Mateu 19
19
Kurambana kwomurume nomukadzi
(Mako 10:1-12)
1Jesu akati apedza mashoko iwayo, akabva Gariria, akaenda kunyika yeJudhea mhiri kweJorodhani. 2Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, akavaporesapo.
3VaFarisi vakauya kwaari, vakamuedza, vachiti, “Ko munhu anotenderwa kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?”
4Akapindura, akati, “Hamuna kurava here, kuti uyo akavasika pakutanga, akavaita munhurume nomunhukadzi?” 5Akati, “Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe. 6Nokudaro havachiri vaviri, asi vava nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasanganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
7Vakati kwaari, “Mosesi wakagorayireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomuramba?”
8Akati kwavari, “Nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu Mosesi akakutenderai kuramba vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro. 9Ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe; noanowana wakarambwa, anoita upombwe.”
10Vadzidzi vakati kwaari, “Kana zvakadaro pakati pomurume nomukadzi, hazvina kunaka kuwana.”
11Asi iye akati kwavari, “Vose havagamuchiri shoko iri, asi avo vakazvipiwa. 12Nokuti ngomwa dziripo, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; ngomwa dziripo, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda kwoushe hwedenga. Angagamuchira shoko iri, ngaarigamuchire.”
Jesu anoropafadza vana vaduku
(Mako 10:13-16; Ruka 18:15-17)
13Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti aise maoko pamusoro pavo, avanyengeterere; vadzidzi vakavadzivisa. 14Asi Jesu akati kwavari, “Regai vana vaduku, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekudenga ndohwavakadai.” 15Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo.
Jaya mupfumi
(Mako 10:17-31; Ruka 18:18-30)
16Tarira, mumwe akauya kwaari, akati, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?”
17Akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Aripo mumwechete akanaka. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.”
18Akati kwaari, “Ipiko?” Jesu akati, “Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema; 19kudza baba vako namai vako, ude wokwako sezvaunozvida iwe.”
20Jaya rikati kwaari, “Izvozvo zvose ndakazvichengeta; ko chipi chandinoshayiwa?”
21Jesu akati kwaari, “Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere.” 22Asi jaya rakati richinzwa shoko iri, rikaenda rasuwa kwazvo; nokuti rakanga rine pfuma zhinji.
23Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvinoremera mupfumi kupinda muushe hwedenga.
24“Ndinoti kwamurizve, ngamera ingarerukirwa kupinda paburi petsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.”
25Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakakahadzika kwazvo, vakati, “Ndianiko angagoponeswa?”
26Jesu ndokuvatarira, akati kwavari, “Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.”
27Zvino Petirosi akapindura, akati kwaari, “Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; tichagopiweiko?” 28Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, imi makanditevera pakuberekwa kutsva, kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imiwo muchagara pazvigaro zvine gumi nezviviri, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri. 29Mumwe nomumwe akasiya dzimba, kana vakoma kana vanun'una, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvinezana, akagara nhaka yohupenyu husingaperi. 30Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.
Currently Selected:
Mateu 19: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 19
19
VI: KUUYA KWOUMAMBO HWOKUDENGA
A: CHIKAMU CHOKUTSANANGURA
Zvokurambana komurume nomukadzi
(Mak 10:1–12; Ruka 16:18)
1Jesu paakapedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda mudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani. 2Gurumwandira ravanhu rakamutevera akavaporesa ikoko. 3Zvino vamwe vaFarisei vakauya kwaari. Vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinobvumirwa here kuramba mukadzi wako pamusana pechikonzero chipi nechipi zvacho?”
4Jesu akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubvira pakutanga, akavasika vari murume nomukadzi 5akati, ‘Nechikonzero ichochi murume achasiya baba naamai vake achiva akabatanidzwa nomukadzi wake.’ Vaviri ivavo vachiva nyama imwechete. 6Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chinenge chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.”
7Ivo vakati kwaari, “Ko Mosesi akazoitirei kuti murume anofanira kupa mukadzi wake tsamba yokumurambisa nayo achibva amuramba.” 8Iye akati kwavari, “Pamusana pemwoyo yenyu yakaoma, Mosesi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu. Asi kubvira pakutanga zvakanga zvisina kudaro. 9Uye ini ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake kunze kokunge aita upombwe achizoroora mumwe anoita upombwe.”
10Vadzidzi vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro akaita zvinhu pane zvomurume nomukadzi zviri nani kusaroora.” 11Asi iye akati kwavari, “Havasi vose vanogona kuzvitambira izvozvo asi avo chete vanenge vakatozvipiwa. 12Nokuti kune vamwe vanoita utsvimborume kubvira chiberekerwo chavo. Vamwe vanoitiswa tsvimborume navanhu. Navamwewo vanosarudza kuva tsvimborume pamusana poumambo hwedenga. Uyo anokwanisa kugashira izvi ngaazvigashire.”
Jesu anokomborera vana vaduku
(Mak 10:13–16; Ruka 18:15–17)
13Zvino vamwe vanhu vakauisa vana kuna Jesu kuti aise maoko ake pavari achivanamatira. Vadzidzi vakarambidza vanhu ivavo. 14Asi Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hokudenga ndehwevakaita saivava.” 15Akaisa maoko ake pamusoro pavo ndokubva aenda.
Jaya rakanga rakapfuma
(Mak 10:17–31; Ruka 18:18–30)
16Mumwe murume akauya kwaari achiti, “Mudzidzisi chii chakanaka chandingaite kuti ndiwane upenyu husingaperi?” 17Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko kuti chakanaka chii? Akanaka ariko mumwechete. Kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mitemo.”
18Iye akati, “Ipi yacho?” Jesu akati, “Inoti, usauraye, usaite upombwe, usabe, usaite uchapupu hwenhema. 19Remekedza baba naamai vako ugoda mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.” 20Jaya riya rakati kwaari, “Yose iyi ndakaichengeta. Chimwe chandisina chii.”
21Jesu akati kwaari, “Kana uchida kuva munhu akaruramisisa, enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga, ugouya wonditevera.”
22Jaya riya parakazvinzwa rakaenda rasuruvara nokuti rakanga riine zvinhu zvakawanda.
Njodzi yokuva noupfumi
23Jesu akati kuna vadzidzi vake, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, ‘Zvichaoma zvikuru kuti mupfumi apinde muumambo hwedenga.’ 24Ndinotizve kwamuri, zvirinyore kuti nghamera ipinde napaburi retsono panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
25Vadzidzi pavakanzwa izvi vakashamiswa zvikuru vachiti, “Ko zvino ndiani angagone kuponeswa?” 26Jesu akavatarisa akati kwavari, “Kuvanhu, izvi hazvigoneki asi pana Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.”
Mubayiro waavo vanosiya zvenyika
27Ipapo Pita akapindura achiti, “Tarisai muone, isu takasiya zvose tikakuteverai. Zvino tichawanei?” 28Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Pakumutsurudzwa kwezvinhu patsva, Mwanakomana womunhu paanenge ogara pachigaro chake chembiri, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga madzinza gumi namaviri eIsiraeri. 29Munhu wose akasiya dzimba kana vakoma navanun'una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda pamusana pezita rangu, achagamuchira zvakapetwa kazana uye achizowana upenyu husingaperi. 30Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, vokupedzisira vachava vokutanga.’ ”
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.