Mateu 28
28
Kumuka kwaJesu, nokuzviratidza kwake
(Mako 16:1-8; Ruka 24:1-12; Johani 20:1-10)
1Nokupera kweSabata, kwoedza, nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharene, nomumwe Maria, vakauya kuzoona bwiro. 2Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumwa waIshe akaburuka kudenga, akauya, akakungurusa ibwe, ndokugara pamusoro paro.
3Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni, nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando. 4Zvino vanyakugaririra vakadedera vachimutya, vakaita savakafa.
5Zvino mutumwa akapindura, akati kuvakadzi, “Musatya imi, nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu, akanga akaroverwa pamuchinjikwa. 6Haapo pano, nokuti akamuka, sezvaakareva. Uyai, muone paakanga akaradzikwa.
7“Kurumidzai muende mundoudza vadzidzi vake, ‘Kuti akamuka kuvakafa;’ tarirai anokutungamirirai Gariria, muchandomuonapo. Tarirai, ndakuudzai.”
8Zvino vakakurumidza kubva pabwiro, vachitya nokufara zvikuru, vakamhanyira kundoudza vadzidzi vake.
9Zvino tarira, Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai!” Vakauya, vakabata tsoka dzake, vakamupfugamira. 10Zvino Jesu akati kwavari, “Musatya, endai mundoudza hama dzangu, kuti vaende Gariria, vagondionako.”
11Zvino vachiri munzira, vamwe vagariri vakasvika muguta, vakaudza vapristi vakuru zvose zvakaitwa. 12Vakati vaungana navakuru, vakarangana, vakapa varwi mari zhinji, 13vachiti, “Taurai muchiti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba, isu tivete.’ 14Kana zvikanzwika nagavhuna, tichamutendisa, imi murege kusundirwa mhosva.”
15Zvino vakatora mari, vakaita sezvavakadzidziswa, shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha, kusvikira zuva ranhasi.
16Zvino vadzidzi vane gumi nomumwe vakaenda Gariria, kugomo ravakarayirwa naJesu. 17Vakati vachimuona, vakamupfugamira, asi vamwe vakanyunyuta. 18Ipapo Jesu akasvika, akataura kwavari, akati, “Ndakapiwa simba rose kudenga napanyika. 19Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene; 20muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.”
Currently Selected:
Mateu 28: SNA2002
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 28
28
Kumuka KwaJesu
(Mak 16:1–10; Ruka 24:1–12; Joh 20:1–10)
1Zvino kuzoti Sabata rapfuura, mambakwedza ezuva rokutanga revhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria uya vakaenda kuguva. 2Heko kundengendeka kukuru kwenyika kwakaitika nokuti mutumwa waMwari akaburuka kubva kudenga. Akauya akakungurutsa dombo riya ndokugara pamusoro paro. 3Aitarisika semheni, hanzu dzake dzakachena kuti mbuu samazaya echando. 4Mapurisa aya akadedera nokumutya vakati papata sokunge vafa.
5Asi mutumwa akati kumadzimai, “Imi musatye henyu nokuti ndinoziva kuti murikutsvaka Jesu akaroverwa pamuchinjikwa. 6Haapo pano nokuti amuka sezvaakareva. Uyai muone paanga arere. 7Zvino chiendai nokukurumidza mundoudza vadzidzi vake kuti amuka muvafi. Arikufanokutungamirirai kuGarirea. Muchamuona ikoko. Hezvoka ndakutaurirai.”
8Nokudaro vakabva paguva nokukurumidza zvabatana nokutya nokufara kukuru. Vakamhanya kundoudza vadzidzi vake. 9Jesu akabva asangana navo akati, “Kwaziwai” ivo vakauya kwaari vakabata tsoka dzake vachimugwadamira. 10Jesu akati kwavari, “Musatye. Chiendai mundotaurira hama dzangu kuti dziende kuGarirea. Ndiko kwavachandiona ikoko.”
Masoja anopa rondedzero yezvokumuka kwaJesu
11Madzimai aya pavakanga vachienda, mamwe mapurisa aya akaenda muguta akataurira vapristi vakuru zvose zvakanga zvaitika. 12Vakaita dare navakuru vakuru ndokuita zano rokupa masoja chitsama chakati kuti chemari 13vachiti, “Taurirai vanhu kuti vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu takakotsira.”
14Izvi zvikanzwika munzeve dzagavhuna, isu ndisu tichapedzerana naye kuti murege kuva nechinokutambudzai. 15Saizvozvowo vakatora mari iya vakaita sezvavakanga vataurirwa. Rungano urwu rwakaparidzirwa muvaJudha kusvika pari nhasi.
Jesu anozviratidza kuvadzidzi vake
(Mak 16:14–18; Ruka 24:36–49; Joh 20:19–23; Mab 1:6–8)
16Vane gumi nomumwechete vakaenda kuGarirea, kugomo ravakanga vataurirwa naJesu. 17Pavakamuona vakamugwadamira asi vamwe vakanga vasina chokwadi nazvo. 18Jesu akauya akati kwavari, “Simba rose pasi nokudenga rakapiwa kwandiri. 19Naizvozvo endai mundodzidzisa marudzi ose avanhu muvaombeke muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene 20muchivadzidzisa kuchengeta zvose zvandakuudzai. Uye tarisai muone, ndinemi nguva dzose kusvikira kuguma kwapasi.”
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.