Mateu 26
26
VaJudha vanorangana kuuraya Jesu
(Mako 14:1-2; Ruka 22:1-2; Johani 11:45-53)
1Jesu akati apedza mashoko iwayo ose, akati kuvadzidzi vake, 2“Munoziva kuti kana mazuva maviri apfuura Pasika inosvika, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvatongi, kuti aroverwe pamuchinjikwa.”
3Zvino vapristi vakuru, navakuru vavanhu vakaungana muruvazhe rwomupristi mukuru, ainzi Kaifasi.
4Vakarangana kuti vabate Jesu namano, vagomuuraya. 5Asi vakati, “Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.”
Jesu anozodzwa nomukadzi paBhetania
(Mako 14:3-9; Johani 12:1-8)
6Zvino Jesu akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, 7mumwe mukadzi akauya kwaari anechinu chearibhasitera chaiva namafuta chino mutengo mukuru, akachidururira mumusoro wake, agere pakudya. 8Asi vadzidzi vake vachizviona, vakafa neshungu, vakati, “Kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko?” 9“Nokuti mafuta awa angadai atengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.”
10Asi Jesu, achizvinzwa, akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti andiitira basa rakanaka. 11Nokuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose. 12Nokuti zvaakadira mafuta awa pamuviri wangu, akazviitira kuvigwa kwangu. 13Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kwose kunozoparidzirwa Vhangeri iyi panyika dzose, izvi zvakaitwa naye zvicharehwawo, kuti vamurangarire nazvo.”
Judhasi Isikarioti anotsvaka kutengesa Jesu
(Mako 14:10-11; Ruka 22:3-6)
14Zvino mumwe wavane gumi navaviri, wainzi Judhasi Isikarioti, akaenda kuvapristi vakuru, 15akati, “Muchandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri?” Vakamutemera makumi matatu emari yesirivha. 16Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumuisa kwavari nayo.
Pasika neChirariro
(Mako 14:12-26; Ruka 22:7-23; Johani 13:21-30; 1 Vakorinde 11:23-25)
17Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko pamungadya Pasika?”
18Akati, “Endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari, ‘Zvanzi noMudzidzisi, nguva yangu yava pedyo; ndichadya Pasika paimba yako, navadzidzi vangu.’ ”
19Vadzidzi vakaita pavakarayirwa napo naJesu, vakagadzira Pasika.
20Ava madekwana, akagara pakudya navadzidzi vane gumi navaviri. 21Vakati vachidya, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.”
22Zvino vakava neshungu kwazvo, vakatanga mumwe nomumwe kutaura kwaari, achiti, “Ishe, ndini here?” 23Akapindura, akati, “Waisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira. 24Mwanakomana womunhu achaenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, anouyisa Mwanakomana womunhu kuvavengi vake, zvaiva nani kumunhu uyu dai asina kuberekwa.”
25Zvino Judhasi, uyo akamupandukira, akapindura, akati, “Rabhi, ndini here?” Akati kwaari, “Ndizvo zvawataura.”
26Vakati vodya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokupa vadzidzi vake, achiti kwavari, “Gamuchirai, mudye; uyu muviri wangu.”
27Akatora mukombe, akavonga, akavapa, achiti, “Inwai mose pauri.” 28“Nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva, rakadururirwa vazhinji kuti varegererwe zvivi.” 29Asi ndinoti kwamuri, “Handichatongonwizve zvibereko zvomudzambiringa, kusvikira zuva iro randachizonwa naro nemi, zvava zvitsva, muushe hwaBaba vangu.”
30Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.
Jesu anoudza Petirosi kuti achamuramba
(Mako 14:27-31; Ruka 22:31-34; Johani 13:36-38)
31Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa neni usiku huno; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai eboka achaparadzwa.’ 32Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Gariria.”
33Zvino Petirosi akapindura, akati kwaari, “Kana vose vakagumburwa nemi, ini handingatongogumburwi.”
34Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti usiku huno, jongwe risati rakukuridza, uchandiramba katatu.”
35Petirosi akati kwaari, “Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambi ini.” Vadzidzi vose vakadarowo.
