona kuputsa Temberi uchiivaka namazuva matatu, chizviponeseka kana uri Mwanakomana waMwari buruka pamuchinjikwa.” 41Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru vakamunyombawo vachiti, 42“Akaponesa vamwe asi haaagoni kuzviponesa. Ndiyeka mambo wavaIsiraeri. Ngaaburuke pamuchinjikwa iye zvino tigotenda maari. 43Anovimba naMwari. Ko iye Mwari ngaachimuponesaka kana achimuda nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” 44Kunyange makororo aya akanga akarovererwa naye akamunyombawo nenzira imwecheteyo.
Rufu rwaJesu
(Mak 15:33–41; Ruka 23:44–49; Joh 19:28–30)
45Kubvira #27:45 Kubvira: MuchiGiriki munoti awa yechitanhatu. paawa yegumi nechipiri, masikati nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu masikati. 46Neawa inenge yechitatu masikati Jesu akadaidzira nezwi guru achiti, “Eri Eri rama sabhakitani” zvinoreva kuti, “Mwari wangu Mwari wangu mandisiireiko.” 47Vamwe vakanga vakamirapo pavakazvinzwa vakati, “Munhu uyu ari kudaidza Eriya.” 48Mumwe wavo, pakarepo, akamhanya akatora chifovefove ndokuchinyika muwaini inovava kusvika chazara. Akachibairira parutsanga akamupa kuti anwe. 49Asi vamwe vakati, “Mirai tione kuti Eriya achauya kuzomuponesa here.” 50Jesu akadaidzira zvakare nezwi guru ndokubva afa. 51Hero jira romuTemberi rokudzikatirisa rakabva rabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvika pasi. Nyika yakandengendeka; matombo akatsemuka. 52Makuva akazaruka. Vanhu vazhinji vakafa vatsvene vakamutswa. 53Vakabuda mumakuva mushure mokumuka kwake. Vakapinda muguta dzvene vakaonekwa navazhinji. 54Mutungamiriri wezana ramasoja navaakanga ainavo vachichengetedza Jesu, vakaona kundengendeka nezvakanga zvaitika vakabatwa nokutya kukuru vakati, “Zvechokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.”
55Pakangawo paina madzimai mazhinji ipapo akanga akatarisa ari chinhambwe, akanga atevera Jesu kubva Garirea achimushandira. 56Pakati pavo paiva naMaria Maghadharena naMaria amai Jemusi naJosefi namai vavanakomana vaZebhedhi.
Kuvigwa kwaJesu
(Mak 15:42–47; Ruka 23:50–56; Joh 19:34–42)
57Ava manheru kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatia ainzi Josefi aivawo mudzidzi waJesu, 58akaenda kuna Pirato akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akati ngachipiwe kwaari. 59Josefi akatora chitunha ndokuchiputira mufuko rakachena. 60Akachiradzika muguva rake idzva raakanga azvichezera mudombo. Akakungurutsira dombo guru pamusuo weguva iroro ndokuenda zvake. 61Maria Magadharena nomumwe Maria uya vakanga varipo vakagara pakatarisana neguva iroro.
62Ramangwana racho, ndiro zuva romushure mezuva rokugadzirira Sabata,#27:62 Sabata: Izwi rokuti Sabata harimo mundima iyi asi ndiro zuva riri kurehwa. Zuva riri kurehwa apa izuva reSabata. vapristi vakuru navaFarisei vakaungana kuna Pirato vakati, 63“Changamire, tinoyeuka kuti munyengedzi uya paakanga achiri mupenyu akati, ‘Mushure memazuva matatu ndichamukazve.’ 64Naizvozvo itii guva richengetedzwe kusvika pazuva retatu. Vadzidzi vake vangadaro vakaenda vakamuba vakazotaurira vanhu kuti amuka muvakafa. Kunyengedza kokupedzisira uku kungazova kwakatoipa kupinda kokutanga.” 65Pirato akati kwavari, “Ko inga muna masoja wani. Endai mundochengetedza sokuziva kwenyu.” 66Saizvozvo vakaenda vakanyatsochengetedza guva iroro vakaisa micherechedzo padombo iroro wokuti harina kubatwa–batwa nomunhu ndokuisa vokupachengetedza.
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.