Mateu 20
20
Mufananidzo wavashandi pamunda
1“Nokuti ushe hwokudenga hwakafanana nasaimba, akabuda mangwanani kundotsvakira munda wake wemidzambiringa vashandi. 2Akati atenderana navashandi kuvapa dhenari pazuva, akavatuma kumunda wake wemidzambiringa.
3“Akabuda nenguva inenge yechitatu, akaona vamwe vamire padare, vasina basa, 4akati kwavari, ‘Endai imiwo mumunda wemidzambiringa, ndigokupai zvakafanira.’ Vakaenda. 5Akabudazve nenguva inenge yechitanhatu neyepfumbamwe, akadarozve. 6Akabuda nenguva inenge yegumi neimwe, akawana vamwe vamire; akati kwavari, ‘Makamirireiko pano zuva rose musina basa.’ 7Vakati kwaari, ‘Nokuti hapana nomunhu akatipa basa.’ Akati kwavari, ‘Endai nemiwo mumunda wangu wemidzambiringa.’ 8Ava madekwana, mwene womunda wemidzambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi, uvape mubayiro wavo, uchitanga kunowokupedzisira, ugumire kune wokutanga.’
9“Zvino venguva inenge yegumi neimwe vakati vachiuya, mumwe nomumwe akapiwa dhenari. 10Vokutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti tichapiwa kupfuura; ivo vakapiwawo mumwe nomumwe dhenari. 11Vakati vachipiwa, vakapopotera saimba, 12vakati, ‘Ava vokupedzisira, vakashanda awa imwechete, mavaenzanisa nesu, takatambudzika zuva rose, tichipiswa nezuva.’ 13Akapindura, akati kunomumwe wavo, ‘Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhenari here? 14Tora zvako, uende, ndinoda kupa vokupedzisira sewe. 15Ko handina kutenderwa kuita pandinoda napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?’ ”
16“Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira.”
Jesu anovaudza zvorufu rwake nokumuka kwake
(Mako 10:32-34; Ruka 18:31-34)
17Jesu akati okwira Jerusaremu, akatora vadzidzi vake vane gumi navaviri vari voga, akati kwavari panzira,
18“Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru navanyori, vachamutongera rufu.
19“Vachamuisa kuvahedheni, kuti asekwe, aroveswe, aroverwe pamuchinjikwa, asi nezuva retatu achamutswazve.”
Vana vaZebhedhi vanokumbira kuitwa vakuru
(Mako 10:35-45)
20Zvino mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari navanakomana vavo, vachimupfugamira, kuzokumbira chinhu kwaari.
21Akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rayirai, kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kurudyi rwenyu, mumwe kuruboshwe, muushe hwenyu.”
22Asi Jesu akapindura, akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mukombe pandinozonwira ini, here?” Vakati kwaari, “Tingagona.”
23Akati kwavari, “Muchanwira henyu mukombe wangu, asi kugara kurudyi, nokuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.”
24Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vaviri vana vomunhu mumwe.
25Asi Jesu akavadanira kwaari, akati, “Munoziva kuti machinda avahedheni anovarayira, navakuru vavo vanoita simba navo. 26Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu. 27Ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu. 28Zvakaita soMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshandirwa, asi kushandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.”
Jesu anosvinudza mapofu maviri paJeriko
(Mako 10:46-52; Ruka 18:35-43)
29Vakati vachibva Jeriko, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera. 30Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere panzira, akati achinzwa kuti Jesu opfuura, akadanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” 31Vanhu vazhinji vakaarayira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!”
32Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
33Akati kwaari, “Ishe, kuti meso edu asvinudzwe.”
34Jesu akaanzwira tsitsi, akabata meso awo; pakarepo akasvinudzwa, akamutevera.
Currently Selected:
Mateu 20: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 20
20
Muenzaniso wavashandi mumunda wamagirepisi
1Umambo hwedenga hwakaita sasamusha akafumoenda kundotsvaka vashandi vokushanda mumunda wake wamagirepisi. 2Akawirirana navashandi mari yapazuva yedhenari, ndokuvatuma kumunda wake wamagirepisi. 3Akazobudazve paawa yechipfumbamwe mangwanani akaona vamwe vakamira zvavo pamusika. 4Akavati, “Imi endaiwo mumunda wamagirepisi. Ndichakupaiwo zvinokodzera.” 5Saizvozvo vakaenda. Akazobudazve paawa yegumi nembiri masikati neawa yechitatu masikati akaita zvimwechetezvo. 6Panguva inenge yechishanu zuva ravakuda kudoka akabuda akaona vamwe vakamira zvavo. Iye akati kwavari, “Ko munodarirei kungomira zvenyu kudai zuva rose musina chamuri kuita?” 7Vakati kwaari, “Nokuti hapana atitora kuti atipewo basa.” Iye akati, “Nemiwo endaiwo mumunda wamagirepisi.”