Jesu muGetsemani
(Mako 14:32-42; Ruka 22:39-46)
36Zvino Jesu akasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi, “Garai pano, ini ndichaenda kundonyengetera uko.” 37Akatora Petirosi navanakomana vaZebhedhi vaviri, akatanga kuva neshungu nokudumbirwa. 38Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde neni.”
39Akapfuura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri; kunyange zvakadaro kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”
40Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Makanga musingagoni seiko kurinda neni awa imwechete? 41Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haina simba.”
42Akaendazve rwechipiri, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura ndisingaunwi, kuda kwenyu ngakuitwe.”
43Akaendazve, akavawana vavata; nokuti meso avo akanga abatwa nehope.
44Akavasiyazve, akandonyengetera rwechitatu, achitaurazve mashoko iwayo.
45Zvino akaenda kuvadzidzi, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; tarirai, nguva yasvika, Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avatadzi. 46Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.”
Kusungwa kwaJesu
(Mako 14:43-50; Ruka 22:47-53; Johani 18:3-12)
47Achataura, tarira Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji-zhinji vakabata minondo, netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navakuru vavanhu. 48Zvino iye, akamupandukira, akanga avapa chiratidzo, achiti, “Uyo wandichatsvoda, ndiye; mumubate.”
49Pakarepo akasvika kuna Jesu, akati, “Kwaziwai, Rabhi!” Akamutsvoda zvikuru.
50Jesu akati kwaari, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo vakauya, vakaisa maoko kuna Jesu, vakamubata. 51Zvino tarira, mumwe wavaiva naJesu, akatambanudza ruoko rwake, akavhomora munondo wake, akatema muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake. 52Zvino Jesu akati kwaari, “Dzosera munondo wako muhara ravo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo. 53Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iko zvino vatumwa vanopfuura mapoka makuru-kuru ane gumi namaviri?
54“Magwaro angagoitika seiko, anoti zvinofanira kuitwa kudaro?”
55Nenguva iyo Jesu akati kuvanhu vazhinji, “Mabuda neminondo netsvimbo kuzondibata sendiri gororo here? Ndaigara mutemberi mazuva ose, ndichidzidzisa, mukasandibata. 56Asi izvi zvose zvaitwa kuti magwaro avaporofita azadziswe.” Zvino vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza.
Jesu pamberi paKaifasi navakuru
(Mako 14:53-65; Ruka 22:54, 55, 63-71; Johani 18:13, 14, 19-24)
57Avo, vakanga vabata Jesu, vakamuisa kuna Kaifasi, mupristi mukuru, apo pakanga paungana vanyori navakuru vavanhu. 58Asi Petirosi akamutevera ari kure, kusvikira paruvazhe rwomupristi mukuru, akapinda mukati, akagara navatariri kuzoona kupera kwazvo.
59Zvino vapristi vakuru namakurukota ose vakatsvaka uchapupu hwenhema kuti vapomere Jesu, vamuuraye; 60asi havana kuwana, kunyange zvapupu zvizhinji zvenhema zvakauya. Pashure zviviri zvakasvika, zvikati, 61“Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari, ndikaivakazve namazuva matatu.’ ”
62Zvino mupristi mukuru akasimuka, akati kwaari, “Haupinduri chinhu here? Chinyiko ichi chavanokupomedzera?”
63Asi Jesu akaramba anyerere. Mupristi mukuru akati kwaari, “Ndinokupikisa naMwari mupenyu, kuti utiudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.”
64Jesu akati kwaari, “Ndizvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri, kubva zvino muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimba achiuya ari mumakore edenga.”
65Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Ashonha Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai, manzwa zvino kushonha kwake. 66Munoti kudiniko?” Vakapindura, vakati, “Anofanira kufa.”
67Zvino vakamupfira mate kumeso, vakamurova netsiva, vamwe nembama, 68vachiti, “Fembera iwe Kristu, kuti ndiani akurova.”
Kuramba kwaPetirosi
(Mako 14:66-72; Ruka 22:56-62; Johani 18:15-18, 25-27)
69Petirosi akanga agere panze paruvazhe. Zvino mushandiri akauya kwaari, akati, “Newewo wakanga unaJesu weGariria.”
70Asi iye akaramba pamberi pavose, achiti, “Handizivi zvaunoreva.” 71Zvino akati asvika kusuo, mumwe mushandirikadzi akamuona, akati kunavaivapo, “Uyu munhu akanga ana Jesu weNazareta.”
