Mateu 21
21
Jesu anogamuchirwa muJerusaremu
(Mateu 11:1-11; Ruka 19:28-40; Johani 12:12-19)
1Vakati vachisvika Bhetifage, pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, 2akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana dhongi nemwana waro akasungirirwa, murisunungure, muuye naro kwandiri. 3Kana ani naani achitaura chinhu kwamuri, muti, ‘Ishe anorida;’ pakarepo acharidzosa.”
4Izvozvo zvakaitwa, kuti zvakataurwa nomuporofita zviitike, paakati,
5“Udzai mwanasikana weZioni,
Tarira Mambo wako anouya kwauri,
Ari munyoro, akatasva dhongi,
Nemhuru yechipfuwo chinokweva.”
6Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu, 7vakauya nedhongi nemwana waro, vakaisa nguo dzavo pamusoro paro; Jesu ndokuritasva.
8Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira.
9Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira, navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusorosoro!”
10Akati apinda Jerusaremu, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati, “Uyu ndianiko?”
11Vanhu vazhinji vakati, “NdiJesu muporofita weNazareta reGariria.”
Jesu unonatsa temberi
(Mako 11:15-19; Ruka 19:45-48; Johani 2:13-22)
12Zvino Jesu akapinda mutemberi, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva, 13akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi munoiita bako ramakororo.”
14Zvino mapofu navaikamhinha vakauya kwaari mutemberi akavaporesa. 15Asi vapristi vakuru navanyori vakati vachiona zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutemberi, vachiti, “Hosana Mwanakomana waDhavhidhi!” vakafa neshungu, 16vakati kwaari, “Unonzwa zvavanotaura ivavo here?” Jesu akati kwavari, “Hongu,” hamuna kutongorava here, panoti, “Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza?” 17Akavasiya, akabva muguta, akaenda Bhetania, kwaakandovata.
Jesu anotuka muonde wakanga usingabereki
(Mako 11:12-14, 20-24)
18Mangwanani akati achidzokera kuguta, akanzwa nzara. 19Zvino, akati achiona muonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwauri, “Ngakurege kuva nemichero kwauri nokusingaperi.” Muonde ukaoma pakarepo.
20Vadzidzi vakati vachizviona, vakashamiswa, vakati, “Muonde waoma pakarepo seiko?”
21Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri, ‘Simudzwa, ukandirwe mugungwa,’ zvichaitwa. 22Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa.”
Simba raJesu rinobvepi
(Mako 11:27-33; Ruka 20:1-8)
23Akati achipinda mutemberi, vapristi vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati, “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani akakupai simba iri?” 24Jesu akapindura, akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.
25“Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here?” Vakataurirana vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ uchati kwatiri, ‘Makagoregerei kumutenda?’ 26Asi kana tikati, ‘Kuvanhu,’ tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vanoti, Johani muporofita.”
27Vakapindura, vakati kuna Jesu, “Hatizivi.” Akati kwavari, “Neni handingakuudziyiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.
Mufananidzo wavana vaviri
28“Zvino munofungeiko? Mumwe munhu akanga ana vana vaviri; akaenda kuno wokutanga, akati, ‘Mwana, enda nhasi undoshanda mumunda wangu wemidzambiringa.’ 29Iye akapindura, akati, ‘Handidi;’ asi pashure akazvidya mwoyo, akaenda. 30Akaenda kuno wechipiri, akataura saizvozvo. Iye akapindura, akati, ‘Ndinoenda, ishe;’ akasaenda.
31“Ndoupiko kunaivavo vaviri akaita kuda kwababa vake?” Vakati, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vateresi nezvipfeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari. 32Nokuti Johani akauya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvipfeve vakamutenda. Imi makati muchiona izvozvo, hamuna kuzopinduka mukamutenda.
Mufananidzo wavarimi vakaipa
(Mako 12:1-12; Ruka 20:9-19)
33“Inzwai mumwe mufananidzo, kwaiva nomunhu aivapo, saimba, akasima munda wake wemidzambiringa; akaukomberedza noruzhowa, akachera guvi rokusvinira mauri, akavaka chirindo chirefu, akaupa varimi, ndokufamba rwendo.
34“Nguva yemichero yakati yosvika, akatuma varanda vake kuvarimi, kundopiwa michero yake. 35Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, vakataka mumwe namabwe. 36Akatumazve vamwe varanda, vazhinji kukunda wokutanga; vakavaitira saizvozvo. 37Zvino pashure akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti, ‘Mwanakomana wangu vachava nehanya naye.’ 38Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye, titore nhaka yake.’ 39Zvino vakamubata vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa, vakamuuraya.
