Mateu 25
25
Mufananidzo wavasikana vane gumi
1“Zvino ushe hwedenga hungafananidzwa navasikana vane gumi, vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza muwani. 2Vashanu vavo vakanga vasina hanya, vashanu vakanga vakachenjera.
3“Nokuti vasina hanya vakatora mwenje yawo, vakasatora mafuta. 4Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo. 5Zvino, muwani akati anonoka, vakakotsira vose, vakavata.
6“Pakati pohusiku vakanzwa mheremhere, ‘Muwani auya! Budai mumuchingamidze!’ 7Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo. 8Vasina hanya vakati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe mafuta enyu, nokuti mwenje yedu yodzima.’ 9Asi vakachenjera vakapindura, vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose; endai henyu kuna vanotengesa, muzvitengere.’ 10Vakati vachienda kundotenga, muwani ndokusvika; zvino, vakanga vakazvigadzira vakapinda naye pamutambo wemuchato, mukova ukapfigwa.
11“Pashure vaya vamwe vasikana vakasvika, vakati, ‘Ishe, Ishe, tizarurireiwo!’
12“Akapindura, akati, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, handikuzivii imi.’ ”
13“Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana nguva.
Mufananidzo wamatarenda
14“Nokuti zvakafanana nomunhu akaenda kune imwe nyika, akadana varanda vake, akavaronzera pfuma yake. 15Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake; akaenda kune imwe nyika. 16Pakarepo iye, akapiwa matarenda mashanu, akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu. 17Saizvozvowo, akapiwa maviri, akawana mamwe maviri. 18Asi akapiwa rimwe, akenda, akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.
19“Nguva huru yakati yapfuura, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko navo. 20Akanga apiwa matarenda mashanu, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda mashanu, tarirai, ndawana mamwe matarenda mashanu.’ 21Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’ 22Akanga apiwa matarenda maviri akauyawo, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri.’ 23Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda akanaka, akatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’
24“Akanga apiwa tarenda rimwe, naiye akauyawo, akati, ‘Ishe, ndakanga ndichikuzivai imi, kuti muri munhu anehasha, munokohwa pamusati makadyara, munounganidza pamusati makakusha; 25zvino ndakatya, ndikandoviga tarenda renyu pasi; hecho, chinhu chenyu!’ 26Ishe wake akapindura, akati kwaari, ‘Iwe, muranda akaipa, unousimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudyara, ndichiunganidza pandisina kukusha; 27saka waifanira kuisa mari yangu kune vane bhangi, kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda. 28Naizvozvo mutorerei tarenda rake, mupe ana matarenda ane gumi. 29Nokuti mumwe nomumwe unazvo, achapiwa, ave nezvizhinji; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo. 30Budisirai muranda pasina, murima nokunze; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.’
Kutonga kukuru
31“Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, achagara pachigaro chake choushe chinobwinya; 32namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; achavaraura somufudzi anoraura makwai nembudzi. 33Achaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.
34“Zvino Ishe achati kuna vari kurudyi, ‘Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika. 35Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira; 36ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mujeri, mukauya kwandiri.’
37“Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? Kana mune nyota, tikakupai chokunwa? 38Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? Kana musina nguo, tikakupfekedzai? 39Takakuonai riniko muchirwara, kana muri mujeri, tikauya kwamuri?’
40“Ishe achapindura, achiti, kwavari, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.’ 41Zvino achati kuna vari kuruboshwe, ‘Ibvai kwandiri, imi manyombwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake. 42Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa; 43ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndisina nguo, mukasandipfekedza; ndichirwara, nomujeri, mukasandifambira.’ 44Zvino naivava vachapindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana musina nguo, kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai?’ 45Zvino achavapindura, achiti, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamusakazviitireni.’ 46Ava vachaenda kunorohwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.”
Currently Selected:
Mateu 25: SNA2002
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 25
25
Muenzaniso wavasikana gumi
1“Umambo hwedenga huchafananidzwa navasikana vane gumi vakatora marambi avo vakaenda kundochingura muwani. 2Vashanu vavo vakanga vasina kungwara, vamwe vashanuwo vakanga vakangwara. 3Vakanga vasina kungwara vaya, pavakatora marambi avo, havana kutakura mamwe mafuta. 4Asi vakachenjera vakatakura zvigubhu zvamafuta pamwechete namarambi avo. 5Muwani paakanonoka vakanzwa hope ndokubva vakotsira. 6Pakati pousiku pakaridzwa mhere yokuti, ‘Muwani wouya, budai mumuchingure.’ 7Vasikana vaya vose vakamuka vakabatidza marambi avo. 8Vasina kungwara vakati kuna vakangwara, ‘Tipungurireiwo mafuta enyu nokuti marambi edu ava kuda kudzima.’ 9Asi vakangwara vakapindura vachiti, ‘Pamwe haangazotikwanira isu nemi. Zvirinani kuti muende kuna vanotengesa mundozvitengera.’ 10Pavakanga vaenda kundotenga, muwani ndiye vhu kusvika. Vaya vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumabiko omuchato. Gonhi ndiye dhwa kuzarirwa. 11Mushure mezvo, vamwe vasikana vaya vakauya vachiti, ‘Tenzi, Tenzi tizarurireiwo.’ 12Asi iye akapindura achiti, ‘Zvechokwadi ndinoti kwamuri handikuzivii. 13Naizvozvo garirirai nokuti hamuzivi zuva kana nguva yacho.’