72Akarambazve nokupika, achiti, “Handimuzivi munhu uyu.”
73Chava chinguva vaya vakanga vamirepo vakauya, vachiti kuna Petirosi, “Zvirokwazvo, newewo uri mumwe wavo, nokuti kutaura kwako kunoita kuti uzikanwe.”
74Zvino akatanga kutuka nokupika, nemhiko achiti, “Handimuzivi munhu uyu.” Pakarepo jongwe rikakukuridza. 75Ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa naJesu, rokuti, “Jongwe risati rakukuridza, uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda panze, akandochema zvikuru.
Currently Selected:
Mateu 26: SNA2002
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 26
26
VII: DAMBUDZIKO, NORUFU NOKUMUKA KWAJESU
Bangano rokuuraya Jesu
(Mak 14:1–2; Ruka 22:1–2; Joh 11:45–53)
1Jesu paakapedza kutaura zvose izvi akati kuna vadzidzi vake, 2“Munoziva kuti mumashure memazuva maviri, Pasika iri kusvika. Mwanakomana womunhu achaturirwa kuti arovererwe pamuchinjikwa.”
3Vapristi vakuru navakuru vakuru vavanhu vakaungana mumuzinda womupristi mukuru ainzi Kaifasi. 4Vakaita bangano rokuti vasunge Jesu zvomuchivande vagomuuraya 5asi vakati kwete pamazuva makuru nokuti pangadaro pakaita bongozozo pakati pavanhu.
Jesu anozorwa mafuta kuBhetania
(Mak 14:3–9; Joh 12:1–8)
6Jesu paakanga ari kuBhetania ari mumba maSimoni wamaperembudzi. 7Kwakauya mumwe mukadzi nechinu chamafuta okuzora anokosha kwazvo chearabhasita. Akadururira mafuta acho mumusoro maJesu paakanga agere pakudya. 8Vadzidzi pavakazviona vakagumburwa nazvo vachiti, “Kurasa mari kudai!” 9Nokuti mafuta aya angadai atengeswa nemari yakawanda kwazvo ikapiwa kuvarombo. 10Jesu achizviziva, akati kwavari, “Ko munonetserei mukadzi uyu? Inga aita chinhu chakanakisisa wani kwandiri. 11Varombo munavo nguva dzose wani asi ini hamuneni nguva dzose. 12Nokudira kwaaita mafuta aya pamuviri wangu, aita izvi kundigadzirira kuvigwa kwangu. 13Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, kwose kuchaparidzwa shoko rakanaka iri, pasi pose, zvaaita zvichataurwa sechinhu chokumuyeuka nacho.”
Judhasi anotengesa Jesu
(Mak 14:10–11; Ruka 22:3–6)
14Zvino mumwe wavane gumi navaviri ainzi Judhasi Isikarioti akaenda kuvapristi vakuru 15akati, “Muchandipa chii kana ndikamuturira kwamuri.” Vakamubhadhara makumi matatu emari yesirivha. 16Kubvira ipapo Judhasi akanga achitsvaka nguva yokuti amutengese nayo.
Jesu anodya Pasika navadzidzi vake
(Mak 14:12–21; Ruka 22:7–14,21–23; Joh 13:21–30)
17Pazuva rokutanga rechingwa chisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti, “Ndokupi kwamungade kuti tindokugadzirirai kuti mudyire Pasika?”
18Iye akati, “Endai muguta panhingi mundoti kwaari, Mudzidzisi ati, ‘Nguva yangu yasvika. Pamba pako ndipo pandichadyira Pasika navadzidzi vangu.’ ” 19Vadzidzi vakaita sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naJesu. Vakagadzirira Pasika.
20Ava manheru, Jesu akagara pakudya navadzidzi gumi navaviri. 21Pavakanga vachidya akati, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri mumwe wenyu achanditengesa.” 22Vakabva vasuruvara kwazvo vakatanga mumwe nomumwe kutaura kwaari vachiti, “Ndini here Tenzi?” 23Jesu akavapindura achiti, “Uyo aseva mundiro neni, ndiye achanditengesa.” 24Mwanakomana womunhu anoenda sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake asi zvichamuwana munhu uyo anotengesa Mwanakomana womunhu. Zvaitova nani dai munhu iyeyo asina kuzvarwa zvake. 25Judhasi, uyo akazomutengesa akati, “Ndini here mudzidzisi?” Jesu akati kwaari, “Inga wazvireva oga wani.”
