Mateu 24
24
Jesu anoporofita kuputswa kweJerusaremu nokudzoka kwake
(Mako 13:1-29; Ruka 21:5-36)
1Zvino Jesu akabuda mutemberi, akati oenda, vadzidzi vake vakauya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetemberi. 2Akapindura, akati kwavari, “Munoona zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi dombo pamusoro pedombo, risingazowisirwi pasi.”
3Akati agara pagomo reMiorivhi, vadzidzi vake vakauya kwaari, vari voga, vakati, “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?”
4Jesu akapindura, akati kwavari, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. 5Nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu;’ vachitsausa vazhinji. 6Muchanzwa zvokurwa nenyaya yokurwa; chenjerai, musavhunduka, nokuti izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika. 7Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe; nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji.
8“Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo.
9“Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu. 10Vazhinji vachagumburwa, vachaisana kuvatongi nokuvengana.
11“Vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vachitsausa vazhinji. 12Rudo rwavazhinji ruchatonhora, nokuti kusarurama kuchawanda. 13Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, achaponeswa. 14Vhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.
15“Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yokuparadza, yakarehwa nomuporofita Dhaniere, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaacherekedze); 16zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo; 17ari pamusoro pedenga reimba, ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make; 18naari mumunda, ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake.
19“Vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo; 20Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva panguva yechando kana neSabata. 21Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.
22“Dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakuna munhu airarama; asi nokuda kwavakasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa.
23“Zvino kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, Kristu ari pano’, kana, ‘Apo’ regai kutenda. 24Nokuti vachamuka vanaKristu venhema, navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa, kuti kana zvichibvira, vatsause navakasanangurwawo.
25“Tarirai, ndagara ndakuudzai. 26Zvino, kana vakati kwamuri, ‘Tarirai, ari kurenje,’ regai kubuda; ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ regai kutenda.
27“Nokuti semheni inobva mabvazuva, ichipenyeresa kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. 28Apo pane chitunha, ndipo pachaunganira magora.
29“Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa. 30Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
31“Achatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vachaunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kuno rumwe rutivi.
Anovanyevera kurindira
(Mako 13:28-31; Ruka 21:29-33)
32“Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu, kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo. 33Saizvozvowo, nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti ava pedyo asvika pamukova. 34Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika. 35Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
36“Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna anozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga. 37Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. 38Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka, 39vasingazivi zvichavawira kusvikira mvura zhinji yauya, ikavaparadza vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. 40Nenguva iyo vaviri vachava mumunda, mumwe achatorwa, mumwe akasiyiwa. 41Vakadzi vaviri vachakuya paguyo rimwe, mumwe uchatorwa, mumwe akasiyiwa. 42Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro. 43Asi zivai izvi, kuti dai saimba, aiziva nguva yokusvika kwembavha, angadai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe. 44Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzirira; nokuti Mwanakomana womunhu achauya nenguva yomusingamutariri. 45Ndianiko muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake, kuti avape zvokudya nenguva yakafanira?
46“Akaropafadzwa muranda uyo, anoti kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo. 47Zviro kwazvo ndinoti kwamuri, achamugadza kuti ave mutariri wezvose zvaanazvo. 48Asi kana muranda uyo akaipa akataura mumwoyo make, achiti, ‘Ishe wangu anonoka;’ 49akatanga kurova vamwe varanda vanoshanda pamwechete naye, akadya, akanwa pamwechete navanoraradza, 50ishe womuranda uyo achasvika nezuva raasingamutariri, nenguva yaasingazivi; 51akamurovesa kwazvo, akamupa mugove wake pamwechete navanyengeri; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
Currently Selected:
Mateu 24: SNA2002
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 24
24
B: KUUYA KWAJESU KWECHIPIRI
Jesu anotaura nezvekuparadzwa KweTemberi
(Mak 13:1–2; Ruka 21:5–6)
1Jesu paakanga achibva muTemberi avakuenda, vadzidzi vake vakauya kwaari vachimunongedzera dzimba dzeTemberi. 2Asi iye akapindura achiti, “Muri kuona zvose izvi handiti, zvechokwadi ndinoti kwamuri hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe risingazokoromotserwa pasi.”
Nhamo namatambudziko
(Mak 13:3–13; Ruka 21:7–19)
3Paakanga akagara pagomo roMuorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga pachavo vachiti, “Tiudzei, zvichaitika rinhi izvi uye chii chicharatidza kuti mavakuuya, uyewo kuti nyika yava kuguma?” 4Jesu akavapindura achiti, “Chenjerai kuti murege kurasiswa naani zvake. 5Nokuti kuna vazhinji vachauya nomuzita rangu vachiti ndini, ‘Kristu.’ Vacharasisa vazhinji. 6Muchanzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo. Musanyanye kutya zvenyu. Izvi zvinofanira kuti zviitike asi magumo anenge asati asvika. 7Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe humambo. Kuchava nedzinzara nokundengendeka kwapasi munzvimbo dzakasiyana–siyana. 8Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka. 9Vachakupinzai mudambudziko vachikuurayai. Muchavengwa namarudzi ose pamusana pezita rangu. 10Vazhinji vachakoromoka pakutenda kwavo. Vachacherana vachivengana. 11Pachamuka vaporofita venhema vachizorasisa vanhu nzira. 12Nokuda kokuti uipi hunenge hwawanda, rudo rwavazhinji ruchatonhora. 13Asi uyo anotsungarara kusvikira kumagumo achaponeswa. 14Shoko iri Rakanaka roumambo richaparidzwa pasi pose souchapupu kumarudzi ose. Ndipo panozouya kuguma.