Muenzaniso wemari yamatarenda yokutsvagisa imwe mari
(Ruka 19:11–27)
14“Ndinodaro nokuti umambo hwedenga huchaita somunhu akanga ava kuenda kurwendo akadaidza varanda vake akaturira kwavari zvinhu zvake. 15Akapa mumwe wavo mari yematarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwechete, munhu nemunhu achipiwa maererano nezvaaikwanisa kuita. Ndokubva aenda zvake. 16Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu akabva aenda pakarepo akandoita mhindu nayo, akaita mari yamamwe matarenda mashanu. 17Ndizvozvowo zvakaita akapiwa mari yamatarenda maviri, akawana imwe mari yamatarenda maviri. 18Asi uya akagamuchira mari yetarenda rimwechete akaenda akandoricherera pasi akaviga mari yatenzi wake. 19Mumashure menguva ndefu, tenzi wavaranda vaya akauya akagadzirisana nezvemari yake navo. 20Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu, akauya kwaari namamwe matarenda mashanu achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda mashanu, haano matarenda mamwe mashanu andakashava.’ 21Tenzi wake akati kwaari, ‘Hauchionaka muranda wakanaka wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki, ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni tenzi wako.’ 22Uya akapiwa mari yamatarenda maviri akauyawo achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda maviri heino imwe mari yematarenda maviri yandakashava.’ 23Tenzi wake akamuti, ‘Hauchionaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni Tenzi wako.’ 24Uyawo akagamuchira mari yetarenda rimwechete akauyawo akati, ‘Changamire, ndakazviziva kuti muri munhu akaoma. Imi munokohwa pamusina kudyara. Munounganidza pamusina kumbokusha.#25:24 Pamusina kumbokusha: Kana kuti pamusina kumbopepeta. 25Ndakatya, naizvozvo ndakaenda ndikandoviga mari yenyu pasi. Hei mari yenyu.’ 26Tenzi wake akamupindura achiti, ‘Iwe uri muranda wakaipa, nyope yomunhu. Heya waitozviziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kurima, ndichiunganidza pandisina kukusha? 27Saka waifaniraka iwe kunge wakaisa mari yangu muBhangi. Pandainge ndauya ndaizowana mari yangu nemari yayainge yabereka. 28Saka mutorerei mari iyoyo yetarenda muipe kune ane gumi remari yamatarenda. 29Nokuti uyo anazvo anotopamhidzirwa zvimwe achitova nezvakatowanda–wanda asi uyo asina, kunyange chaanenge anacho achatorerwa. 30Uye muranda uya asina maturo mukandei kunze kurima. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.’
Kutonga kokugumisira
31“Kana Mwanakomana womunhu wouya nembiri yake pamwechete navatumwa vose, achagara pachigaro chake choumambo chinembiri. 32Marudzi ose avanhu achaunganidzwa pamberi pake. Iye achaparadzanisa vanhu, mumwe nomumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi hwai nembudzi. 33Achaisa hwai kurudyi rwake, mbudzi achidziisa kuruboshwe.
34“Ipapo Mambo achati kuna vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makakomborerwa naBaba vangu, muwane nhaka youmambo yamakagadzirirwa kubvira pakutangisa kwapasi 35nokuti ndakanga ndiine nzara mukandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukandipa chokunwa. Ndakanga ndiri muenzi mukandigamuchira. 36Ndakanga ndisina chokupfeka mukandipfekedza. Ndakanga ndichirwara mukandishanyira. Ndaiva mujeri mukauya kwandiri?’
37“Vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara tikakupai chokudya kana kuti muine nyota tikakupai chokunwa? 38Ndirini watakakuonai muri muenzi tikakugamuchirai kana kuti musina chokupfeka tikakupfekedzai? 39Ndirini watakakuonai muchirwara kana kuti muri mujeri tikakushanyirai?’
40“Mambo achavapindura achiti, ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pamakaitira izvi kune mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makatoitira ini.’
41“Ipapo achati kuna vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makarengererwa rushambwa mupinde mumoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake, 42nokuti ndakanga ndiine nzara mukasandipa chokudya. 43Ndakanga ndiine nyota mukasandipa chokunwa. Ndaiva mweni mukasandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukasandipa chokupfeka. Ndairwara uye ndaiva mujeri asi hamuna kundishanyira.’
44“Ivo vachapindurawo vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara kana kuti muine nyota kana muri mweni kana musina chokupfeka kana kuti muchirwara kana kuti muri mujeri tikasakuitirai chinhu.’ 45Iye achavapindura achiti, ‘Zvechokwadi chaizvo zvamusina kuzviita kuno mumwe wavadiki ava, hamuna kuzviita kwandiri?’
46“Ava vachaenda kuchirango chisingaperi asi vakarurama vachienda kuupenyu usingaperi.”
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.