Mateu 22
22
Mufananidzo womutambo womuchato
(Ruka 14:15-24)
1Zvino Jesu akapindura, akataurazve navo nemifananidzo, akati, 2“Ushe hwedenga hungafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuchata; 3akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokerwa kumutambo wokuchata; vakaramba kuuya. 4Akatumazve vamwe varanda, akati, ‘Udzai vakakokwa, muti, tarirai, ndagadzira mabiko angu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabayiwa, zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumutambo wokuchata.’ 5Asi havana kurangarira, vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kukutengesa kwake; 6vamwe vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya. 7Zvino mambo akatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza vaya vakauraya, varanda vake akapisa guta ravo.
8“Zvino akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wokuchata wakagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa. 9Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo vose vamuNowana.’ 10Varanda ivavo vakaenda kunzira, vakaunganidza vose vavakawana, vakaipa navakanaka; imba yomuchato ikazara navagere pakudya.
11“Zvino mambo akati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona munhu asina kupfeka nguo yomuchato; 12akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda pano seiko, usina nguo yomuchato?’ ” Akanyarara.
13Zvino mambo akati kuvaranda, “Musungei makumbo namaoko, mumukandirei kunze murima; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.” 14“Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma.”
Kutera mutero waKesari
(Mako 12:13-17; Ruka 20:20-26)
15Zvino vaFarisi vakaenda kundorangana kuti vangamubata sei pakutaura kwake. 16Vakatuma kwaari vadzidzi vavo navaHerodhi, vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wechokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari nechokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; nokuti hamutariri zviri kunze kwomunhu. 17Zvino tiudzei, munofungeiko? Munhu anotenderwa kutera mutero waKesari here, kana kwete?”
18Asi Jesu akaziva kuipa kwavo, akati, “Munondiedzereiko, imi vanyengeri? 19Ndiratidzei mari yomutero.” Vakauya kwaari nedhenari. 20Zvino akati kwavari, “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?”
21Vakati kwaari, “ZvaKesari.” Akati kwavari, “Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.”
22Vakati vachinzwa izvozvo, vakashamiswa, vakamusiya, vakaenda.
Vanobvunza Jesu pamusoro pokumuka kwavakafa
(Mako 12:18-27; Ruka 20:27-40)
23Nezuva iro vaSadhusi vakasvika kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza, 24vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akati, kana munhu akafa asina vana, munun'una wake ngaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake vana. 25Kwatiri kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi wake; 26nokudarowo wechipiri, nowechitatu, kusvikira kuno wechinomwe. 27Shure kwavose mukadzi akafawo. 28Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko wavanomwe ava, nokuti vose vaiva naye.”
29Jesu akapindura, akati kwavari, “Marasika, nokusaziva Magwaro, kana simba raMwari. 30Nokuti pakumuka kwavakafa havawani, kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa kudenga. 31Asi kana kuri kumuka kwavakafa, hamuna kurava here zvamakaudzwa naMwari, paakati, 32‘Ini ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?’ Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu.”
33Vanhu vazhinji vachinzwa izvozvo, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
Murayiro mukuru
(Mako 12:28-34; Ruka 10:25-28)
34VaFarisi vakati vachinzwa kuti wapwisa vaSadhusi, vakaungana pamwechete. 35Mumwe wavo, mududziri womurayiro, akamubvunza, achimuedza, akati, 36“Mudzidzisi, murayiro mukuru pamirairo ndoupiko?”
37Akati kwaari, “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose. 38Ndiwo murayiro mukuru nowokutanga. 39Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu, ‘Ida wokwako, sezvaunozvida iwe.’ 40Murayiro wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri.”
Kristu Mwanakomana waDhavhidhi
(Mako 12:35-37; Ruka 20:41-44)
41Zvino vaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza, 42akati, “Munofungeiko pamusoro paKristu? Mwanakomana waaniko?” Vakati kwaari, “WaDhavhidhi.”
43Akati kwavari, “Dhavhidhi akagomutumidza seiko noMweya, Ishe wake, achiti,
44‘Ishe akati kuna Ishe wangu,
Gara kurudyi rwangu,
Kusvikira ndaisa vavengi vako pasi
petsoka dzako?’
45Zvino, kana Dhavhidhi achimutumidza Ishe, angagova mwanakomana wake seiko?” 46Kwakanga kusina munhu akagona kumupindura shoko, uye kwakanga kusina munhu akatsunga kumubvunza chinhu pazuva iro.
Currently Selected:
Mateu 22: SNA2002
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 22
22
Muenzaniso wamabiko omuchato
(Ruka 14:15–24)
1Jesu akataurazve kwavari nemienzaniso achiti, 2“Umambo hwedenga hungafanidzwe namambo akaitira mwanakomana wake mabiko omuchato. 3Akatuma varanda vake kundodaidza avo vakanga vakokwa kumabiko omuchato; asi havana kuda kuuya. 4Akatumazve vamwe varanda achiti indotaurirai vakakokwa vaya kuti, ‘Onai, ndagadzirira mabiko angu, ndabaya mombe, ndikabaya zvimhuru zvangu zvakakora. Zvose zvagadzirirwa. Chiuyai kumabiko omuchato.’ 5Asi ivo havana kumboita hanya nazvo, vakabva vatoenda zvavo, mumwe kupurazi yake, mumwe kushawo#22:5 Kushawo: Zvinoreva bhizinesi. yake.