Choumharadzi chinon'oresa
(Mak 13:14–23; Ruka 21:20–24)
15“Naizvozvo kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chakarehwa nomuporofita Dhanieri chamira munzvimbo inoera (anoverenga ngaanzwisise.) 16Ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. 17Uyo anenge ari pamusoro pemba ngaarege kuburikira pasi kuti andotora zviri mumba make. 18Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jasi rake. 19Hameno zvavo vanenge vaina pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo. 20Namatai kuti kutiza kwenyu kusave panguva yechando kana kuti pazuva reSabata. 21Nokuti kuchava nenhamo huru isati yamboitika kubvira pakutanga kwapasi kusvikira pari zvino uye hazvichazombofa zvakaitikazve. 22Dai kuri kuti mazuva iwayo haana kutapudzwa, hapana munhu aiponeswa, asi pamusana pavakasarudzwa, mazuva iwayo achatapudzwa.
23“Ipapo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu kana kuti ari koko,’ musazvidavire 24nokuti kuchamuka vana Kristu vamanyepo navaporofita venhema vachiratidza zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti vatsautse, kana zvakwanisika, kunyange vasarudzwi. 25Chionai kuti ndakutaurirai zvisati zvaitika. 26Naizvozvo kana vakati kwamuri, ‘Hoyo ari murenje, musabude muchiendako. Kana vakati ari mudzimba dzomukati’ musazvitenda. 27Sokuvaima kunoita mheni kubva kumabvazuva kusvika kumadokero ndiko kuuya kuchaita Mwanakomana womunhu. 28Pane chitunha, magora#24:28 Magora: Kana kuti makondo. ndipo paanoungana.
Kuuya kwoMwanakomana womunhu
(Mak 13:24–27; Ruka 21:25–28)
29“Nhamo yamazuva iwayo ichangobva mukupera, zuva richaora, mwedzi uchisvipa uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga. Masimba omumatenga achazungunutswa. 30Ndipo pachaonekwa mudenga chiratidzo choMwanakomana womunhu. Marudzi apasi pose achaungudza. Vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore edenga aine simba nembiri huru. 31Iye achatuma vatumwa vake nehwamanda inorira kwazvo. Vachakokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika kusvikawo kwayakaperera rumwe rutivi.
Chidzidziso chomuonde
(Mak 13:28–31; Ruka 21:29–33)
32“Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo. 33Naizvozvo imiwo kana moona izvi zvose, zivai kuti iye#24:33 Iye: Zvichireva Mwanakomana womunhu. ava padyo, atova pamusuo chaipo.#24:33 Pamusuo chaipo: MuchiGiriki munoti pasuo guru asi zvichireva kuti ava kutoda kupinda. 34Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuuri, zvinhu izvi zvisati zvaitika. 35Denga napasi zvichapera asi mazwi angu haambopfuuri.
Hapana munhu anoziva musi nenguva
(Mak 13:32–37; Ruka 17:26–30,34–36)
36“Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vedenga, kanawo Mwanakomana asi Baba voga. 37Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. 38Sapamazuva iwayo, mafashamo emvura asati auya, vanhu vaidya nokunwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. 39Havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavatsvaira vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. 40Pavarume vaviri vanenge vari mumunda, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa. 41Vakadzi vaviri vanenge vari paguyo vachikuya pamwechete, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa. 42Nezvo rindirai nokuti hamuzivi kuti Tenzi wenyu anouya zuva ripi. 43Asi zivai izvi zvokuti dai saimba aiziva nguva yousiku ichauya nayo mbavha aigaririra. Haairega imba yake ichipazwa. 44Saizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingamutarisiri.
Muranda wakatendeka naasina kutendeka
(Ruka 12:41–48)
45“Ndoupi zvino muranda wakatendeka uye akangwara anoiswa pabasa natenzi wake rokutarira vomumusha make kuti avape zvokudya zvavo nenguva kwayo? 46Akakomborerwa muranda uyo anoti kana tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo. 47Zvechokwadi, ndinoti kwamuri achamuita mukuru wezvose zvaanazvo. 48Asi kana muranda uya akaipa, achizviti mumwoyo, ‘Tenzi wangu anonoka,’ 49iye wotanga kurova vamwe varanda naye, achidya nokunwa nezvidhakwa; 50tenzi womuranda uyu achauya pazuva raasingamutarisiri uye panguva yaasingazivi, 51omuranga#24:51 Omuranga: Vamwe vanoti anomudimbura dimbura kana kuti anomukanda kunze. achimuisa pamwechete navanyengedzi, ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.