Chirariro chaTenzi
(Mak 14:22–26; Ruka 22:14–20; 1 Vak 11:23–25)
26Zvavakanga vari pakudya, Jesu akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kuvadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu muviri wangu.” 27Akatorawo mukombe akatenda ndokuupa kwavari achiti, 28“Unwei mose nokuti iri iropa rangu rechitenderano#26:28 Rechitenderano: Zvimwe zvinyorwa zvakare zveBhaibhiri zvinowedzera pano apa kuti, “Chitsva.” Tarisawo Ruka 22:20; 1 Vakorinde 11:35. chitsva rinodeurirwa vazhinji kuti varegererwe zvitadzo. 29Ndinokutaurirai kuti handichazonwazve waini yomugirepisi kusvikira pazuva randinozonwa waini itsva nemi muumambo hwaBaba vangu.”
30Kuzoti vaimba rumbo vakabuda vakaenda kugomo roMuorivhi.
Jesu anofanoudza Pita kuti achamuramba
(Mak 14:27–31; Ruka 22:31–34; Joh 13:36–38)
31Jesu akati kwavari, “Mucharasiswa mose pamusana pangu usiku huno nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi danga rehwai rigopararira.’ 32Asi kana ndamutswa ndichafanokutungamirirai kuGarirea.” 33Pita akamupindura achiti, “Vamwe vose vangarasiswe zvavo pamusana penyu asi ini handimborasika.” 34Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri ihwo usiku hwanhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” 35Pita akati kwaari, “Kunyange zvikanzi ndife nemi handimbokurambai.” Ndizvo zvakataurwawo navamwe vadzidzi vose.
Jesu anonamata ari mumunda weGetsemani
(Mak 14:32–42; Ruka 22:39–46)
36Jesu akaenda navo kune imwe nzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano ini ndimboenda uko ndimbondonamata.” 37Akatora Pita navanakomana vaviri vokwaZebhedhi akabva atanga kudumbirwa nokutambura. 38Akazoti kwavari, “Ini ndadumbirwa zvikuru zvokunge ndichafa. Sarai pano murindire pamwechete neni.”
39Jesu akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi nouso akanamata achiti, “Baba vangu, kana zvichigoneka, mukombe uyu wamatambudziko#26:39 Wamatambudziko: Izwi iri muchiGiriki harimo, asi ndizvo zviri kurehwa nomukombe. ngaundipfuure asi kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.” 40Akadzokera kuna vadzidzi akavawana vatokotsira. Jesu akati kuna Pita, “Saka matadzaka imi kurindira neni kweawa imwechete? 41Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi nyama yaneta.”
42Jesu asudurukazve akanamata achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingakwanisi kundipesa ndichifanira kuunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.” 43Akauyazve akavawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru.
44Jesu akavasiyazve, akaenda akandonamata rwechitatu achitaura mazwi mamwechetewo. 45Akadzokazve kuna vadzidzi vake akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu muchitozorora nhai? Tarirai muone kuti nguva yatosvika yavakuturirwa Mwanakomana womunhu mumaoko avatadzi. 46Chisimukai tiende, houno anonditengesa wavakusvika.”
Kusungwa kwaJesu
(Mak 14:43–50; Ruka 22:47–53; Joh 18:3–12)
47Paakanga achiri kutaura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri akasvika, nechikwata chikuru chavanhu vaine mapakatwa netsvimbo vachibva kuvapristi vakuru navakuru–vakuru vavanhu. 48Mutengesi uya akanga avapa chiratidzo chokuti uyo wandinenge ndatsvoda ndiyeyo, mubatei. 49Judhasi akabva auya pana Jesu akati, “Tikukwaziseika, Mudzidzisi,” akabva amutsvoda. 50Jesu akati kwaari, “Shamwari, ingoita zvawavinga.”#26:50 Zvawavinga: Kana kuti uri kudei pano. Vakabva vauya vakati Jesu dzvi kumubata. 51Ipapo mumwe wavakanga vaina naJesu akatambanudza ruoko rwake ndiye bakatwa rake wee ndokuvaura kudimura nzeve yomuranda womupristi mukuru.