40“Zvino kana tenzi womunda wemidzambiringa achizouya, achaiteiko navarimi ivavo?”
41Vakati kwaari, “Achaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa, akaisa vamwe varimi mumunda wemidzambiringa, vachazomupa michero nenguva yavo.”
42Jesu akati kwavari, “Hamuna kutongorava here muMagwaro paye panoti:
‘Ibwe rakaraswa navavaki,
Ndiro rakazova musoro wekona;
Izvozvo zvakaitwa naIshe,
Zvinoshamisa pameso edu?’
43“Naizvozvo ndinoti kwamuri, muchatorerwa imi ushe hwaMwari, hukapiwa vanhu vanobereka michero yahwo.
[ 44“Anowira pamusoro pebwe iri, achapwanyika asi richaparadza warinowira.]”
45Vapristi vakuru navaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti anovareva ivo. 46Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji, nokuti vakanga vachiti muporofita.
Currently Selected:
Mateu 21: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 21
21
Mesia
(Mak 11:1–11; Ruka 19:28–40; Joh 12:12–19)
1Zvavakanga vavakusvika pedyo neJerusaremu, vakasvika kuBhetifage, pagomo reMiorivhi. Jesu akatuma vadzidzi vaviri achiti kwavari, 2“Endai mumusha wakatarisana nemi muchasvikowana dhongi rakasungirirwa nomwana waro Asunungurei muuye nawo kwandiri. 3Kana mumwe munhu akataura chinhu kwamuri, mutaurirei kuti, ‘Tenzi anoada uye achaadzosa nokukurumidza.’ ”#21:3 Kana kuti iye muridzi wamadhongi achabva aatumidzira.
4Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa nomuporofita achiti,
5“Taurirai mukunda,
guta reZioni, kuti,
tarira uone Mambo wako
ari kuuya kwauri akazvininipisa, akatasva padhongi,
padhongwana mwana wedhongi.”
6Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga vataurirwa naJesu. 7Vakaunza dhongi nemwana waro. Vakawaridza hanzu dzavo pamadhongi aya, Jesu akabva atasva. 8Vanhu vazhinji vegurumwandira riya vakawaridza hanzu dzavo mumugwagwa. Vamwe vakakwanhura masanzu emiti vachiawarira mumugwagwa. 9Gurusvusvu ravanhu vaiva mberi nevaimutevera vaidaidzira vachiti,
“Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,
ngaarumbidzwe iye anouya
muzita raTenzi.
Hosana kumusorosoro.”
10Paakapinda muJerusaremu, guta rose rakanyanduka richiti, “Ndiani uyu?” 11Vanhu vazhinji vakati, “Uyu ndiye muporofita Jesu wokuNazareti yokuGarirea.”
Jesu anodzinga vaiitira musika muTemberi
(Mak 15:15–19; Ruka 19:45–48; Joh 2:13–22)
12Jesu akapinda muTemberi yaMwari akadzinga vakanga vachitengesa nokutenga muTemberi. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. 13Akati kwavari zvakanyorwa zvichinzi,
“Imba yangu ichanzi
imba yokunamatira.
Asi imi muri kuiita bako ramakororo.”
14Mapofu nemhetamakumbo vakauya kwaari muTemberi akavarapa. 15Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo pavakaona zvinaniso zvaakaita navana vaduku vaidaidzira muTemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi” vakashatirwa. 16Vakati kwaari, “Uri kunzwa here zviri kutaurwa navava.” Jesu akati kwavari, “Hongu, asi hamuna kumboverenga here kuti:
“ ‘Mumiromo yavapwere navanoyamwa,
makaburitsa kurumbidza kwakanakisisa.’ ”
17Jesu akavasiya akabuda muguta akaenda kuBhetania akagarako.