6“Vamwewo vakatobata varanda vake vakavafumura vakavauraya. 7Mambo akashatirwa akatumira masoja ake akaparadza mhondi idzodzo. Akapisa guta ravo. 8Akazoti kuvaranda vake, ‘Muchato wagadzirirwa asi vaya vakakokwa vanga vasina kukodzera. 9Saka endai pamharadzano dzemigwagwa mundokoka kumabiko omuchato vose vamunenge makwanisa kuwana.’ 10Varanda vaya vakafamba nemigwagwa vakakokorodza vose vavakakwanisa kuwana, vakanaka navakaipa. Saizvozvo zimba romuchato rakazara navakanga vakokwa.
11“Mambo paakauya kuzoona vaeni, akaona imomo mumwe munhu akanga asina hanzu yomuchato. 12Akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina hanzu yomuchato?’ Akabva aomerwa nerokutaura. 13Mambo akati kuna vashandi vake, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande murima rokunze.’ ” Ikoko vanhu vachachema nokurumanidza mazino. 14Nokuti vazhinji vanodaidzwa asi vashoma ndivo vanosarudzwa.
Mutero kuna Siza
(Mak 12:13–17; Ruka 20:20–26)
15VaFarisei vakaenda vakandoita musangano kuti vangamubate sei mukutaura kwake. 16Vakatuma kwaari vadzidzi vavo pamwechete nevechikwata chokwaHerodhi vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu ari pachokwadi uye kuti munodzidzisa gwara raMwari zviri pachokwadi musingatyi munhu nokuti hamunei nechigaro chino munhu. 17Saka tiudzei kuti munofungei, zviri pamutemo here kutera mutero kuna Siza kana kuti kwete?” 18Jesu akaziva uipi hwavo akati, “Munondiedzereiko nhai imi vanyengedzi? 19Ndiratidzei mari yacho yamunotera nayo mutero.” Vakamuunzira mari chena yainzi dhenari. 20Jesu ndokuti kwavari, “Ko mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” 21Vakati, “NdezvaSiza.” Iye ndokuvati, “Ipai zvaSiza kuna Siza, mupewo zvaMwari kuna Mwari.” 22Pavakazvinzwa zvakavashamisa vakamusiya voenda zvavo.
Kumuka kwavakafa
(Mak 12:18–27; Ruka 20:27–40)
23Pazuva rimwechetero, vaSadhusei vakauyawo kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka kwavakafa hakuna. Vakamubvunza vachiti, 24“Mudzidzisi, Mosesi akati kana murume akafa asina vana munun'una wake anofanira kumugara nhaka kuti aberekere mukoma vana. 25Zvino pakati pedu kwaiva navarume, mukoma nomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora akafa asina kuita vana. Akasiya mukadzi wake kumunun'una wake. 26Ndizvozvowo zvakaitika kune wechipiri newechitatu kusvika kune wechinomwe. 27Mushure mavo vose, mukadzi uya akafa. 28Ko zvino pakumuka kwavakafa achava mukadzi woupi pavanomwe ivava nokuti akambova wavo vose zvavo?”
29Jesu akavapindura achiti, “Munokanganisa, nokuti hamuzivi Magwaro Matsvene uye simba raMwari. 30Nokuti pakumuka kwavanhu kubva kuvafi, havazoroori kana kuroorwa. Asi vanenge vaita savatumwa vokudenga.#22:30 Vatumwa vokudenga: Mamwe maBhaibhiri akare anoti vatumwa vaMwari. 31Pane zvokumuka kwavakafa hamuna kuverenga here zvakataurwa naMwari kwamuri achiti, 32‘Ndini Mwari waAbhurahamu naMwari Isaki, naMwari Jakobho. Haasi Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu?’ ” 33Uuzhinji hwavanhu pahwakazvinzwa hwakashamiswa nechidzidziso chake.
Mutemo mukuru
(Mak 12:28–34; Ruka 10:25–28)
34VaFarisei pavakanzwa kuti akapwisa vaSadhusei, vakaungana. 35Mumwe wavo aiva, gweta, akamubvunza mubvunzo wokumuedza achiti, 36“Mudzidzisi ndoupi murao mukuru mumutemo?”
37Jesu akati kwaari,
“Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo
wako wose nomweya wako wose
nepfungwa dzako dzose.
38Iwoyu ndiwo mutemo mukuru uye wokutanga.
39Wechipiri wakafanana naiwo unoti, ‘Ida mumwe wako
sokuda kwaunozviita iwe pachako.’
40Mirao miviri iyoyi ndiyo misimboti yemitemo yose navaporofita.”
Mesia mwana uye ndiTenzi waDhavhidhi
41VaFarisei pavakanga vakaungana, Jesu akavabvunza mubvunzo 42achiti, “Munofungei nezvaKristu? Mwanakomana waani?” Vakati kwaari, “Mwana waDhavhidhi.” 43Iye akati kwavari, “Ko sei Dhavhidhi, afemerwa naMweya Mutsvene, anomuti Tenzi paanoti,
44“ ‘Tenzi akati kuna tenzi wangu
gara kurudyi rwangu,
kusvikira ndaisa vavengi vako
pasi petsoka dzako?’
45Ko zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Tenzi,’ ko angave Mwana wake sei?” 46Hapana akagona kumupindura kana izwi zvaro. Uyewo kubvira pazuva iroro hapana akazofemerazve#22:46 Akazofemera: Tsunga. kumubvunza mibvunzo mimwe.
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.