8Kumanheru muridzi womunda wamagirepisi akati kuno mutariri wake, “Chidaidza vashandi uvape mibayiro yavo utangise novokupedzisira uchigumisira nevokutanga.” 9Vaya vakapiwa basa paawa yechishanu manheru pavakauya, mumwe nomumwe wavo akagamuchira mubayiro wapazuva uya wedhenari. 10Vokutanga vaya pavakauyawo, vakafunga kuti vachagamuchira yakawanda, asi mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhenari. 11Pavairigamuchira vakanyunyutira saimba uya 12vachiti, “Ava vokupedzisira vashanda kweawa imwechete chete asi imi mavaenzanisa nesu, isu tabinduka zuva rose tichipiswa nezuva.” 13Asi iye akapindura mumwe wavo achiti, “Shamwari, handisi kukutadzira. Hauna kubvumirana neni here mubayiro wemari yedhenari? 14Iwe ingotora yako uende. Ndini ndasarudza zvangu kupa uyu wokupedzisira yakaenzana neyandakupa. 15Handibvumirwi here kuita madiro nezvinhu zvangu kana kuti une shanje nemwoyochena wangu here? 16Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, vokutangawo vachava vokupedzisira.”
Jesu anofanotaura nezvorufu nokumuka kwake
(Mak 10:32–34; Ruka 18:31–34)
17Jesu paakanga achikwira kuJerusaremu akatora vadzidzi gumi navaviri pachavo voga. Vari panzira akati kwavari, 18“Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Mwanakomana womunhu achaturirwa mumaoko avapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo. Vachamutongera rufu, 19vachimuisa mumaoko evechirudzi kuti anyombwe nokurohwa zvakanyanya achizorovererwa pamuchinjikwa asi iye achamutswa nezuva retatu.”
Chikumbiro chavamwe amai
(Mak 10:35–45)
20Amai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari nevanakomana vavo vakapfugama pamberi pake vakaisa chichemo chavo. 21Jesu akavati, “Munodeiko?” Ivo vakati kwaari, “Itai kuti, muumambo hwenyu, vanakomana vangu ava vaviri vagare vakati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.” 22Jesu akapindura achiti, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munogona here kunwa mukombe wamatambudziko#20:22 Wamatambudziko: Izwi iri harimo muchiGiriki asi rakaiswa pano apa kuti zvinoreva mukombe zvinzwike. wandichanwa.” Vakati kwaari, “Tinogona.” 23Iye akati kwavari, “Kunwa mukombe wandichanwa, muchaunwa, asi zvokugara kurudyi rwangu nokuruboshe rwangu handisini ndinozvipa, asi ndokweavo vakakugadzirirwa naBaba vangu.” 24Vamwe gumi vaya pavakazvinzwa vakashatirirwa mukoma nomunun'una vaya. 25Jesu akavadaidza akati kwavari, “Munozviziva imi kuti vatongi vechirudzi, pakutonga, vanoita zvomukundo uye vakuru vakuru vavo vanoita zvechisimba. 26Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. 27Uye ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, anofanira kuva muranda wenyu. 28Kunyange Mwanakomana womunhu, haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira vamwe uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”
Jesu akasvinudza mapofu maviri kuJeriko
(Mak 10:46–52; Ruka 18:35–43)
29Jesu navadzidzi vake pavakanga vavakubuda muJeriko vakateverwa negurumwandira ravanhu. 30Havo varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ari kupfuura nepo vakadaidzira vachiti, “Tinzwireiwo tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi.” 31Vanhu vazhinji vaya vakavatsiura vachivataurira kuti vanyarare, asi ivo vakatonyanya kudaidzira vachiti, “Tenzi Mwanakomana waDhavhidhi tinzwireiwo tsitsi.” 32Jesu akamira akavadaidza achiti, “Chii chamunoda kuti ndikuitirei?” 33Ivo vakati kwaari, “Tenzi, itai kuti maziso edu azaruke.” 34Jesu akavanzwira tsitsi akabata maziso avo. Pakarepo, ndokubva vava kuona vakamutevera.
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.