52Jesu akamuti, “Dzosera bakatwa rako panzvimbo paro nokuti vose vanoshandisa bakatwa vanofa nebakatwa. 53Unofunga here kuti handikwanisi kukumbira Baba vangu, vachinditumira pakarepo zvikwata zvavatumwa zviuru gumi nezviviri. 54Ko zvino Magwaro Matsvene anozozadzikiswa sei anoti zvinofanira kuti zvive saizvozvo?”
55Panguva iyoyo Jesu akati kuzvikwata zviya zvavanhu, “Nhaimi, mauya kuzondibata segororo, muina mapakatwa netsvimbo? Zuva nezuva ndaigara muTemberi ndichidzidzisa asi hamuna kundibata. 56Asi izvi zvaitika kuti Magwaro Matsvene avaporofita azadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya votiza.
Jesu pamberi pedare guru ravaJudha
(Mak 14:53–55; Ruka 22:54–55,63–71; Joh 18:13–14,19–24)
57Vaya vakabata Jesu vakaenda naye kuna Kaifasi, mupristi mukuru, kwakanga kwaunganwa nenyanzvi dzomutemo navakuru–vakuru. 58Asi Pita akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvanze rwomupristi mukuru. Akapinda akagara pamwechete namapurisa kuti aone pazvinoperera. 59Vapristi vakuru nedare rose vakatsvaka uchapupu hwenhema hokunenedzera Jesu kuti vamuuraye 60asi vakahushaya kunyange zvazvo vazhinji vakamupupurira zvenhema. Pokupedzisira vaviri vakauya mberi vakati, 61“Munhu uyu akati ndinokwanisa kupaza Temberi yaMwari ndichiivaka namazuva matatu.” 62Ipapo mupristi mukuru akasimuka akati, “Hauna mhinduro here? Ko mhosva dzaurikupomerwa navanhu ava ndedzei?” 63Asi Jesu akaramba akanyarara. Mupristi mukuru akati kwaari, “Ini ndinoti pika naMwari mupenyu utiudze kuti ndiwe Mesia#26:63 Mesia: Zvinoreva kuti Kristu. here Mwanakomana waMwari?” 64Jesu akati kwaari, “Ko inga matozvireva kare moga wani uye ndinokutaurirai kuti kubvira zvino muchatoona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimbaose achiuya ari pamakore okudenga.”
65Ipapo mupristi mukuru akabvarura hanzu dzake ashatirwa#26:65 Ashatirwa: Tsika yokubvarura hanzu pakadai yaiva tsika yaiitwa navaJudha kuratidza kuchema vafi kana kuratidza kuti munhu ashonha Mwari. achiti, “Ashonha Mwari. Tichadirei zvapupu? Manzwa moga kushonha kwake Mwari. 66Ko munoti kudii nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa.” 67Vakamusvipira mate kumeso, vachimurova. Vamwe vakamurova nembama vachiti, 68“Porofitaka tinzwe nhai iwe Mesia kuti akurova ndiani.”
Pita anoramba Jesu
(Mak 14:66–72; Ruka 22:56–62; Joh 18:15–18,25–27)
69Pita akanga agere panze muruvanze, mumwe musikana webasa akauya kwaari akati, “Newewo wanga uina Jesu wokuGarirea.” 70Asi Pita akazviramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura.” 71Paakaenda kumusuo woruvanze, mumwewo musikana webasa akamuona. Akati kune vakanga vamirepo, “Murume uyu akanga ana Jesu weNazareti.” 72Akazvirambazve achitopika achiti, “Handizivi munhu uyu.” 73Kwapera chinguvana, vakanga vamirepo vakauya vakati kuna Pita, “Zvechokwadi iwe uri mumwe wavo nokuti mutauriro wako unokubatisa.” 74Pita akatanga kuzvirengerera rushambwa achitopika achiti, “Handizivi munhu uyu.” Pakarepo jongwe rakabva rakukuridza. 75Pita akayeuka zvakanga zvarehwa naJesu zvokuti, “Uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” Pita akabuda panze akahwihwidza kuchema zvinosiririsa.
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.