Jesu akarengerera#21:18 Kushurikidza. muonde rushambwa
(Mak 11:12–14,20–24)
18Mangwanani paakanga ava kudzokera kuguta kuya, akanzwa nzara. 19Paakaona muonde parutivi penzira akaenda pauri. Hapana chaakawana pauri kunze kwamashizha chete. Akati kwauri, “Usazombofa wakabereka muchero zvakare.” Muonde wakabva wauna pakarepo. 20Vadzidzi pavakazviona vakashamiswa vachiti, “Ko muonde uyu wauna sei pakare pakarepo kudai?” 21Jesu ndokuvapindura achiti, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, ‘Kana muine chitendero uye musingakahadziki hamuiti chete zvaitika kumuonde asi kunyange mukati kugomo iri simudzwa ukandwe munyanza zvichaitwa. 22Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato, muchazvigashira kana muine chitendero.’ ”
Kunobva simba raJesu
(Mak 11:27–33; Ruka 20:1–8)
23Paakapinda muTemberi, vapristi vakuru navakuru vakuru vavanhu vakauya kwaari paakanga achidzidzisa, vakati: “Unoita zvinhu izvi nesimba raani uye ndiani akakupa simba irori?” 24Jesu akavapindura achiti, “Kana neniwo ndinoda kukubvunzai mubvunzo. Kana mukandipa mhinduro, ini ndinobva ndakutauriraiwo kuti ndinoita izvi nesimba raani. 25Ruombeko rwaJohani rwakabvepi, kudenga here kana kuvanhu?” Vakataurirana vachiti, “Kana tikati rwakabva kudenga, iye achati kwatiri ko makaregerei kutenda kwaari? 26Kana tikati rwakabva kuvanhu tinotya uzhinji hwavanhu. Nokuti vose vanoti Johani aiva muporofita.” 27Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Iye akati kwavari, “Kana neniwo handikutaurirei kuti ndinoita izvi nesimba raani.
Muenzaniso wavanakomana vaviri
28“Munofunga kuti kudii? Mumwe murume aiva navanakomana vaviri, akaenda kuna wokutanga wacho akati, ‘Mwanangu, enda nhasi undoshanda mumunda wamagirepisi.’ 29Iye akapindura achiti, ‘Handidi,’ asi pashure akazozvidzora akaenda. 30Akaenda kune wechipiri akataura zvimwechetezvo. Mwanakomana akapindura achiti, ‘Ndinoenda changamire,’ asi haana kuenda. 31Pakati pavaviri ava ndoupi akaita zvaidiwa nababa vake?” Ivo vakati, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi, ndinoti kwamuri, vateresi nepfambi vachakutangirai kupinda muumambo hwaMwari. 32Nokuti Johani akakuunzirai gwara roururami asi imi hamuna kutenda maari asi vateresi nepfambi vakatenda maari. Kunyange pamakazviona hamuna kutendeuka muchitenda kwaari.
Muenzaniso wavarimi vakaipa
(Mak 12:1–12; Ruka 20:9–19)
33“Teererai munzwe mumwe muenzaniso. Kwaiva nomumwe saimba akarima munda wamagirepisi ndokuukomberedza noruzhowa. Akacheramo guvi rokusvinira waini. Akavakawo nharire ndokuupa kuna vamwe varimi vokuushandisa vachimubhadhara, iye ndokuenda zvake kune imwe nyika. 34Nguva yomuchero payakanga yava kusvika, akatuma varanda vake kuna vaya vaishandisa munda wake kuti awanewo muchero wake. 35Vaishandisa munda wake vaya vakabata varanda vake, mumwe vakamurova, mumwe vakamuuraya, mumwe vakamutaka namabwe. 36Akatumazve vamwe varanda, vakatowanda kupinda vokutanga vaya. Vakaita zvimwechetezvo kwavari. 37Mushure mezvo akatuma mwanakomana wake kwavari achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ 38Vaya vaishandisa munda pavakaona mwanakomana uya vakati pachavo, ‘Uyu ndiyeka mugari wenhaka, uyai timuuraye tizotora nhaka yake.’ 39Vakamutora vakamukanda kunze kwomunda wamagirepisi vakamuuraya. 40Saizvozvo, kana muridzi womunda wamagirepisi akauya achaitei kune vokushandisa munda wake vaya?” Ivo vakati kwaari, 41“Achaparadza vanhu vakaipa ava norufu rwakaipisisa, achazopa munda wamagirepisi iwoyo kuna vamwe vokuti vaushandise vachimubhadhara vachimupa michero panguva yayo.”
42Jesu akati kwavari, “Hamuna kumboverenga here muMagwaro Matsvene kuti, ‘Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova romusimboti rapakona? Uku kuita kwaTenzi uye kunotishamisa zvikuru.’ 43Naizvozvo, ndinoti kwamuri umambo hwaMwari muchahutorerwa huchipiwa kuno rudzi runobereka muchero yaho.”#21:43 Uyo anoputsikira padombo iroro anodanzurwa danzurwa asi rikawira munhu rinomupwanya. 45Vapristi vakuru navaFarisei pavakanzwa mienzaniso yake, vakazviona kuti aireva ivo. 46Vaida kuti vamusunge asi vakatya uzhinji hwavanhu nokuti vaimutora somuporofita.
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.